< Jeremia 19 >
1 Zvanzi naJehovha: “Enda undotenga chirongo chevhu kumuumbi wehari. Uende navamwe vakuru vavanhu navaprista.
耶和华如此说:“你去买窑匠的瓦瓶,又带百姓中的长老和祭司中的长老,
2 Muende kuMupata waBheni Hinomi, pedyo napamuromo weSuo reZvaenga. Uparidzepo mashoko andinokuudza,
出去到欣嫩子谷、哈珥西的门口那里,宣告我所吩咐你的话,
3 uchiti, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo navanhu veJerusarema. Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Teererai, ndiri kuuyisa njodzi panzvimbo ino ichaita kuti nzeve yomumwe nomumwe anonzwa nezvayo iwunge.
说:‘犹大君王和耶路撒冷的居民哪,当听耶和华的话。万军之耶和华—以色列的 神如此说:我必使灾祸临到这地方,凡听见的人都必耳鸣;
4 Nokuti vakandisiya vakaita nzvimbo ino kuti ive yamwari wavatorwa; vakapisira zvibayiro mairi kuna vamwari vavasina kuziva ivo kana madzibaba avo kana madzimambo eJudha, uye vakazadza nzvimbo ino neropa ravasina mhosva.
因为他们和他们列祖,并犹大君王离弃我,将这地方看为平常,在这里向素不认识的别神烧香,又使这地方满了无辜人的血,
5 Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari kuti vapise vanakomana vavo mumoto sezvipiriso kuna Bhaari, chinhu chandisina kuvarayira kana kureva, uye hachina kumbopinda mupfungwa dzangu.
又建筑巴力的邱坛,好在火中焚烧自己的儿子,作为燔祭献给巴力。这不是我所吩咐的,不是我所提说的,也不是我心所起的意。
6 Saka chenjerai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, apo vanhu vasingazotumidzi nzvimbo ino kuti Tofeti kana kuti Mupata waBheni Hinomi, asi kuti Mupata Wokuuraya.
耶和华说:因此,日子将到,这地方不再称为陀斐特和欣嫩子谷,反倒称为杀戮谷。
7 “‘Ndichaparadza urongwa hwaJudha neJerusarema munzvimbo ino. Ndichavawisira pasi nomunondo pamberi pavavengi vavo, pamaoko avanotsvaka kuvauraya, uye ndichapa zvitunha zvavo sezvokudya kushiri dzedenga nezvikara zvenyika.
我必在这地方使犹大和耶路撒冷的计谋落空,也必使他们在仇敌面前倒于刀下,并寻索其命的人手下。他们的尸首,我必给空中的飞鸟和地上的野兽作食物。
8 Ndichaparadza guta rino uye ndichariita chinhu chinosekwa; vose vanopfuura napo vachashamiswa uye vacharihomera nokuda kwamaronda aro ose.
我必使这城令人惊骇嗤笑;凡经过的人,必因这城所遭的灾惊骇嗤笑。
9 Ndichaita kuti vadye nyama yavanakomana vavo neyavanasikana vavo, uye nyama yomumwe nomumwe wavo panguva yokurema kwokukombwa kunenge kwaiswa pamusoro pavo navavengi vavo vanotsvaka kuvauraya.’
我必使他们在围困窘迫之中,就是仇敌和寻索其命的人窘迫他们的时候,各人吃自己儿女的肉和朋友的肉。’
10 “Ipapo uputse chirongo vaya vanoenda newe vakatarisa,
“你要在同去的人眼前打碎那瓶,
11 ugoti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose: Ndichaputsa rudzi urwu neguta rino sokuputsika kwechirongo chemuumbi wehari uye hachingagoni kugadzirwazve. Vachaviga vakafa muTofeti kusvikira pasisina nzvimbo.
对他们说:‘万军之耶和华如此说:我要照样打碎这民和这城,正如人打碎窑匠的瓦器,以致不能再囫囵。并且人要在陀斐特葬埋尸首,甚至无处可葬。
12 Izvi ndizvo zvandichaitira nzvimbo ino nokuna vose vanogara muno, ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichaita guta rino seTofeti.
耶和华说:我必向这地方和其中的居民如此行,使这城与陀斐特一样。
13 Dzimba dziri muJerusarema nedzamadzimambo eJudha dzichasvibiswa senzvimbo ino, Tofeti, dzimba dzose dzavaipisira zvinonhuhwira pamatenga adzo, vachipisira hondo dzenyeredzi dzose dzokudenga uye vachidururira vamwe vamwari zvipiriso zvokunwa.’”
耶路撒冷的房屋和犹大君王的宫殿是已经被玷污的,就是他们在其上向天上的万象烧香、向别神浇奠祭的宫殿房屋,都必与陀斐特一样。’”
14 Ipapo Jeremia akabva kuTofeti, kwaakanga atumwa naJehovha kundoprofita, akandomira muruvazhe rwetemberi yaJehovha ndokuti kuvanhu vose,
耶利米从陀斐特—就是耶和华差他去说预言的地方—回来,站在耶和华殿的院中,对众人说:
15 “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: ‘Inzwai! Ndichauyisa pamusoro peguta rino nemisha yakaripoteredza, njodzi imwe neimwe yandakazivisa pamusoro paro, nokuti ivo vakaomesa mitsipa yavo vakaramba kunzwa mashoko angu.’”
“万军之耶和华—以色列的 神如此说:我必使我所说的一切灾祸临到这城和属城的一切城邑,因为他们硬着颈项不听我的话。”