< Jeremia 22 >

1 Zvanzi naJehovha: “Burukira kumuzinda wamambo weJudha undoparidza shoko iri ikoko uchiti,
כה אמר יהוה רד בית מלך יהודה ודברת שם את הדבר הזה
2 ‘Inzwai shoko raJehovha, imi mambo weJudha, iyemi munogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, imi namachinda enyu navanhu venyu vanopinda napamasuo aya.
ואמרת שמע דבר יהוה מלך יהודה הישב על כסא דוד אתה ועבדיך ועמך הבאים בשערים האלה
3 Zvanzi naJehovha: Itai zvakanaka nezvakarurama. Rwirai akabirwa muruoko rwounomumanikidza. Regai kuitira zvakaipa kana chisimba kumutorwa nenherera kana chirikadzi, uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.
כה אמר יהוה עשו משפט וצדקה והצילו גזול מיד עשוק וגר יתום ואלמנה אל תנו אל תחמסו ודם נקי אל תשפכו במקום הזה
4 Nokuti kana mukachenjerera kuteerera mirayiro, ipapo madzimambo anogara pachigaro chaDhavhidhi achapinda napamasuo omuzinda uyu, vakakwira mungoro nepamabhiza vachiperekedzwa namachinda avo navanhu vavo.
כי אם עשו תעשו את הדבר הזה--ובאו בשערי הבית הזה מלכים ישבים לדוד על כסאו רכבים ברכב ובסוסים הוא ועבדו ועמו
5 Asi kana mukaramba kunzwa mirayiro iyi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndinopika neni ndimene kuti nzvimbo ino ichava dongo.’”
ואם לא תשמעו את הדברים האלה--בי נשבעתי נאם יהוה כי לחרבה יהיה הבית הזה
6 Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pomuzinda wamambo weJudha: “Kunyange wakaita seGireadhi kwandiri, wakaita somusoro weRebhanoni, zvirokwazvo ndichakuita segwenga, semaguta asingagarwi.
כי כה אמר יהוה על בית מלך יהודה גלעד אתה לי ראש הלבנון אם לא אשיתך מדבר ערים לא נושבה (נושבו)
7 Ndichatumira vaparadzi pamusoro penyu, mumwe nomumwe nezvombo zvake, uye vachatema matanda enyu emisidhari akanaka vagoakanda mumoto.
וקדשתי עליך משחתים איש וכליו וכרתו מבחר ארזיך והפילו על האש
8 “Marudzi mazhinji avanhu achapfuura nepaguta rino uye vachabvunzana vachiti, ‘Jehovha aitireiko chinhu chakadai kuguta rino?’
ועברו גוים רבים על העיר הזאת ואמרו איש אל רעהו על מה עשה יהוה ככה לעיר הגדולה הזאת
9 Zvino mhinduro ichati, ‘Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wavo vakanamata uye vakashumira vamwe vamwari.’”
ואמרו--על אשר עזבו את ברית יהוה אלהיהם וישתחוו לאלהים אחרים ויעבדום
10 Musachema mambo akafa kana kuungudza nezvake; asi muchemere kwazvo uyo akatapwa, nokuti haachambodzoki kana kuzoonazve nyika yaakaberekerwa.
אל תבכו למת ואל תנדו לו בכו בכו להלך--כי לא ישוב עוד וראה את ארץ מולדתו
11 Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi mwanakomana waJosia, uyo akatevera Baba vake samambo weJudha asi akabva panzvimbo ino: “Haazombodzoki.
כי כה אמר יהוה אל שלם בן יאשיהו מלך יהודה המלך תחת יאשיהו אביו אשר יצא מן המקום הזה לא ישוב שם עוד
12 Achafira munzvimbo yavakamuendesa kuutapwa; haachazombooni nyika inozve.”
כי במקום אשר הגלו אתו--שם ימות ואת הארץ הזאת לא יראה עוד
13 “Ane nhamo uyo anovaka muzinda wake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro nokusaruramisira, anoshandisa vanhu vokwake pasina chaanovapa, asingavaripiri pakushanda kwavo.
הוי בנה ביתו בלא צדק ועליותיו בלא משפט ברעהו יעבד חנם ופעלו לא יתן לו
14 Iye anoti, ‘Ndichazvivakira muzinda wakakura una makamuri okumusoro anoyevedza.’ Saka anoita mawindo makuru mairi, achiabatanidza nomusidhari, agoashongedza nezvitsvuku.
האמר אבנה לי בית מדות ועליות מרוחים וקרע לו חלוני וספון בארז ומשוח בששר
15 “Izvozvo zvinokuita mambo here, kuva nemisidhari yakawandawanda? Ko, baba vako havana kuwana zvokudya nezvokunwa here? Iye akaita zvakarurama uye nokururamisira, saka zvose zvakamufambira zvakanaka.
התמלך כי אתה מתחרה בארז אביך הלוא אכל ושתה ועשה משפט וצדקה--אז טוב לו
16 Akatongera varombo nevaishayiwa mhaka dzavo, nokudaro zvose zvakafamba zvakanaka. Hazvisizvo zvinoreva kundiziva here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
דן דין עני ואביון אז טוב הלוא היא הדעת אתי נאם יהוה
17 “Asi meso enyu nemwoyo yenyu zvakangotarisa chete papfuma isakarurama, pakuteura ropa risina mhosva napakumanikidza nokuita nechisimba.”
כי אין עיניך ולבך כי אם על בצעך ועל דם הנקי לשפוך ועל העשק ועל המרוצה לעשות
18 Naizvozvo zvanzi naJehovha, pamusoro paJehoyakimi mwanakomana waJosia, mambo weJudha: “Havangamuchemi vachiti: ‘Yowe-e, mununʼuna wangu! Yowe-e, hanzvadzi yangu!’ Havangamuchemi vachiti: ‘Yowe-e, tenzi wangu! Yowe-e, ukuru hwake!’
לכן כה אמר יהוה אל יהויקים בן יאשיהו מלך יהודה לא יספדו לו הוי אחי והוי אחות לא יספדו לו הוי אדון והוי הדה
19 Achavigwa sokuvigwa kunoitwa mbongoro, achakwekweredzwa agoraswa kure, kunze kwamasuo eJerusarema.”
קבורת חמור יקבר סחוב והשלך מהלאה לשערי ירושלם
20 “Kwirai kuRebhanoni mudanidzire, inzwi renyu ngarinzwike paBhashani, danidzirai kubva paAbharimi, nokuti shamwari dzenyu dzose dzaparadzwa.
עלי הלבנון וצעקי ובבשן תני קולך וצעקי מעברים כי נשברו כל מאהביך
21 Ndakakuyambira uchigere zvakanaka, asi iwe wakati, ‘Handidi kuteerera!’ Ndiyo yanga iri nzira yako kubva pauduku hwako; hauna kunditeerera.
דברתי אליך בשלותיך אמרת לא אשמע זה דרכך מנעוריך כי לא שמעת בקולי
22 Mhepo ichadzingira kure vafudzi vako vose, uye shamwari dzako dzichaenda kuutapwa. Ipapo iwe uchanyara uye uchanyadziswa, nokuda kwokuipa kwako kwose.
כל רעיך תרעה רוח ומאהביך בשבי ילכו כי אז תבשי ונכלמת מכל רעתך
23 Imi mugere mu‘Rebhanoni,’ iyemi makavakirwa matendere mudzimba dzemisidhari, muchagomera sei kurwadza pakuchauya pamusoro penyu, kurwadziwa sekwomukadzi anosununguka!
ישבתי (ישבת) בלבנון מקננתי (מקננת) בארזים מה נחנת בבא לך חבלים חיל כילדה
24 “Zvirokwazvo, noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange kana iwe Jehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha, wakanga uri mhete muruoko rwangu rworudyi, ndaingokubvisa zvakadaro.
חי אני נאם יהוה כי אם יהיה כניהו בן יהויקים מלך יהודה חותם על יד ימיני כי משם אתקנך
25 Ndichakuisa mumaoko aavo vanotsvaka kukuuraya, ivo vaunotya, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvaBhabhironi.
ונתתיך ביד מבקשי נפשך וביד אשר אתה יגור מפניהם--וביד נבוכדראצר מלך בבל וביד הכשדים
26 Ndichapotsera iwe namai vakakubereka kune imwe nyika kwamusina kuberekerwa, uye ikoko kwamuchandofira muri vaviri.
והטלתי אתך ואת אמך אשר ילדתך על הארץ אחרת אשר לא ילדתם שם ושם תמותו
27 Hamuzombodzokizve kunyika yamunoshuva kudzokera kwairi.”
ועל הארץ אשר הם מנשאים את נפשם--לשוב שם שמה לא ישובו
28 Ko, murume uyu Jehoyakini munhu akazvidzika, ihari yakaputsika, chinhu chisina angada here? Seiko iye navana vake vapotserwa kunze, vakarasirwa kunyika yavasingazivi?
העצב נבזה נפוץ האיש הזה כניהו אם כלי אין חפץ בו מדוע הוטלו הוא וזרעו והשלכו על הארץ אשר לא ידעו
29 Iwe nyika, nyika, nyika, inzwa shoko raJehovha!
ארץ ארץ ארץ--שמעי דבר יהוה
30 Zvanzi naJehovha: “Nyora munhu uyu seasina mwana, munhu asingazobudiriri pamazuva oupenyu hwake, nokuti hakuna mwana wake achapfuma, hakuna achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, kana kutongazve munyika yeJudha.”
כה אמר יהוה כתבו את האיש הזה ערירי--גבר לא יצלח בימיו כי לא יצלח מזרעו איש ישב על כסא דוד ומשל עוד ביהודה

< Jeremia 22 >