< Jeremia 2 >

1 Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti,
RAB bana şöyle seslendi:
2 “Enda unoparidza munzeve dzeJerusarema uchiti: “‘Ndinorangarira kunamata kwouduku hwako, kuti somwenga waindida sei uye uchinditevera nomukati merenje, uye nomunyika isina munhu anogaramo.
“Git, şunları Yeruşalim halkına duyur. RAB diyor ki, “‘Gençliğindeki bağlılığını, Gelinliğindeki sevgini, Çölde, ekilmemiş toprakta Beni nasıl izlediğini anımsıyorum.
3 Israeri akanga ari mutsvene kuna Jehovha, ari chibereko chokutanga chokukohwa kwake; vose vakanga vachimudya vaipiwa mhosva, uye njodzi yakavawira,’” ndizvo zvinotaura Jehovha.
İsrail RAB için kutsal bir halk, Hasadının ilk ürünüydü. Onu yeren herkes suçlu sayılır, Başına felaket gelirdi’” diyor RAB.
4 Inzwai shoko raJehovha imi imba yaJakobho, nemi mose vorudzi rweimba yaIsraeri.
RAB'bin sözünü dinleyin, Ey Yakup soyu, İsrail'in bütün boyları!
5 Zvanzi naJehovha: “Madzibaba enyu akawana mhosva yei kwandiri, zvavakaenda kure neni? Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo ivo vakava vasina maturo pachavo.
RAB diyor ki, “Atalarınız bende ne haksızlık buldular da Benden uzaklaştılar? Değersiz putları izleyerek Kendileri de değersiz oldular.
6 Havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko, iye akatibudisa kubva munyika yeIjipiti akatitungamirira nomugwenga risina miti, nomunyika yamarenje namakoronga, iyo nyika yakaoma uye yerima, nyika isina munhu anofambamo uye isina munhu anogaramo?’
‘Mısır'dan bizi çıkaran, Çölde, çukurlarla dolu çorak toprakta, Koyu karanlıkta kalan kurak toprakta, Kimsenin geçmediği, Kimsenin yaşamadığı toprakta Bize yol gösteren RAB nerede?’ diye sormadılar.
7 Ndakakupinzai munyika yakaorera kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo. Asi makasvika mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu kuti ive chinhu chinonyangadza.
Meyvesini, en iyi ürününü yiyesiniz diye Sizi verimli bir ülkeye getirdim. Oysa siz gelir gelmez ülkemi kirlettiniz, Mülkümü iğrenç bir yere çevirdiniz.
8 Vaprista havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko?’ Vakanga vachifambisa murayiro havana kundiziva; vatungamiri vakandimukira. Vaprofita vakaprofita naBhaari, vachitevera zvifananidzo zvisina maturo.
Kâhinler, ‘RAB nerede?’ diye sormadılar, Kutsal Yasa uzmanları beni tanımadılar, Yöneticiler bana başkaldırdılar; Peygamberler Baal adına peygamberlik edip İşe yaramaz putların ardınca gittiler.
9 “Naizvozvo ndinokupai mhosva zvakare,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichapazve mhosva vana vavana venyu.
“Bu yüzden sizden yine davacı olacağım” diyor RAB, “Torunlarınızdan da davacı olacağım.
10 Yambukirai kumiganhu yeKitimi muone, tumai vanhu kuKedhari mugonyatsocherechedza; muone kana pakambova nechimwe chinhu chakadai:
Gidin de Kittim kıyılarına bakın! Kedar ülkesine adam gönderip iyice inceleyin, Hiç böyle bir şey oldu mu, olmadı mı görün.
11 Ko, rudzi rwakambotsinhanisa vamwari varwo here? Uye havasi vamwari zvachose. Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvifananidzo zvisina maturo.
Hiçbir ulus ilahlarını değiştirdi mi? –Ki onlar zaten tanrı değildirler– Ama benim halkım görkemini İşe yaramaz putlara değişti.
12 Haiwa, imi matenga, shamiswai nechinhu ichi, uye mudedere nokutya kukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ey gökler, şaşın buna, Tir tir titreyin, şaşakalın” diyor RAB.
13 “Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri: Vakandisiya ini, tsime remvura mhenyu, vakazvicherera zvirongo zvisingachengeti mvura.
“Çünkü halkım iki kötülük yaptı: Beni, diri suların pınarını bıraktı, Kendilerine sarnıçlar, Su tutmayan çatlak sarnıçlar kazdılar.
14 Ko, Israeri muranda here, kana nhapwa pakuberekwa? Nemhaka yeiko apambwa zvino?
İsrail uşak mı? Köle olarak mı doğdu? Öyleyse neden gümbür gümbür kükreyen Genç aslanlara av oldu? Ülkeyi viraneye çevirdiler, Kentler yerle bir edildi, kimsesiz bırakıldı!
15 Shumba dzakaomba; dzikanguruma kwaari. Dzakaparadza nyika yake; maguta ake akapiswa uye haachina vanhu.
16 Uyezve, vanhu veNofi neveTapanesi vakaveura musoro wako.
Nof ve Tahpanhes halkı Kafanı kırdı.
17 Ko, hauna kuzvivigira izvozvo pachako here pawakasiya Jehovha Mwari wako paakanga achikutungamirira munzira?
Seni yolda yürüten Tanrın RAB'bi bırakmakla Başına bunları getirdin.
18 Zvino, unoendereiko kuIjipiti kundonwa mvura inobva muShihori? Uye unodireiko kuenda kuAsiria kundonwa mvura inobva murwizi?
Şimdi Şihor suyundan içmek için Mısır'a gitmek size yarar sağlar mı? Fırat suyundan içmek için Asur'a gitmek size ne sağlar?
19 Zvakaipa zvako zvichakuranga; kudzokera shure kwako kuchakutuka. Rangarira uye uyeuke zvino kuti zvakaipa sei uye zvinovava sei kwauri, ukange wasiya Jehovha Mwari wako, uye usingandityi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.
Seni kendi kötülüğün yola getirecek, Dönekliğin seni paylayacak. Tanrın RAB'bi bırakmanın, Benden korkmamanın Ne kadar kötü, ne kadar acı olduğunu gör de anla.” Rab, Her Şeye Egemen RAB böyle diyor.
20 “Wakavhuna joko rako kare kare uye wakadambura makashu ako; ukati, ‘Handidi kukushumirai!’ Zvirokwazvo, pamusoro pechikomo chirefu choga choga, uye pasi pomuti woga woga wakapfumvutira, wakarara pasi pawo sechifeve.
“Boyunduruğunu çok önce kırdın, Bağlarını kopardın. ‘Kulluk etmeyeceğim’ dedin. Gerçekten de her yüksek tepede, Her bol yapraklı ağacın altında Fahişe gibi yatıp kalktın.
21 Ndakanga ndakusima somuzambiringa wakanakisa, uri mbeu kwayo inovimbika. Ko, zvino wakazondishandukira sei ukava muzambiringa webundo wakaora?
Oysa ben seni en iyi cinsten Seçme bir asma olarak dikmiştim. Nasıl oldu da yozlaşıp yabanıl asmaya döndün?
22 Kunyange ukazvishambidza nesoda uchishandisa sipo yakawanda, gwapa remhosva yako rinoramba riri mberi kwangu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Çamaşır sodasıyla yıkansan, Bol kül suyu kullansan bile, Suçun önümde yine leke gibi duruyor” Diyor Egemen RAB.
23 “Unoreva sei, uchiti, ‘Handina kusvibiswa; handina kutevera Bhaari’? Tarisa zvawakaita mumupata; funga zvawakaita. Iwe uri ngamera yehadzi inomhanya apa nepapo,
“Öyleyken nasıl, ‘Ben kirlenmedim, Baallar'ı izlemedim’ diyebilirsin? Vadide nasıl davrandığına bak da Ne yaptığını anla. Sen orada burada dolaşan Ayağı tez bir dişi devesin.
24 uri mbizi yakarovedzwa mugwenga, inofembedza mhepo mukushuva kwayo; ndiani angaidzora pakupfumvura kwayo? Mukono upi noupi unoitevera haufaniri kuzvinetesa; panguva yokusangana uchaiwana.
Kösnüyüp havayı koklayan Kıra alışkın yaban eşeğisin. Azgınken kim tutabilir onu? Peşine düşenlerin yorulması gerekmez, Çiftleşme zamanı gelince onu bulurlar.
25 Usamhanya kusvikira tsoka dzako dzisisina shangu nehuro yako yava nenyota. Asi iwe wakati, ‘Hazvibatsiri! Ndinoda vamwari vokumwe, uye ndinofanira kuvatevera.’
Yalınayak koşmaktan sakın, Susuzluktan boğazını koru. Ama sen, ‘Boş ver! Ben başka ilahları seviyorum, Onları izleyeceğim’ dedin.
26 “Sokunyadziswa kwembavha yabatwa, saizvozvo imba yaIsraeri yanyadziswa, ivo namadzimambo avo uye namachinda avo, vaprista vavo navaprofita vavo.
“Hırsız yakalandığında nasıl utanırsa, İsrail'in halkı, kralları, önderleri, Kâhinleri, peygamberleri de öyle utanacak.
27 Vanoti kudanda, ‘Ndiwe baba vangu,’ uye kuibwe, ‘Ndiwe wakandibereka.’ Vakandifuratira ini asi zviso zvavo hazvina, nyamba pavanenge vava munhamo, vanoti kwandiri, ‘Uyai mutiponese!’
Onlar ağaca, ‘Babamsın’, Taşa, ‘Bizi sen doğurdun’ derler. Çünkü bana yüzlerini değil, Sırtlarını çevirdiler. Ama felakete uğrayınca, ‘Kalk da bizi kurtar’ diye yakarırlar.
28 Ko, zvino vamwari vamakazviitira varipi? Ngavauye kana vachigona kukuponesai pamunenge mava munhamo! Nokuti muna vamwari vakawanda kupfuura maguta amunawo, imi Judha.
Hani nerede kendiniz için yaptığınız ilahlar? Felakete uğradığınızda kurtarabiliyorlarsa, Kalkıp gelsinler. Kentlerinin sayısı kadar İlahların var, ey Yahuda halkı.”
29 “Seiko muchindipa mhosva? Imi mose makandimukira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Neden bana dava açıyorsunuz? Hepiniz bana başkaldırdınız” diyor RAB.
30 “Ndakaranga vana venyu pasina; havana kuteerera kurangwa. Munondo wenyu wakamedza vaprofita, kufanana neshumba inoparadza.
“Halkınızı boşuna cezalandırdım, yola gelmediler. Kılıcınız yırtıcı aslan gibi öldürdü peygamberlerinizi.
31 “Haiwa, imi vechizvarwa ichi, rangarirai Shoko raJehovha rinoti: “Ndanga ndiri renje kuna Israeri here kana nyika yerima guru? Ko, vanhu vangu vanotaurireiko vachiti, ‘Takasununguka kuenda kwatada; hatichazouyizve kwamuri?’
“Ey siz, bu kuşağın çocukları, RAB'bin sözünü anlayın! Ben İsrail için bir çöl, Kapkaranlık bir ülke mi oldum? Öyleyse halkım neden, ‘Başımıza buyruğuz, Artık sana dönmeyeceğiz’ diyor?
32 Ko, murandakadzi angakanganwa zvishongo zvake here, nomwenga angakanganwa nguo dzake dzomuchato here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa ini, mazuva asingaverengeki.
Erden kız takılarını, Gelin çeyizini unutabilir mi? Ama halkım sayısız günlerce unuttu beni.
33 Mune ruzivo rwakadii pakutevera rudo! Kunyange vakadzi vakaipisisa vangadzidza kubva panzira dzenyu.
Aşkı kovalamakta Ne kadar beceriklisin! Kötü kadınlara bile kendi yöntemlerini öğretebildin.
34 Panguo dzako vanhu vanowanapo ropa ravarombo vasina mhaka, kunyange usina kuvabata vachipaza. Asi kunyange zvakadaro
Eteğin suçsuz yoksulların kanıyla lekelenmiş, Oysa ev soyarken yakalamadın onları. Bütün bunlara karşın,
35 unoti, ‘Handina mhosva; uye haana kunditsamwira.’ Asi ndichatema mutongo wangu pauri nokuti unoti, ‘Handina kutadza.’
‘Ben suçsuzum, Kuşkusuz RAB'bin bana öfkesi dindi’ diyorsun. Ama ‘Günah işlemedim’ dediğin için Yargılayacağım seni.
36 Ko, unofambireiko pose pose zvakadai, uchishandura nzira dzako? Iwe uchagumburwa neIjipiti, sezvawakaitwa neAsiria.
Neden boyuna döneklik yapıp duruyorsun? Asur'da düşkırıklığına uğradığın gibi, Mısır'da da düşkırıklığına uğrayacaksın.
37 Uchabvawo panzvimbo iyoyo wakaisa maoko ako pamusoro pako, nokuti Jehovha akaramba vose vaunovimba navo; iwe hauchazobatsirwi navo.
Oradan da ellerin başında çıkacaksın, Çünkü RAB senin güvendiklerini reddetti; Onlardan yarar sağlamayacaksın.”

< Jeremia 2 >