< Jeremia 23 >

1 “Vane nhamo vafudzi vari kuparadza uye vari kuparadzira makwai amafuro angu!” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Ole wao wachungaji wanaoharibu na kutawanya kondoo wa malisho yangu!” asema Bwana.
2 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, kuvafudzi vanofudza vanhu vangu: “Nemhaka yokuti makaparadzira makwai angu mukaadzingira kure uye mukasava nehanya nawo, ndichaisa rushamhu pamusoro penyu nokuda kwezvakaipa zvamakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Kwa hiyo hili ndilo Bwana, Mungu wa Israeli, analowaambia wachungaji wanaowachunga watu wangu: “Kwa sababu mmelitawanya kundi langu na kuwafukuzia mbali, wala hamkuwatunza, basi mimi nitawaadhibu kwa ajili ya uovu mliofanya,” asema Bwana.
3 “Ini pachangu ndichaunganidza akasara amakwai angu kubva kunyika dzose dzandakanga ndaadzingira uye ndichaadzosera kumafuro awo, kwaachava nezvibereko uye kwaachawanda.
“Mimi mwenyewe nitayakusanya mabaki ya kundi langu kutoka nchi zote ambazo nimewafukuzia, nami nitawarudisha katika malisho yao, mahali ambapo watazaa na kuongezeka idadi yao.
4 Ndichagadza vafudzi pamusoro pavo vachaafudza, uye havazotyi kana kuvhunduka, uye hakuna rimwe rawo ringashayikwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Nitaweka wachungaji juu yao ambao watawachunga, nao hawataogopa tena au kutishwa, wala hatapotea hata mmoja,” asema Bwana.
5 “Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “pandichamutsira Dhavhidhi Davi rakarurama, Mambo achatonga nouchenjeri nokururamisira uye nokuita zvakarurama munyika.
Bwana asema, “Siku zinakuja, nitakapomwinulia Daudi Tawi lenye haki, Mfalme atakayetawala kwa hekima, na kutenda lililo haki na sawa katika nchi.
6 Pamazuva ake Judha achaponeswa uye Israeri achagara norugare. Zita rake raachatumidzwa ndirori rokuti: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.
Katika siku zake, Yuda ataokolewa na Israeli ataishi salama. Hili ndilo jina atakaloitwa: Bwana Haki Yetu.
7 Naizvozvo zvino mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “avasingazoti, ‘NaJehovha mupenyu iye akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti,’
“Hivyo basi, siku zinakuja, wakati ambapo watu hawatasema tena, ‘Hakika kama Bwana aishivyo, aliyewapandisha Waisraeli kutoka Misri,’
8 asi vachazoti, ‘NaJehovha mupenyu, akabudisa vana vaIsraeri kubva kunyika yokumusoro nokunyika dzose kwaakanga avadzingira.’ Ipapo vachagara munyika yavo.”
bali watasema, ‘Hakika kama Bwana aishivyo, aliyewatoa wazao wa Israeli kutoka nchi ya kaskazini na nchi zote alizokuwa amewafukuzia,’ asema Bwana. Ndipo wataishi katika nchi yao wenyewe.”
9 Kana vari vaprofita: Mwoyo wangu waputsika mukati mangu; mapfupa angu ose anodedera. Ndakaita somunhu akadhakwa, somunhu akundwa newaini, nokuda kwaJehovha uye nokuda kwamashoko ake matsvene.
Kuhusu manabii: Moyo wangu umevunjika ndani yangu; mifupa yangu yote inatetemeka. Nimekuwa kama mtu aliyelewa, kama mtu aliyelemewa na divai, kwa sababu ya Bwana na maneno yake matakatifu.
10 Nyika izere nemhombwe; nyika yaoma nokuda kwokutukwa uye mafuro omugwenga aoma. Vaprofita votevera nzira yakaipa uye vanoshandisa simba ravo nokusarurama.
Nchi imejaa wazinzi; kwa sababu ya laana, nchi imekauka na malisho yaliyoko nyikani yamekauka. Mwenendo wa manabii ni mbaya na mamlaka yao si ya haki.
11 “Muprofita nomuprista vose havana umwari; kunyange mutemberi yangu ndinowana kuipa kwavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Nabii na kuhani wote si wacha Mungu; hata hekaluni mwangu ninaona uovu wao,” asema Bwana.
12 “Naizvozvo nzira yavo ichatsvedza; vachadzingirwa kurima uye ikoko ndiko kwavachawira. Ndichauyisa njodzi pamusoro pavo mugore ravacharangwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Kwa hiyo mapito yao yatakuwa utelezi, watafukuziwa mbali gizani na huko wataanguka. Nitaleta maafa juu yao katika mwaka wa kuadhibiwa kwao,” asema Bwana.
13 “Pakati pavaprofita veSamaria ndakaona chinhu chinonyangadza ichi: Vakaprofita naBhaari, uye vakatungamirira vanhu vangu vaIsraeri mukurasika.
“Miongoni mwa manabii wa Samaria nililiona jambo la kuchukiza: Walitabiri kwa Baali na kuwapotosha Israeli watu wangu.
14 Uye pakati pavaprofita veJerusarema ndakaona chimwe chinhu chinonyangadza: Vanoita upombwe uye vanoreva nhema. Vanosimbisa maoko evaiti vezvakaipa, zvokuti hakuna anodzoka pazvakaipa zvake. Vose vakaita seSodhomu kwandiri; vanhu veJerusarema vakaita seGomora.”
Nako miongoni mwa manabii wa Yerusalemu nimeona jambo baya sana: Wanafanya uzinzi na kuenenda katika uongo. Wanatia nguvu mikono ya watenda mabaya, kwa ajili hiyo hakuna yeyote anayeachana na uovu wake. Wote wako kama Sodoma kwangu; watu na Yerusalemu wako kama Gomora.”
15 Naizvozvo, zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, pamusoro pavaprofita: “Ndichaita kuti vadye kudya kunovava, uye kuti vanwe mvura ine muchetura, nokuti zvichibva nokumuprofita weJerusarema, kushaya umwari kwapararira panyika yose.”
Kwa hiyo, hili ndilo Bwana Mwenye Nguvu Zote asemalo kuhusu manabii: “Nitawafanya wale chakula kichungu na kunywa maji yaliyotiwa sumu, kwa sababu kutokana na manabii wa Yerusalemu kutokumcha Mungu kumeenea katika nchi yote.”
16 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Regai kuteerera zvamunoprofitirwa navaprofita; vanokuzadzai netariro dzenhema. Vanotaura zviratidzo zvinobva pandangariro dzavo, zvisingabvi mumuromo maJehovha.
Hili ndilo Bwana Mwenye Nguvu Zote asemalo: “Msisikilize wanachowatabiria manabii, wanawajaza matumaini ya uongo. Wanasema maono kutoka akili zao wenyewe, hayatoki katika kinywa cha Bwana.
17 Vanoramba vachiti kuna avo vanondizvidza, ‘Jehovha anoti: Muchava norugare.’ Uye kuna vaya vose vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo, vanoti, ‘Hakuna chakaipa chichakuwirai.’
Huendelea kuwaambia wale wanaonidharau mimi, ‘Bwana asema: Mtakuwa na amani.’ Kwa wale wote wafuatao ugumu wa mioyo yao, wao husema, ‘Hakuna dhara litakalowapata.’
18 Asi ndiani pakati pavo akamira parangano yaJehovha, kuti aone kana kunzwa shoko rake? Ndiani akateerera akanzwa shoko rake?
Lakini ni yupi miongoni mwao aliyesimama katika baraza la Bwana ili kuona au kusikia neno lake? Ni nani aliyesikiliza na kusikia neno lake?
19 Tarirai, dutu raJehovha richaputika muhasha dzake, chamupupuri chichimona chakananga pamisoro yavakaipa.
Tazama, dhoruba ya Bwana itapasuka kwa ghadhabu, kisulisuli kitazunguka na kuanguka vichwani vya waovu.
20 Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza zvinovavarirwa nomwoyo wake. Pamazuva achauya muchazvinzwisisa zvakanyatsojeka.
Hasira ya Bwana haitageuka mpaka amelitimiza kusudi la moyo wake. Siku zijazo mtalifahamu kwa wazi.
21 Handina kutuma vaprofita ava, kunyange zvakadaro vakamhanya neshoko ravo; ini handina kutaura navo, kunyange zvakadaro vakaprofita.
Mimi sikuwatuma manabii hawa, lakini bado wamekimbia wakitangaza ujumbe wao. Mimi sikusema nao, lakini wametabiri.
22 Asi dai vakamira parangano yangu, vangadai vakaparidza mashoko angu kuvanhu vangu, uye vangadai vakavadzora panzira dzavo dzakaipa, napamabasa avo akaipa.
Lakini kama wangesimama barazani mwangu, wangetangaza maneno yangu kwa watu wangu, nao wangewageuza kutoka njia zao mbaya na kutoka matendo yao maovu.”
23 “Ko, ini ndinongori Mwari ari pedyo here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndisati ndiri Mwari ari kure?
“Je, mimi ni Mungu aliyeko hapa karibu tu,” Bwana asema, “wala si Mungu aliyeko pia mbali?
24 Pano munhu angavanda, panzvimbo dzakavanzika zvokuti handingamuoni here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handizadzi denga nenyika here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Je, mtu yeyote aweza kujificha mahali pa siri ili nisiweze kumwona?” Bwana asema. “Je, mimi sikuijaza mbingu na nchi?” Bwana asema.
25 “Ndakanzwa zvakataurwa navaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Vanoti, ‘Ndakarota! Ndakarota!’
“Nimesikia wanayoyasema manabii, hao wanaotabiri uongo kwa jina langu. Wanasema, ‘Nimeota ndoto! Nimeota ndoto!’
26 Ko, izvi zvicharamba zviri mumwoyo yavaprofita venhema ava kusvikira rinhi ivo vanoprofita zvokunyengera kwendangariro dzavo?
Mambo haya yataendelea mpaka lini ndani ya mioyo ya hawa manabii wa uongo, ambao hutabiri maono ya uongo ya akili zao wenyewe?
27 Vanofunga kuti zviroto zvavanoudzana zvichaita kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu sezvakaita madzibaba avo akakanganwa zita rangu nokuda kwokunamata Bhaari.
Wanadhani ndoto wanazoambiana wao kwa wao zitawafanya watu wangu walisahau jina langu, kama baba zao walivyolisahau jina langu kwa kumwabudu Baali.
28 Muprofita ane chiroto ngaataure kurota kwake, asi ane shoko rangu ngaataure nokutendeka. Nokuti mashanga ane basa rei pazviyo?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Mwache nabii aliye na ndoto aseme ndoto yake, lakini yule aliye na neno langu na aliseme kwa uaminifu. Kwa maana jani kavu lina uhusiano gani na ngano?” asema Bwana.
29 “Shoko rangu harina kufanana nomoto here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nenyundo inoputsanya dombo?”
“Je, neno langu si kama moto,” asema Bwana, “na kama nyundo ivunjayo mwamba vipande vipande?
30 “Naizvozvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanobirana mashoko anofungidzirwa kuti anobva kwandiri.
“Kwa hiyo, niko kinyume na manabii wanaoibiana maneno kana kwamba ni yangu,” asema Bwana.
31 Hongu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanoshandisa ndimi dzavo vachiti, ‘Jehovha ari kutaura.’
“Naam, mimi niko kinyume na manabii wanaotikisa ndimi zao wenyewe na kusema, ‘Bwana asema.’
32 Zvirokwazvo handina ukama neavo vanoprofita zviroto zvenhema,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vanovaudza uye vanotsausa vanhu vangu nenhema dzavo dzisina maturo, asi handina kuvatuma kana kuvagadza. Havambobatsiri vanhu ava napaduku pose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Kweli, niko kinyume na hao wanaotabiri ndoto za uongo,” asema Bwana. “Wanazisimulia na kuwapotosha watu wangu kwa uongo wao bila kujali, lakini sikuwatuma wala sikuwaamuru. Hawawafaidi watu hawa hata kidogo,” asema Bwana.
33 “Paunobvunzwa navanhu ava, vaprofita kana vaprista, vachiti, ‘Chirevo ichi chaJehovha ndecheiko?’ uti kwavari, ‘Chirevo cheiko? Ndichakurasai, ndizvo zvinotaura Jehovha.’
“Wakati watu hawa, au nabii, au kuhani watakapokuuliza, ‘Mzigo wa Bwana ni nini?’ wewe utawaambia, ‘Ninyi ndio mzigo. Nami nitawavua kama vazi, asema Bwana.’
34 Kana muprofita kana muprista kana ani zvake achiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ ndicharanga munhu uyo nemhuri yake.
Nabii, kuhani, au mtu yeyote akisema, ‘Huu ndio mzigo wa Bwana,’ nitamwadhibu huyo na nyumba yake.
35 Izvi ndizvo zvamunoramba muchitaura mumwe nomumwe wenyu kushamwari kana kuhama yake muchiti: ‘Mhinduro yaJehovha inoti kudiniko?’ kana kuti ‘Jehovha akataureiko?’
Hivyo mnaambiana kila mmoja na mwenzake, au kwa mtu wa nyumba yao: ‘Bwana amejibu nini?’ au ‘Bwana amesema nini?’
36 Hamufaniri kutaura ‘chirevo chaJehovha’ zvakare, nokuti shoko romunhu mumwe nomumwe richava chirevo chake, uye saizvozvo munominamisa mashoko aMwari mupenyu, Jehovha Wamasimba Ose, Mwari wedu.
Lakini kamwe msiseme tena, ‘Nina mzigo wa Bwana,’ kwa sababu kila neno la mtu binafsi linakuwa mzigo wake mwenyewe, na hivyo kupotosha maneno ya Mungu aliye hai, Bwana Mwenye Nguvu Zote, Mungu wetu.
37 Izvi ndizvo zvamucharamba muchitaura kumuprofita muchiti: ‘Jehovha akakupindurei?’ kana kuti ‘Jehovha akataurei?’
Hivi ndivyo utakavyoendelea kumuuliza nabii: ‘Bwana amekujibu nini?’ au ‘Je, Bwana amesema nini?’
38 Kunyange muchiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ izvi ndizvo zvinotaura Jehovha: Makashandisa mashoko anoti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ kunyange ndakanga ndakuudzai kuti musati, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha’.
Ingawa unadai, ‘Huu ndio mzigo wa Bwana,’ hili ndilo Bwana asemalo: Ulitumia maneno, ‘Huu ndio mzigo wa Bwana,’ hata ingawa nilikuambia kuwa kamwe usiseme, ‘Huu ni mzigo wa Bwana.’
39 Naizvozvo, zvirokwazvo ndichakukanganwai uye ndichakurasai mubve pamberi pangu imi neguta randakakupai uye namadzibaba enyu.
Kwa hiyo, hakika nitakusahau na kukutupa mbali na uso wangu pamoja na mji niliowapa ninyi na baba zenu.
40 Ndichauyisa pamusoro penyu kunyadziswa kusingaperi, nyadzi dzisingaperi dzisingazokanganwiki.”
Nitaleta juu yako fedheha ya kudumu: yaani aibu ya kudumu ambayo haitasahaulika.”

< Jeremia 23 >