< Jeremia 21 >

1 Shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha panguva yakatuma mambo Zedhekia kwaari Pashuri mwanakomana waMarikiya, nomuprista Zefania mwanakomana waMaaseya. Vakati,
Shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha panguva yakatuma mambo Zedhekia kwaari Pashuri mwanakomana waMarikiya, nomuprista Zefania mwanakomana waMaaseya. Vakati,
2 “Dotibvunzirawo kuna Jehovha iye zvino nokuti Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi ari kurwa nesu. Zvichida Jehovha angatiitira zvishamiso sepanguva dzakapfuura kuitira kuti uyu abve kwatiri.”
“Dotibvunzirawo kuna Jehovha iye zvino nokuti Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi ari kurwa nesu. Zvichida Jehovha angatiitira zvishamiso sepanguva dzakapfuura kuitira kuti uyu abve kwatiri.”
3 Asi Jeremia akavapindura achiti, “Udzai Zedhekia kuti,
Asi Jeremia akavapindura achiti, “Udzai Zedhekia kuti,
4 ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndava pedyo nokunangisa kwauri zvombo zvehondo zviri mumaoko ako, zvaunoshandisa kurwa namambo weBhabhironi navaBhabhironi vakakukombai kunze kwamasvingo. Uye ndichazviunganidza mukati meguta rino.
‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndava pedyo nokunangisa kwauri zvombo zvehondo zviri mumaoko ako, zvaunoshandisa kurwa namambo weBhabhironi navaBhabhironi vakakukombai kunze kwamasvingo. Uye ndichazviunganidza mukati meguta rino.
5 Ini ndimene ndicharwa newe noruoko rwakatambanudzwa noruoko rune simba mukutsamwa neshungu nehasha huru.
Ini ndimene ndicharwa newe noruoko rwakatambanudzwa noruoko rune simba mukutsamwa neshungu nehasha huru.
6 Ndicharova vanogara muguta rino, zvose vanhu nezvipfuwo, uye zvichafa nedenda rakaipisisa.
Ndicharova vanogara muguta rino, zvose vanhu nezvipfuwo, uye zvichafa nedenda rakaipisisa.
7 Shure kwaizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichaisa Zedhekia mambo weJudha, namachinda ake navanhu vari muguta rino vanopunyuka padenda, napamunondo, nepanzara, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvavengi vavo vanotsvaka kuvauraya. Achavaisa kumunondo; haangavanzwiri urombo, kana ngoni, kana tsitsi.’
Shure kwaizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichaisa Zedhekia mambo weJudha, namachinda ake navanhu vari muguta rino vanopunyuka padenda, napamunondo, nepanzara, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvavengi vavo vanotsvaka kuvauraya. Achavaisa kumunondo; haangavanzwiri urombo, kana ngoni, kana tsitsi.’
8 “Zvakare, uti kuvanhu, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai, ndiri kuisa pamberi penyu nzira youpenyu neyorufu.
“Zvakare, uti kuvanhu, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai, ndiri kuisa pamberi penyu nzira youpenyu neyorufu.
9 Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana nedenda. Asi ani naani achabuda akandozvipira kuvaBhabhironi vakakukombai achararama; achatiza noupenyu hwake.
Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana nedenda. Asi ani naani achabuda akandozvipira kuvaBhabhironi vakakukombai achararama; achatiza noupenyu hwake.
10 Ndafunga kuitira guta rino zvakaipa kwete zvakanaka, ndizvo zvinotaura Jehovha. Richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, uye achariparadza nomoto.’
Ndafunga kuitira guta rino zvakaipa kwete zvakanaka, ndizvo zvinotaura Jehovha. Richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, uye achariparadza nomoto.’
11 “Pamusoro paizvozvo, uti kuimba youshe yaJudha, ‘Inzwai shoko raJehovha,
“Pamusoro paizvozvo, uti kuimba youshe yaJudha, ‘Inzwai shoko raJehovha,
12 imi imba yaDhavhidhi. Zvanzi naJehovha: “‘Tongai nokururamisira mangwanani ari ose, nunurai akabirwa, kubva muruoko rwomudzvinyiriri wake, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda kukakupisai somoto, nokuda kwezvakaipa zvamakaita, kuchipfuta pasina angakudzima.
imi imba yaDhavhidhi. Zvanzi naJehovha: “‘Tongai nokururamisira mangwanani ari ose, nunurai akabirwa, kubva muruoko rwomudzvinyiriri wake, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda kukakupisai somoto, nokuda kwezvakaipa zvamakaita, kuchipfuta pasina angakudzima.
13 Ndine mhosva newe, Jerusarema, iwe ugere pamusoro pomupata uno pamutunhu wematombo, ndizvo zvinotaura Jehovha, iyemi munoti, “Ndiani angatirwisa? Ndiani angapinda pautiziro hwedu?”
Ndine mhosva newe, Jerusarema, iwe ugere pamusoro pomupata uno pamutunhu wematombo, ndizvo zvinotaura Jehovha, iyemi munoti, “Ndiani angatirwisa? Ndiani angapinda pautiziro hwedu?”
14 Ndichakurovai sezvakafanira mabasa enyu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichabatidza moto mumasango enyu uchapisa zvose zvakakupoteredzai.’”
Ndichakurovai sezvakafanira mabasa enyu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichabatidza moto mumasango enyu uchapisa zvose zvakakupoteredzai.’”

< Jeremia 21 >