< Jeremia 17 >
1 “Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi, chakanyorwa nomuromo webwe rakapinza kwazvo, pahwendefa dzemwoyo yavo nepanyanga dzearitari dzavo.
“Yahuda'nın günahı demir kalemle yazıldı; Yüreklerinin levhaları, Sunaklarının boynuzları üzerine Elmas uçlu aletle oyuldu.
2 Kunyange vana vavo vanorangarira aritari dzavo namatanda aAshera munyasi memiti yakapfumvutira uye napazvikomo zvakakwirira.
Bol yapraklı her ağacın yanında, Her yüksek tepedeki sunaklarla, Aşera putlarıyla Çocuklarıymış gibi ilgileniyorlar.
3 Gomo rangu riri munyika uye pfuma yako namatura ako ose ndichazviendesa kuutapwa, pamwe chete nenzvimbo dzako dzakakwirira, nokuda kwechivi chiri munyika yako yose.
Ey kırdaki dağım, ülkende işlenen günahlar yüzünden Servetini, bütün hazinelerini Ve puta tapılan yerlerini bırakacağım, yağmalansın.
4 Nokuda kwokutadza kwako, ucharasikirwa nenhaka yandakakupa. Ndichakuita muranda wavavengi vako munyika yausingazivi, nokuti wakabatidza kutsamwa kwangu, uye kuchapfuta nokusingaperi.”
Sana verdiğim mülkü kendi suçunla yitireceksin. Bilmediğin bir ülkede Düşmanlarına köle edeceğim seni. Çünkü öfkemi alevlendirdiniz, Tutuşup sonsuza dek yanacak.”
5 Zvanzi naJehovha: “Ngaatukwe munhu uyo anovimba nomumwe munhu, anovimba nesimba renyama ano mwoyo unofuratira Jehovha.
RAB diyor ki, “İnsana güvenen, İnsanın gücüne dayanan, Yüreği RAB'den uzaklaşan kişi lanetlidir.
6 Achafanana negwenzi murenje; haangaoni kubudirira pakunosvika. Achagara munzvimbo dzakaoma dzemugwenga, munyika yomunyu isingagarwi nomunhu.
Böylesi bozkırdaki çalı gibidir, İyilik geldiği zaman görmeyecek; Kurak çöle, Kimsenin yaşamadığı tuzlaya yerleşecek.
7 “Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha, akaisa chivimbo chake maari.
“Ne mutlu RAB'be güvenen insana, Güveni yalnız RAB olana!
8 Achafanana nomuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurukova. Hautyi kana kupisa kuchisvika; mashizha awo anogara ari manyoro. Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura, uye haumboshayiwi zvibereko.”
Böylesi su kıyılarına dikilmiş ağaca benzer, Köklerini akarsulara salar. Sıcak gelince korkmaz, Yaprakları hep yeşildir. Kuraklık yılında kaygılanmaz, Meyve vermekten geri durmaz.”
9 Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, uye wakaora chose. Ndiani angauziva?
Yürek her şeyden daha aldatıcıdır, iyileşmez, Onu kim anlayabilir?
10 “Ini Jehovha ndinonzvera mwoyo uye ndinoedza ndangariro, kuti ndipe munhu zvakaringana namafambiro ake, uye zvakafanira mabasa ake.”
“Ben RAB, herkesi davranışlarına, Yaptıklarının sonucuna göre ödüllendirmek için Yüreği yoklar, düşünceyi denerim.”
11 Sechikwari chinochochonya mazai achisina kukandira, ndizvo zvakaita munhu anowana pfuma nokusarurama. Pakati pamazuva ake, zvichamusiya, uye pakupedzisira achazviona kuti ibenzi.
Yumurtlamadığı yumurtaların üzerinde oturan keklik nasılsa, Haksız servet edinen kişi de öyledir. Yaşamının ortasında serveti onu bırakır, Yaşamının sonunda kendisi aptal çıkar.
12 Chigaro choushe chinobwinya, chakanga chakasimudzirwa kubva pakutanga, ndicho nzvimbo yedu tsvene.
Tapınağımızın yeri Başlangıçtan yüceltilmiş görkemli bir tahttır.
13 Imi Jehovha, tariro yaIsraeri, vose vanokusiyai vachanyadziswa. Vose vanotsauka kwamuri vachanyorwa muvhu, nokuti vakasiya Jehovha, chitubu chemvura mhenyu.
Ey İsrail'in umudu RAB, Seni bırakanların hepsi Utanılacak duruma düşecek. Sana sırtını dönenler toprağa yazılacak, Çünkü RAB'bi, diri su pınarını bıraktılar.
14 Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa, nokuti imi ndimi wandinorumbidza.
Şifa ver bana, ya RAB, O zaman iyi olurum; Kurtar beni, kurtuluş bulurum, Çünkü övgüm sensin.
15 Vanogara vachiti kwandiri, “Shoko raJehovha riripiko? Ngarizadziswe iye zvino!”
Bana, “Hani, RAB'bin sözü nerede? Haydi, gelsin yerine bakalım” deyip duruyorlar.
16 Handina kutiza pakuva mufudzi wenyu; munoziva kuti handina kushora zuva rokupera kwetariro. Zvinobuda mumuromo mangu zviri pachena pamberi penyu.
Senin hizmetinde çoban olmaktan kaçınmadım, Felaket gününü de ben istemedim. Dudaklarımdan çıkan her sözü bilirsin, ya RAB. O söz zaten senin ağzındaydı.
17 Musava chinhu chinotyisa kwandiri; ndimi utiziro hwangu pazuva renjodzi.
Dehşet verme bana, Felaket gününde sığınağım sensin.
18 Vatambudzi vangu ngavanyadziswe, asi ini ndidzivirirei pakunyadziswa; ngavavhunduswe ivo, asi ini ndidzivirirei kuti ndisavhunduswa. Uyisai pamusoro pavo zuva renjodzi; vaparadzei nokuparadza kwakapetwa kaviri.
Bana eziyet edenler utandırılsın, Ama beni utandırma; Onları yılgınlığa düşür, Ama beni düşürme. Felaket gününü getir üzerlerine, Onları iki kat yıkımla ez.
19 Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha kwandiri: “Enda undomira pasuo ravanhu, panopinda nokubuda namadzimambo eJudha; ugondomirazve pane mamwe masuo ose eJerusarema.
RAB bana şöyle dedi: “Yahuda krallarının girip çıktığı Halk Kapısı'na ve Yeruşalim'in öbür kapılarına git, orada dur.
20 Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha navanhu vose veJudha navose vanogara muJerusarema vanopinda napamasuo aya.
Halka de ki, ‘Ey Yahuda kralları, Yahuda halkı, Yeruşalim'de oturup bu kapılardan girenler, RAB'bin sözünü dinleyin!
21 Zvanzi naJehovha: Zvichenjererei kuti murege kutakura mutoro nomusi weSabata kana kuupinza napasuo reJerusarema.
RAB diyor ki, Şabat Günü yük taşımamaya, Yeruşalim kapılarından içeri bir şey sokmamaya dikkat edin.
22 Musabudisa mitoro mudzimba dzenyu kana kuita basa ripi neripi pazuva reSabata, asi chengetai zuva reSabata rive dzvene, sezvandakarayira madzitateguru enyu.
Şabat Günü evinizden yük çıkarmayın, hiç iş yapmayın. Atalarınıza buyurduğum gibi Şabat Günü'nü kutsal sayacaksınız.
23 Asi havana kunzwa kana kurereka nzeve dzavo; vakava nemitsipa mikukutu uye havana kumboteerera kana kugamuchira kurayirwa.
Ne var ki, onlar sözümü dinlemediler, kulak asmadılar. Dikbaşlılık ederek beni dinlemediler, yola gelmek istemediler.
24 Asi kana mukachenjerera kuti munditeerere, ndizvo zvinotaura Jehovha, mukasauya nemitoro napamasuo eguta iri nomusi weSabata, asi muchichengeta zuva reSabata kuti rive dzvene nokusaita basa ripi neripi pazuva iroro,
Beni iyi dinlerseniz, diyor RAB, Şabat Günü bu kentin kapılarından yük taşımayıp hiç iş yapmayarak Şabat Günü'nü kutsal sayarsanız,
25 ipapo madzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi vachauya napamasuo eguta namachinda avo. Ivo namachinda avo vachauya vakakwira ngoro namabhiza, vachiperekedzwa navarume veJudha navose vanogara muJerusarema, uye guta rino richagarwa nokusingaperi.
Davut'un tahtında oturan krallarla önderler savaş arabalarına, atlara binip Yahuda halkı ve Yeruşalim'de yaşayanlarla birlikte bu kentin kapılarından girecekler. Bu kentte sonsuza dek insanlar yaşayacak.
26 Vanhu vachauya kumaguta eJudha uye nokumisha yakapoteredza Jerusarema, kubva kunyika yeBhenjamini nokujinga rezvikomo zvokumavirira, nokunyika yemakomo uye nokuNegevhi, vachiuyisa zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, uye zvipiriso zvezviyo, nezvinonhuhwira nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha.
Yahuda kentlerinden, Yeruşalim çevresinden, Benyamin topraklarından, Şefela'dan, dağlık bölgeden, Negev'den gelip RAB'bin Tapınağı'na yakmalık sunular, kurbanlar, tahıl sunuları, günnük ve şükran sunuları getirecekler.
27 Asi kana mukarega kunditeerera kuti muchengete zuva reSabata kuti rive dzvene, musingaregi kutakura mutoro pamunopinda pamasuo eJerusarema nezuva reSabata, ipapo ndichabatidza moto usingadzimwe mumasuo eJerusarema uchapedza nharo dzaro.’”
Ancak beni dinlemez, Şabat Günü Yeruşalim kapılarından yük taşıyarak girer, o günü kutsal saymazsanız, kentin kapılarını ateşe vereceğim. Yeruşalim saraylarını yakıp yok edecek, hiç sönmeyecek ateş.’”