< Jeremia 31 >
1 “Panguva iyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichava Mwari wamarudzi ose aIsraeri, naivo vachava vanhu vangu.”
Paa den Tid, siger Herren, vil jeg være alle Israels Slægters Gud, og de skulle være mit Folk.
2 Zvanzi naJehovha: “Vanhu vakapunyuka pamunondo vachawana nyasha mugwenga; ndichauya kuzopa zororo kuna Israeri.”
Saa siger Herren: Et Folk, som er overblevet fra Sværd, har fundet Naade i Ørken; jeg gaar hen for at skaffe Israel Hvile.
3 Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti: “Ndakakudai norudo rusingaperi; ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu.
Herren har ladet sig se for mig fra det fjerne: Jeg har elsket dig med en evig Kærlighed, derfor har jeg bevaret dig Miskundhed.
4 Ndichakuvakazve, ipapo uchavakwa, iwe Mhandara Israeri. Uchatorazve matambureni ako ugoenda kundotamba navanofara.
Endnu vil jeg opbygge dig, og du skal bygges, du Israels Jomfru! endnu skal du pryde dig med Pauker og gaa ud i de legendes Dans.
5 Zvakare, muchasima minda yemizambiringa pamusoro pezvikomo zveSamaria; varimi vachaisima, vagofadzwa nezvibereko zvayo.
Endnu skal du plante Vingaarde paa Samarias Bjerge; de, som plante, skulle plante dem og tage dem i Brug.
6 Pachava nezuva richadanidzira nharirire dziri pamusoro pezvikomo zveEfuremu, dzichiti, ‘Uyai, ngatikwidzei kuZioni, kuna Jehovha Mwari wedu.’”
Thi der kommer en Dag, da Vægtere paa Efraims Bjerg skulle raabe: Staar op, og lader os gaa op til Zion, til Herren vor Gud.
7 Zvanzi naJehovha: “Imbirai Jakobho nomufaro; pururudzirai mukuru wendudzi. Paridzai, rumbidzai, muchiti, ‘Haiwa Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara vaIsraeri.’
Thi saa siger Herren: Fryder eder over Jakob med Glæde, og jubler over det første af Folkene, lader det høres, priser og siger: Herre, frels dit Folk, det overblevne af Israel.
8 Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro, uye ndigovaunganidza kubva kumigumo yenyika. Pakati pavo pachava namapofu nezvirema, navanamai vane pamuviri navakadzi vanorwadziwa; boka guru richadzoka kuno.
Se, jeg fører dem fra Nordenland og vil samle dem fra det yderste af Jorden; iblandt dem skal der være blinde og halte, frugtsommelige og fødende til Hobe; de skulle komme hid tilbage som en stor Forsamling.
9 Vachauya vachichema; vachanyengetera pandinenge ndichivadzosa. Ndichavafambisa nepahova dzemvura, napanzira yakati chechetere yavasingagumburwi, nokuti ndiri baba vaIsraeri, uye Efuremu ndiye dangwe rangu.
De skulle komme med Graad, og under deres ydmyge Bønner vil jeg føre dem frem; jeg vil lede dem til Vandbække paa en jævn Vej, hvor de ikke skulle støde sig; thi jeg er bleven Israels Fader, og Efraim, han er min førstefødte Søn.
10 “Inzwai shoko raJehovha imi ndudzi dzose; muriparidze kuzviwi zviri kure muchiti: ‘Iye akaparadzira Israeri ndiye achavaunganidza, uye achavachengeta somufudzi anochengeta boka ramakwai ake.’
Hører, I Hedninger I Herrens Ord og kundgører det paa Øerne i det fjerne og siger: Den, som adspredte Israel, skal samle det og bevare det som en Hyrde sin Hjord.
11 Nokuti Jehovha achasunungura Jakobho, uye agovadzikinura kubva muruoko rwaivo vane simba kupinda ivo.
Thi Herren har løskøbt Jakob og igenløst ham af dens Haand, som var stærkere end han.
12 Vachauya vachipembera nomufaro pamusoro peZioni; vachafara nokupa zvakanaka kwaJehovha, nokuda kwezviyo, newaini itsva uye namafuta, makwayana nemombe. Vachafanana nebindu rakanyatsodiridzwa, uye havachazosuwazve.
Og de skulle komme og synge med Fryd paa Zions Høj og strømme til Herrens gode Gaver, til Korn og til Most og til Olie og til unge Faar og Øksne; og deres Sjæl skal være som en vandrig Have, og de skulle ikke herefter bedrøves mere.
13 Ipapo varandakadzi vachatamba uye vachafara, majaya navatana vachafarawo. Ndichashandura kuchema kwavo kuti kuve mufaro; ndichavanyaradza uye ndichavapa mufaro pachinzvimbo chokusuwa.
Da skal en Jomfru glæde sig i Dans, og unge og gamle til Hobe; og jeg vil vende deres Sorg til Glæde og trøste dem og glæde dem efter deres Bedrøvelse.
14 Ndichagutsa vaprista nezvakawanda, uye vanhu vangu vachazadzwa nokupa zvakanaka kwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Og jeg vil vederkvæge Præsternes Sjæl med det fede, og mit Folk, de skulle mættes med mine Gaver, siger Herren.
15 Zvanzi naJehovha: “Inzwi rinonzwikwa muRama, rokuungudza nokuchema kukuru, Rakeri achichema vana vake uye achiramba kunyaradzwa, nokuti vana vake havachipo.”
Saa siger Herren: Der er hørt en Røst i Rama, en Klage, en bitter Graad, Rakel græder over sine Børn; hun vægrer sig ved at lade sig trøste over sine Børn, thi de ere ikke mere til.
16 Zvanzi naJehovha: “Dzora inzwi rako pakuchema nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi.
Saa siger Herren: Hold din Røst fra Graad og dine Øjne fra Taarer; thi der er Løn for dit Arbejde, siger Herren; og de skulle komme tilbage fra Fjendens Land.
17 Saka ramangwana rako rine tariro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vana vako vachadzokera kunyika yavo.”
Og der er Haab for din sidste Tid, siger Herren; og Børnene skulle komme igen til deres Landemærker.
18 “Zvirokwazvo ndanzwa kuchema kwaEfuremu achiti: ‘Makandirova semhuru isina kupingudzwa, nokudaro ndakarangwa. Ndidzorei, ipapo ndichadzoka, nokuti imi ndimi Jehovha Mwari wangu.
Jeg har hørt Efraim ynkeligt klage: Du har tugtet mig, og jeg er tugtet som en Kalv, der ikke er tæmmet; omvend mig, og jeg vil omvende mig; thi du er Herren min Gud.
19 Mushure mokutsauka kwangu, ndakatendeuka; ndakati ndanzwisisa ndakazvirova chipfuva. Ndakanyadziswa uye ndakaninipiswa nokuti ndakatakura nyadzi dzouduku hwangu.’
Thi efter at jeg havde vendt mig bort, angrede jeg det, og efter at jeg var kommen til at erkende det, slog jeg mig paa Hoften; jeg var beskæmmet og skammede mig, thi jeg maatte bære min Ungdoms Skændsel.
20 Ko, Efuremu haasi mwanakomana wangu anodikanwa, mwana anondifadza here? Kunyange ndichimupikisa kazhinji, ndinoramba ndichimurangarira. Naizvozvo, mwoyo wangu unomushuva; ndinomunzwira tsitsi kwazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Er da Efraim mig en dyrebar Søn? eller er han mit Yndlingsbarn? thi saa ofte jeg end har talt imod ham, kommer jeg ham dog endnu flittigt i Hu; derfor bruser mit Indre for ham, jeg vil forbarme mig over ham, siger Herren.
21 “Zvimisirei shongwe dzenzira; misai zvikwangwani. Cherechedzai mugwagwa mukuru, mugwagwa wamunofamba nawo. Dzoka, iwe Mhandara Israeri, dzokera kumaguta ako.
Oprejs dig Vejvisere, sæt dig Mærkestene, agt vel paa Stien, den Vej, ad hvilken du gik bort; vend tilbage, du Israels Jomfru, vend tilbage til disse dine Steder.
22 Uchadzungaira kusvikira rinhiko, iwe mwanasikana wokusatendeka? Jehovha achasika chinhu chitsva panyika, zvokuti mukadzi achambundikira murume.”
Hvor længe vil du fare omkring, du frafaldne Datter; thi Herren skaber nyt paa Jorden: Kvinde skal omgive Manden.
23 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: “Pandichavadzosazve kubva kuutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’
Saa siger den Herre Zebaoth, Israels Gud: Endnu skulle de sige dette Ord i Judas Land og i hans Stæder, naar jeg omvender deres Fangenskab: Herren velsigne dig, du Retfærdigheds Bolig! du hellige Bjerg!
24 Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo.
Og Juda og alle hans Stæder skulle bo derudi til Hobe, de, som dyrke Ageren, og de, som drage om med Hjorden.
25 Ndichasimbisa vanenge vaneta uye ndichagutsa vanenge vaziya.”
Thi jeg vederkvæger den trætte Sjæl og mætter hver vansmægtet Sjæl.
26 Ipapo ndakamuka ndokuringa-ringa. Ndakanga ndarara zvakanaka.
Derfor vaagnede jeg op og saa, og min Søvn var mig sød.
27 “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichasima muimba yaIsraeri nomuimba yaJudha zvibereko zvavanhu nezvibereko zvemhuka.
Se, de Dage komme, siger Herren, da jeg vil besaa Israels Hus og Judas Hus med en Sæd af Folk og med en Sæd af Kvæg.
28 Sezvandakavarindira kuti ndidzure, ndikoromore, uye ndiwisire pasi, ndiparadze, ndiuyise njodzi, saizvozvo ndichavarindira, kuti ndivake uye ndisime,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Og det skal ske, at ligesom jeg var aarvaagen over dem til at oprykke og til at nedrive og til at nedbryde og til at ødelægge og til at handle ilde med dem: Saaledes vil jeg være aarvaagen over dem til at bygge og til at plante, siger Herren.
29 “Mumazuva iwayo vanhu havangazoti, “‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, mazino avana akaita hwadzira.’
I de Dage skulle de ikke mere sige: Fædrene aade sure Druer, og Børnenes Tænder bleve ømme;
30 Asi, mumwe nomumwe achafa nokuda kwezvakaipa zvake; ani naani anodya mazambiringa anovava, mazino ake achaita hwadzira.
men enhver skal dø for sin egen Misgernings Skyld, hvert Menneske, som æder de sure Druer, hans Tænder skulle blive ømme.
31 “Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.
Se, de Dage komme, siger Herren, da jeg vil slutte en ny Pagt med Israels Hus og med Judas Hus;
32 Haingazofanani nesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata ruoko kuti ndivabudise munyika yeIjipiti, nokuti vakaputsa sungano yangu, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
ikke efter den Pagt, som jeg sluttede med deres Fædre, der jeg tog dem ved Haanden for at udføre dem af Ægyptens Land, hvilken Pagt med mig de brøde, endskønt jeg var deres Ægtemand, siger Herren;
33 “Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo uye ndigounyora mumwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
men dette er Pagten, som jeg vil slutte med Israels Hus, efter disse Dage, siger Herren: Jeg giver min Lov i deres Indre og skriver den i deres Hjerte, og jeg vil være deres Gud, og de skulle være mit Folk.
34 Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wake kana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo, uye handingarangaririzve zvivi zvavo.”
Og de skulle ikke mere lære nogen sin Næste eller nogen sin Broder, sigende: Kender Herren; thi de skulle alle kende mig, baade de smaa og de store iblandt dem, siger Herren; thi jeg vil forlade dem deres Skyld og ikke ydermere komme deres Synd i Hu.
35 Zvanzi naJehovha, iye anogadza zuva kuti rivhenekere masikati, anoisa chirevo kumwedzi nenyeredzi kuti zvivhenekere usiku, iye anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose, ndiro zita rake:
Saa siger Herren, som sætter Solen til Lys om Dagen, Maanens og Stjernernes Love til Lys om Natten, han, som oprører Havet, at dets Bølger bruse, Herre Zebaoth er hans Navn:
36 “Kana chete mitemo iyi ikabva pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndiko kuti zvizvarwa zvaIsraeri zvigume kuva rudzi pamberi pangu.”
Dersom disse Love vige for mit Ansigt, siger Herren, da skal og Israels Sæd ophøre med at være et Folk for mit Ansigt alle Dage.
37 Zvanzi naJehovha: “Kana chete matenga ari kumusoro akagona kuyerwa, uye nheyo dzenyika dziri pasi dzikagona kunzverwa, ipapo ndipo pandingarambe zvizvarwa zvaIsraeri nokuda kwezvose zvavakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Saa siger Herren: Dersom Himlene heroventil kunne maales, og Jordens Grundvold hernedentil kan udforskes, saa vil jeg og forkaste al Israels Sæd for alt det, som de have gjort, siger Herren.
38 “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichavakirazve guta kubva paShongwe yeHananeri kusvikira paSuo reKona.
Se, de Dage komme, siger Herren, da Staden skal bygges for Herren, fra Hananeels Taarn indtil Hjørneporten.
39 Rwodzi rwokuyera ruchatandavara kubva ipapo kusvikira kuchikomo cheGarebhi ndokudzoka ruchisvika kuGoa.
Og over for den skal Maalesnoren gaa videre over Garebs Høj og vende sig om imod Goat.
40 Mupata wose unorasirwa zvitunha namadota, neminda yose kusvikira kuMupata weKidhironi kumabvazuva kusvikira kukona reSuo raMabhiza, zvichava zvitsvene kuna Jehovha. Guta harichazombodzurwi kana kuparadzwazve.”
Og den hele Dal med Aadslerne og Asken og alle Markerne indtil Kedrons Bæk, indtil Hesteportens Hjørne imod Østen skal være Herren en Helligdom; den skal ikke forstyrres og ikke nedbrydes mere evindelig.