< Jeremia 33 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kechipiri kuna Jeremia panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi richiti,
Potom stalo se slovo Hospodinovo k Jeremiášovi po druhé, když ještě zavřín byl v síni stráže, řkoucí:
2 “Zvanzi naJehovha, iye akaita nyika, naiye akaiumba uye akaisimbisa, Jehovha ndiro zita rake,
Takto praví Hospodin, kterýž učiní to, Hospodin, kterýž sformuje to, potvrdí toho, Hospodin jméno jeho:
3 ‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’
Volej ke mně, a ohlásímť se, a oznámímť věci veliké a tajné, o nichž nevíš.
4 Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pedzimba dziri muguta rino uye nomuzinda wamadzimambo eJudha zvakakoromorerwa pasi kuti zvishandiswe pakuputsa mirwi yakakomba guta neminondo,
Nebo takto praví Hospodin, Bůh Izraelský, o domích města tohoto, a o domích králů Judských, kteříž zkaženi býti mají berany válečnými a mečem:
5 mukurwisana navaBhabhironi, ‘Zvichazadzwa nezvitunha zvavanhu vandichauraya pakutsamwa kwangu nehasha dzangu. Ndichavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwaro kwose.
Potáhnouť k boji proti Kaldejským, ale aby naplnili tyto domy mrtvými těly lidskými, kteréž zbiji v hněvě svém a v prchlivosti své, pro jejichž všelikou nešlechetnost skryl jsem tvář svou od města tohoto.
6 “‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndicharivigira utano nokurapwa; ndicharapa vanhu vangu uye ndichaita kuti vave norugare rwakawanda uye nokuchengetedzeka.
Aj, já zopravuji je a vzdělám, a uzdravím obyvatele, a zjevím jim hojnost pokoje, a to stálého.
7 Ndichabvisazve Judha neIsraeri norugare kubva kuutapwa ndivavakezve sepakutanga.
Nebo přivedu zase zajaté Judské a zajaté Izraelské, a vzdělám je jako prvé,
8 Ndichavanatsa pachivi chose chavakanditadzira ndigovakanganwira zvivi zvavo zvose zvokundimukira.
A očistím je od všeliké nepravosti jejich, kterouž hřešili proti mně, a odpustím všecky nepravosti jejich, kterýmiž hřešili proti mně, a jimiž zpronevěřovali se mně.
9 Ipapo guta rino richandivigira mukurumbira, mufaro, kurumbidzwa nokukudzwa pamberi pendudzi dzose dzepanyika dzinonzwa zvakanaka zvose zvandinoriitira; dzichatya uye dzichadedera nokuda kwokukura kwokubudirira norugare rwandinoripa.’
A toť mi bude k jménu, k radosti, k chvále, a k zvelebení mezi všemi národy země, kteříž uslyší o všem tom dobrém, kteréž já jim učiním, a děsíce se, třásti se budou nade vším tím dobrým a nade vším pokojem tím, kterýž já jim způsobím.
10 “Zvanzi naJehovha: ‘Munoti pamusoro penzvimbo ino, “Yaparara, haina vanhu vanogaramo kana mhuka dzinogaramo.” Asi mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema makasiyiwa musina chinhu, musisagarwi navanhu kana nemhuka, muchanzwikwazve
Takto praví Hospodin: Na tomto místě, o kterémž vy říkáte: Popléněno jest, tak že není ani člověka ani žádného hovada v městech Judských a na ulicích Jeruzalémských zpustlých, tak že není žádného člověka, ani žádného obyvatele, ani žádného hovada,
11 manzwi nomufaro nokufarisisa, namanzwi emwenga nechikomba, namanzwi avaya vanouya nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha, vachiti, “‘“Vongai Jehovha Wamasimba Ose, nokuti Jehovha akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Nokuti ndichadzosazve pfuma yenyika iyi sezvayaiva iri kare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ještěť bude slýchán hlas radosti a hlas veselé, hlas ženicha a hlas nevěsty, hlas řkoucích: Oslavujte Hospodina zástupů, nebo dobrý jest Hospodin, nebo na věky milosrdenství jeho, a obětujících díkčinění v domě Hospodinově, když zase přivedu zajaté země této jako na počátku, praví Hospodin.
12 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Munzvimbo ino, yakaparara uye isina vanhu kana mhuka, mumaguta ayo ose aripo muchava namafuro avafudzi okuvatisa makwai avo.
Takto praví Hospodin zástupů: Na místě tomto popléněném, tak že není žádného člověka ani hovada, i ve všech městech jeho bude ještě obydlé pastýřů, kdež by chovali stáda.
13 Mumaguta enyika yezvikomo, neemujinga mezvikomo zvokumavirira neokuNegevhi, munyika yaBhenjamini, nomumisha yakapoteredza Jerusarema nomumaguta eJudha, makwai achapfuurazve napasi poruoko rwounoaverenga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
V městech při horách, v městech na rovinách a v městech v straně polední, tolikéž v zemi Beniaminově a vůkol Jeruzaléma, i v městech Judských, ještě procházívati budou stáda skrze ruce počítajícího, praví Hospodin.
14 “‘Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, andichazadzisa chivimbiso chenyasha chandakaita kuimba yaIsraeri nokuimba yaJudha.
Aj, dnové jdou, dí Hospodin, v nichž vykonám slovo to výborné, kteréž jsem mluvil o domu Izraelovu a o domu Judovu.
15 “‘Mumazuva iwayo uye nenguva iyoyo ndichameresa Davi rakarurama rinobva kurudzi rwaDhavhidhi; iye achatonga nyika nokururamisira uye nokururama.
V těch dnech a za času toho způsobím to, aby zrostl Davidovi výstřelek spravedlivý, kterýž konati bude soud a spravedlnost na zemi.
16 Mumazuva iwayo Judha achaponeswa, uye Jerusarema richagara rakachengetedzeka. Iri ndiro zita rarichatumidzwa: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.’
V těch dnech spasen bude Juda, a Jeruzalém bydliti bude bezpečně, a toť jest, což jemu přivolá Hospodin, spravedlnost naše.
17 Nokuti zvanzi naJehovha: ‘Dhavhidhi haangatongoshayiwi munhu angagara pachigaro choushe cheimba yaIsraeri,
Nebo takto praví Hospodin: Nebudeť vypléněn muž z rodu Davidova, ješto by neseděl na stolici domu Judského.
18 Kana vaprista, vorudzi rwaRevhi, havangashayiwi munhu angamira pamberi pangu nguva dzose kuti apisire zvipiriso, apisire zvipiriso zvezviyo uye ape zvibayiro.’”
Z kněží také Levítských nebude vypléněn muž od tváři mé, ješto by neobětoval zápalu, a zapaloval suchou obět, a obětoval obět po všecky dny.
19 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti:
Potom stalo se slovo Hospodinovo k Jeremiášovi, řkoucí:
20 “Zvanzi naJehovha: ‘Kana mukagona kuputsa sungano yangu namasikati uye nesungano yangu nousiku, zvokuti masikati nousiku zvirege kuvapo nenguva yakatarwa,
Takto praví Hospodin: Jestliže budete moci zrušiti smlouvu mou se dnem, a smlouvu mou s nocí, aby nebývalo dne ani noci časem svým:
21 ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu, nesungano yangu navaRevhi avo vanova vaprista vanoshumira pamberi pangu, ingagona kuputsika uye Dhavhidhi haangazovizve nomwanakomana angatonga ari pachigaro chake choushe.
Takéť smlouva má zrušena bude s Davidem služebníkem mým, aby neměl syna, kterýž by kraloval na stolici jeho, a s Levítskými kněžími, aby nebyli služebníky mými.
22 Ndichawanza vana vomuranda wangu Dhavhidhi navaRevhi vanoshumira pamberi pangu zvokusaverengeka senyeredzi dzedenga uye zvokusagona kuyerwa sejecha regungwa.’”
A jakož nemůže sečteno býti vojsko nebeské, ani změřen býti písek mořský, tak rozmnožím símě Davida služebníka svého, a Levítů mně přisluhujících.
23 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,
Opět stalo se slovo Hospodinovo k Jeremiášovi, řkoucí:
24 “Hauna kucherechedza here kuti vanhu ava vanoti, ‘Jehovha akaramba umambo hwose huri huviri hwaakanga asarudza’? Saka vari kushora vanhu vangu nokusavaona sorudzi.
Což nesoudíš, co lid tento mluví, říkaje: Že dvojí čeled, kterouž byl vyvolil Hospodin, již ji zavrhl, a lidem mým že pohrdají, jako by nebyl více národem před oblíčejem jejich.
25 Zvanzi naJehovha: ‘Kana ndikasasimbisa sungano yangu namasikati nousiku nemitemo yakatemwa yematenga napasi,
Takto praví Hospodin: Nebude-liť smlouva má se dnem a nocí, a ustanovení nebes i země zdržáno,
26 ipapo ndicharamba vana vaJakobho naDhavhidhi muranda wangu uye handingasarudzi mumwe wavanakomana vake kuti abate ushe pamusoro pavana vaAbhurahama, Isaka naJakobho. Nokuti ndichadzosa nhaka yavo uye ndichavanzwira tsitsi.’”
Také símě Jákobovo a Davida služebníka svého zavrhu, abych nebral z semene jeho těch, kteříž by panovati měli nad semenem Abrahamovým, Izákovým a Jákobovým, když zase přivedu zajaté jejich, a smiluji se nad nimi.

< Jeremia 33 >