< Jeremia 3 >

1 “Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akamusiya hake akandowanikwa nomumwe murume, murume uyu angadzokerazve kwaari here? Ko, nyika haingasvibiswi here? Asi iwe wakararama sechifeve navadiwa vazhinji, zvino ungadzokera kwandiri here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“If a man divorces his wife and she goes from him and becomes another man's wife, will he return to her again? Would that land not be greatly polluted? You have lived as a prostitute who has many lovers; and would you return to me?—this is Yahweh's declaration.
2 “Tarira kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti uone. Iripo here nzvimbo yausina kumboitira ufeve? Mujinga menzira wakagaramo wakamirira zvikomba, wakagara kunge vanhu vouragu vari murenje. Wakasvibisa nyika noufeve hwako uye nezvakaipa zvako.
Lift up your eyes to the barren heights and look! Is there any place where you have not had illicit sex? By the roadsides you sat waiting for your lovers, as an Arab in the wilderness. You have polluted the land with your prostitution and wickedness.
3 Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha, uye nemvura yomuchirimo haina kunaya.
So the showers have been withheld and the spring rains have not come; yet you have the forehead of a prostitute; you refuse to be ashamed.
4 Ko, handiti uchangobva pakundidana here uchiti, ‘Baba vangu, shamwari yangu kubva pauduku hwangu,
Have you not just now called to me: 'My father! My closest friend even from my youth!
5 muchagara makatsamwa here? Kutsamwa kwenyu kucharamba kuripo nokusingaperi here?’ Aya ndiwo matauriro ako, asi unoita zvakaipa zvose zvaunogona kuita.”
Will he always be angry? Will he always keep his wrath to the end?' Look! This is what you have said, but you do all the evil you can!”
6 Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, “Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo.
Then Yahweh said to me in the days of Josiah the king, “Do you see what faithless Israel has done? She has gone up every high hill and under every leafy tree, and there she has acted like a prostitute.
7 Ndakafunga kuti mushure mokuita kwake izvi zvose, achadzokera kwandiri asi iye haana, uye mununʼuna wake Judha wokusatendeka akazviona.
I said, 'After she does all these things, she will return to me,' but she did not return. Then her faithless sister Judah saw these things.
8 Ndakapa Israeri wokusatendeka tsamba yokurambana ndikamudzinga nokuda kwoufeve hwake. Kunyange zvakadaro ndakaona kuti Judha mununʼuna wake wokusatenda haatyi; naiyewo akabuda akandoita ufeve.
So I saw that, in the same way that faithless Israel had committed adultery and I had sent her away and had given a bill of divorce against her, her faithless sister Judah did not fear; she also went out and acted like a prostitute.
9 Nokuti ufeve hwaIsraeri hahuna zvahwakareva kwaari, akasvibisa nyika nokufeva namabwe namatanda.
Her prostitution was nothing to her; she defiled the land, and she committed adultery with stones and trees.
10 Kunyange izvi zvakadaro, mununʼuna wake Judha wokusatendeka haana kudzokera kwandiri nomwoyo wake wose, asi kunyengera chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Then after all of this, her faithless sister Judah returned to me, not with all her heart, but with a lie—this is Yahweh's declaration.”
11 Jehovha akati kwandiri, “Israeri wokusatenda akarurama kukunda Judha wokusatendeka.
Then Yahweh said to me, “Faithless Israel has been more righteous than faithless Judah!
12 Enda undoparidza shoko iri kurutivi rwokumusoro uchiti, “‘Dzokai imi Israeri vokusatenda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘Handichazorambi ndakafinyamisa chiso changu kwamuri, nokuti ndizere nengoni,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi.
Go and proclaim these words to the north. Say, 'Return, faithless Israel!—this is Yahweh's declaration—I will not always be angry with you. Since I am faithful—this is Yahweh's declaration—I will not stay angry forever.
13 Imi zivai mhosva yenyu chete, kuti makamukira Jehovha Mwari wenyu, mukafadza vamwari vavatorwa muri pasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira, uye hamuna kunditeerera,’” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Acknowledge your iniquity, for you have transgressed against Yahweh your God; you have shared your ways with strangers under every leafy tree! For you have not listened to my voice!—this is Yahweh's declaration.
14 “Dzokai, imi vanhu vokusatenda,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni.
Return, faithless people!—this is Yawheh's declaration—I am your husband! I will take you, one from a city and two from a family, and I will bring you to Zion!
15 Ipapo ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, ivo vachakutungamirirai noruzivo nokunzwisisa.
I will give you shepherds after my heart, and they will shepherd you with knowledge and insight.
16 Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve.
Then it will happen that you will increase and bear fruit in the land in those days—this is Yahweh's declaration-they will no longer say, “The ark of the covenant of Yahweh!” This matter will no longer come up in their hearts or be remembered; it will not be missed, and another one will not be made.'
17 Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti Chigaro choUshe chaJehovha, uye ndudzi dzose dzichaungana muJerusarema kuzokudza zita raJehovha. Havachazoteverizve kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa.
In that time they will proclaim about Jerusalem, 'This is Yahweh's throne,' and all the other nations will gather at Jerusalem in Yahweh's name. They will no longer walk in the stubbornness of their wicked hearts.
18 Mumazuva iwayo imba yaJudha ichabatana neimba yaIsraeri, uye vose pamwe chete vachauya vachibva kunyika yokumusoro vachienda kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka.
In those days, the house of Judah will walk with the house of Israel. They will come together from the land of the north to the land that I gave your ancestors as an inheritance.
19 “Ini pachangu ndakati, “‘Ndichafara sei pakukubatai savanakomana vangu uye ndichikupai nyika inoyevedza, iyo nhaka yakaisvonaka yorudzi rupi zvarwo.’ Ndakafunga kuti muchanditi ‘Baba’ mukasazotsauka pakunditevera.
As for me, I said, 'How I want to treat you as my son and give you a pleasant land, an inheritance more beautiful than what is in any other nation!' I would have said, 'You will call me “my father”.' I would have said that you would not turn from following me.
20 Asi sezvinoita mukadzi asina kutendeka kumurume wake, saizvozvo makanga musina kutendeka kwandiri, imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
But like a woman faithless to her husband, you have betrayed me, house of Israel—this is Yahweh's declaration.”
21 Kuchema kunonzwika panzvimbo dzakakwirira dzisina miti, iko kuchema nokuteterera kwavanhu veIsraeri, nokuti vakaminamisa nzira dzavo uye vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.
A voice is heard on the plains, the weeping and pleading of the people of Israel! For they have changed their ways; they have forgotten Yahweh their God.
22 “Dzokai, imi vanhu vokusatenda; ndichakurapai pakudzokera kwenyu shure.” “Hongu, tichauya kwamuri, nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu.
“Return, faithless people! I will heal you of treachery!” “Behold! We will come to you, for you are Yahweh our God!
23 Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo, napamakomo unyengeri; zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedu ndimo mune ruponeso rwaIsraeri.
Surely lies come from the hills, a confusing noise from the mountains; surely Yahweh our God is the salvation of Israel.
24 Kubva pauduku hwedu nyadzi dzakadya zvibereko zvamabasa amadzibaba edu, makwai avo, nemombe dzavo, vanakomana navanasikana vavo.
Yet shameful idols have consumed what our ancestors have worked for— their flocks and cattle, their sons and daughters!
25 Ngativatei pasi munyadzi dzedu, uye kunyara kwedu ngakutifukidze. Takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu tose namadzibaba edu; kubva pauduku hwedu kusvikira nhasi hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu.”
Let us lie down in shame. May our shame cover us, for we have sinned against Yahweh our God! We ourselves and our ancestors, from the time of our youthfulness to this present day, have not listened to the voice of Yahweh our God!”

< Jeremia 3 >