< Jeremia 30 >

1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti,
ヱホバよりヱレミヤにのぞめる言いふ
2 “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Nyora mubhuku mashoko ose andakakuudza.
イスラエルの神ヱホバかく告ていふ我汝に言し言をことごとく書に錄せ
3 Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘andichadzosa vanhu vangu, vaIsraeri navaJudha kubva kuutapwa. Uye ndichavadzosera kunyika yandakapa madzitateguru avo kuti ive yavo,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.”
ヱホバいふわれ我民イスラエルとユダの俘囚人を返す日きたらんヱホバこれをいふ我彼らをその先祖にあたへし地にかへらしめん彼らは之をたもたん
4 Aya ndiwo mashoko akataurwa naJehovha pamusoro peIsraeri neJudha:
ヱホバのイスラエルとユダにつきていひたまひし言は是なり
5 “Zvanzi naJehovha: “‘Tinonzwa kuchema kwevanotya, kwokutyisidzirwa, kwete kworugare.
ヱホバかくいふ我ら戰慄の聲をきく驚懼あり平安あらず
6 Bvunzai muone: Ko, murume angagona kusununguka mwana here? Zvino, seiko ndichiona murume mumwe nomumwe akasimba akabata padumbu pake namaoko ake somukadzi orwadziwa, zviso zvose zvachenuruka?
汝ら子を產む男あるやを尋ね觀よ我男が皆子を產む婦のごとく手をその腰におき且その面色皆靑く變るをみるこは何故ぞや
7 Haiwa, zuva iro richatyisa seiko! Hakuna richafanana naro. Ichava nguva yaJakobho yokutambudzika, asi achaponeswa pairi.
哀しいかなその日は大にして之に擬ふべき日なし此はヤコブの患難の時なり然ど彼はこれより救出されん
8 “‘Pazuva iro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichavhuna joko pamitsipa yavo uye ndichadambura zvisungo zvavo; havachazoitwizve varanda navatorwa.
萬軍のヱホバいふ其日我なんぢの項よりその軛をくだきはなし汝の繩目をとかん異邦人は復彼を使役はざるべし
9 Asi, vachashumira Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo, iye wandichavamutsira.
彼らは其神ヱホバと我彼らの爲に立んところの其王ダビデにつかふべし
10 “‘Saka, usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka, iwe Israeri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Zvirokwazvo ndichakuponesa kubva kunyika iri kure, zvizvarwa zvako kubva kunyika youtapwa hwavo. Jakobho achavazve norunyararo uye nokuchengetedzeka, uye hakuna achazomutyisa.
ヱホバいふ我僕ヤコブよ懼るる勿れイスラエルよ驚く勿れ我汝を遠方より救ひかへし汝の子孫を其とらへ移されし地より救ひかへさんヤコブは歸りて平穩と寧靜をえん彼を畏れしむる者なかるべし
11 Ndinewe uye ndichakuponesa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Kunyange zvazvo ndakaparadza chose ndudzi dzose dzandakakuparadzira pakati padzo, handingazokuparadze zvachose iwe. Ndichakuranga asi nokururamisira chete; handingakusiyi usina kurangwa zvachose.’
ヱホバいふ我汝と偕にありて汝を救はん設令われ汝を散せし國々を悉く滅しつくすとも汝をば滅しつくさじされど我道をもて汝を懲さん汝を全たく罰せずにはおかざるべし
12 “Zvanzi naJehovha: “‘Ronda rako harirapiki, kukuvadzwa kwako hakupori.
ヱホバかくいふ汝の創は愈ず汝の傷は重し
13 Hakuna anokureverera mhaka yako, vanga rako harina mushonga, hapana kuporeswa kwako.
汝の訟を理す者なく汝の創を裹む膏藥あらず
14 Vose vaikuda vakakukanganwa; havachina hanya newe. Ndakakurova sezvinoitwa nomuvengi ndikakuranga sezvinoitwa neano utsinye nokuti mhosva yako ihuru uye zvivi zvako zvakawanda.
汝の愛する者は皆汝を忘れて汝を求めず是汝の愆の多きと罪の數多なるによりて我仇敵の撃がごとく汝を撃ち嚴く汝を懲せばなり
15 Unochemeiko pamusoro pevanga rako, nokurwadziswa kwako kusingarapike? Nokuda kwokukura kwemhaka yako nezvivi zvizhinji ndakaita zvinhu izvi kwauri.
何ぞ汝の創のために叫ぶや汝の患は愈ることなし汝の愆の多きと罪の數多なるによりて我これを汝になすなり
16 “‘Asi vose vanokudya iwe vachadyiwawo; vavengi vako vose vachaenda kuutapwa. Vanokupamba, vachapambwawo; vose vanokuparadza, ndichavaparadzawo.
然どすべて汝を食ふ者は食はれすべて汝を虐ぐる者は皆とらはれ汝を掠むる者は掠められん凡て汝の物を奪ふ者は我これをして奪はるる事にあはしむべし
17 Asi ndichakudzorera pautano uye ndichaporesa maronda ako,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti iwe wakanzi murashwa, Zioni zvaro risina ane hanya naro.’
ヱホバいふ我汝に膏藥を貼り汝の傷を醫さんそは人汝を棄られし者とよび尋る者なきシオンといへばなり
18 “Zvanzi naJehovha: “‘Ndichadzosazve pfuma yamatende aJakobho uye ndichanzwira ugaro hwake tsitsi; guta richavakwazve pamatongo aro, nomuzinda uchamira panzvimbo yawo yakafanira.
ヱホバかくいふ視よわれかの擄移されたるヤコブの天幕をかへし其住居をあはれまん斯邑はその故の丘垤に建られん城には宜き樣に人住はん
19 Nziyo dzokuvonga dzichabva kwavari uye nenzwi romufaro. Ndichawedzera kuwanda kwavo, uye havangatapudzwi; ndichavavigira kukudzwa, uye havangadukupiswi,
感謝と歡樂者の聲とその中よりいでん我かれらを增ん彼ら少からじ我彼らを崇せん彼ら藐められじ
20 Vana vavo vachava sepamazuva ekare, uye ungano yavo ichasimbiswa pamberi pangu; ndicharanga vose vanovamanikidza.
其子は疇昔のごとくあらん其集會は我前に固く立ん凡かれを虐ぐる者は我これを罰せん
21 Mutungamiri wavo achava mumwe wokwavo; anovabata ushe achamutswa pakati pavo. Ndichamuswededza pedyo uye iye achaswedera pedyo neni, nokuti ndianiko achazvipira kuti ave pedyo neni?’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
其首領は本族よりいで其督者はその中よりいでん我彼をちかづけ彼に近かん誰かその生命を繋て我に近くものあらんやとヱホバいふ
22 ‘Saka muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.’”
汝等は我民となり我は汝らの神とならん
23 Tarirai, dutu raJehovha richaputika mukutsamwa kwake, mhepo inovhuvhuta ichimona pamisoro yavakaipa.
みよヱホバの暴風あり怒と旋轉風いでて惡人の首をうたん
24 Kutsamwa kunotyisa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza zvinovavarirwa nomwoyo wake. Mumazuva anouya muchanzwisisa izvozvi.
ヱホバの烈き忿はかれがその心の思を行ひてこれを遂るまでは息じ末の日に汝ら明にこれを曉らん

< Jeremia 30 >