< Jeremia 16 >

1 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Afei Awurade asɛm baa me nkyɛn se:
2 “Haufaniri kuwana mukadzi kana kuva navanakomana kana vanasikana panzvimbo ino.”
“Ɛnsɛ sɛ woware na wowo mmabarima anaa mmabea wɔ ha.”
3 Nokuti zvanzi naJehovha, pamusoro pavanakomana navanasikana vanoberekwa munyika ino napamusoro pavakadzi vanova vanamai vavo navarume vanova madzibaba avo:
Sɛɛ na Awurade ka fa mmabarima ne mmabea a wɔwo wɔn asase yi so; mmea a wɔyɛ wɔn nanom ne mmarima a wɔyɛ wɔn agyanom no ho:
4 “Vachafa nehosha dzakaipisisa. Havangazochemwi kana kuvigwa asi vachafanana nomupfudze uri pamusoro penyika. Vachaparara nomunondo nenzara, uye zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzedenga nemhuka dzepanyika.”
“Owuyare bekunkum wɔn. Wɔrensu wɔn na wɔrensie wɔn, mmom wɔbɛyɛ sɛ sumina a egugu fam. Wɔbɛtotɔ afoa ano na ɔkɔm bekunkum wɔn na wɔn afunu bɛyɛ aduan ama wim nnomaa ne asase so mmoa.”
5 Nokuti zvanzi naJehovha: “Usapinda muimba mune zvokudya zvamariro: usaenda kundochema kana kuvanzwira tsitsi, nokuti ndabvisa maropafadzo norudo rwangu nengoni dzangu pavanhu ava,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Nhyɛn ofi a ayiyɛ aponto wo mu; nkosu wɔn abia, na mma wɔn hyɛden, efisɛ mayi me nhyira, me dɔ ne mʼahummɔbɔ afi saa nnipa yi so,” Awurade na ose.
6 “Vose, vakuru navaduku vachafa munyika ino. Havangavigwi kana kuchemwa, uye hakuna munhu achazvicheka kana kuveura musoro wake nokuda kwavo.
Atitiriw ne mpapahwekwa bewuwu wɔ asase yi so. Wɔrensie wɔn na wɔrensu wɔn na obiara remmɔ ne ho kam, na ɔrenyi ne ti wɔ wɔn nti.
7 Hakuna munhu achavapa chokudya kuti vanyarare pakuchema kwavo vakafa, hakuna kunyange baba chaivo kana mai, hakuna kana achavapa mvura yokunwa chaiyo kuti vanyarare.
Obiara remma wɔn a wodi awufo no ho awerɛhow no aduan mfa nkyekye wɔn werɛ, owufo no agya anaa ne na mpo, obiara remma wɔn nsa mfa nkyekye wɔn werɛ.
8 “Newe usapinda muimba inoitirwa mutambo kundogara pasi uchidya nokunwa.
“Na nhyɛn ofi a aponto kɔ so wɔ mu nkɔtena ase, nnidi na nnom.
9 Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Ndichagumisa panzvimbo ino, muchizviona pamazuva enyu, mheremhere yokupembera nenzwi romufaro uye nenzwi romwenga nerechikomba.
Na sɛɛ na Awurade Tumfo, Israel Nyankopɔn no se: Wo nkwanna mu a wʼani tua no, mede ahosɛpɛw ne anigye nnyigyei, ayeforokunu ne ayeforo ahosɛpɛw nne a ɛwɔ ha no bɛba awiei.
10 “Paunovaudza vanhu ava izvi zvose ivo vakakubvunza vachiti ‘Jehovha aisireiko kwatiri chirevo chenjodzi yakakura kudai? Chakaipa chatakaita ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko chatakatadzira Jehovha Mwari wedu?’
“Sɛ woka eyinom nyinaa kyerɛ saa nnipa yi na wobisa wo se, ‘Adɛn nti na Awurade abɔ atoyerɛnkyɛm a ɛyɛ hu sɛɛ atia yɛn? Dɛn mfomso na yɛayɛ? Bɔne bɛn na yɛayɛ atia Awurade, yɛn Nyankopɔn’ a,
11 ipapo uti kwavari, ‘Nemhaka yokuti madzibaba enyu akandisiya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘vakatevera vamwe vamwari vakavashumira uye vakavanamata. Vakandisiya ini uye havana kuchengeta mirayiro yangu.
ɛno de ka kyerɛ wɔn se, ‘Efisɛ mo agyanom gyaw me hɔ kodii anyame foforo akyi, kɔsom wɔn sɔree wɔn, Awurade asɛm ni. Wogyaw me na wɔanni me mmara so.
12 Asi imi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu. Tarirai kuti mumwe nomumwe wenyu anotevera sei kusindimara kwomwoyo wake wakaipa pano kuti anditeerere ini.
Na mo de, moayɛ amumɔyɛsɛm asen mo agyanom. Monhwɛ sɛnea mo mu biara di ne koma bɔne asoɔden akyi wɔ bere a anka ɛsɛ sɛ ɔyɛ osetie ma me.
13 Saka ndichakudzingai panyika ino ndichikuisai kunyika yamusina kumboziva imi kana madzibaba enyu mugondoshumira vamwe vamwari ikoko masikati nousiku, nokuti handingakunzwirei nyasha.’
Ɛno nti, metu mo afi saa asase yi so de mo akɔ asase a, mo anaasɛ mo agyanom nnim so, na mobɛsom anyame foforo wɔ hɔ awia ne anadwo, na merenhu mo mmɔbɔ.’
14 “Kunyange zvakadaro, mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “avasingazotizve, ‘NaJehovha mupenyu iye akabudisa vaIsraeri muIjipiti,’
“Nanso nna no reba,” Awurade na ose, “a nnipa renka bio se, ‘Sɛ Awurade te ase yi, nea oyii Israelfo fii Misraim,’
15 asi vachati, ‘NaJehovha mupenyu, akabudisa vaIsraeri kubva munyika yokumusoro uye nokubva munyika dzose dzaakanga avadzingira.’ Nokuti ndichavadzoserazve kunyika yandakapa madzitateguru avo.
mmom, wɔbɛka se, ‘Sɛ Awurade te ase yi nea oyii Israelfo fii atifi fam asase ne aman a otuu wɔn kɔɔ so nyinaa.’ Efisɛ mɛsan de wɔn aba asase a mede maa wɔn tete agyanom no no so.
16 “Asi zvino ndichavatumira varedzi vehove vazhinji,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vagozovabata. Mushure maizvozvo ndichatumira vavhimi vazhinji, vachavavhima pamusoro pegomo roga roga napamusoro pechikomo choga choga uye nomumapako amatombo.
“Na mprempren, mɛsoma apopofo bebree a wɔbɛkyere wɔn.” Awurade na ose. “Ɛno akyi, mɛsoma akɔfa abɔmmɔfo bebree a wɔbɛtaataa wɔn wɔ mmepɔw ne nkoko nyinaa so ne abotan atokuru mu.
17 Meso angu ari pamusoro penzira dzavo dzose; hadzina kuvanzika kwandiri, uye chivi chavo hachina kuvanzika pameso angu.
Mʼani tua wɔn akwan nyinaa; enhintaw me, na wɔn bɔne nso nhintaw wɔ mʼani so.
18 Ndichatsiva zvakaipa zvavo nechivi chavo, zvakapetwa kaviri, nokuti vakasvibisa nyika yangu nezvitunha zvezvifananidzo zvavo zvisina maturo, uye vakazadza nhaka yangu nezvifananidzo zvavo zvinonyangadza.”
Metua wɔn amumɔyɛ ne wɔn bɔne so ka mprenu, efisɛ wɔde aniwude nsɛsode a enni nkwa ne wɔn ahoni a ɛyɛ akyiwade abɛhyɛ mʼagyapade so ma de agu mʼasase ho fi.”
19 Imi Jehovha, simba rangu nenhare yangu, utiziro hwangu munguva yokutambudzika, ndudzi dzichauya kwamuri dzichibva kumagumo enyika, dzichiti, “Madzibaba edu akanga asina chaanacho asi vamwari venhema bedzi, izvo zvifananidzo zvisingabatsiri zvisina chakanaka chazvakavaitira.
Awurade, mʼahoɔden ne mʼabandennen, mʼahohia mu guankɔbea, wo nkyɛn na amanaman no bɛba; wobefi nsase ano aka se, “Yɛn agyanom annya biribiara sɛ anyame huhuw, ahoni a wɔn so nni mfaso na wɔammoa wɔn.
20 Ko, vanhu vanozviitira vamwari vavo here? Hongu, asi havasi vamwari!”
Nnipa yɛ wɔn ankasa anyame ana? Yiw, nanso wɔnyɛ nokware anyame!”
21 “Naizvozvo ndichavadzidzisa, nguva ino ndichavadzidzisa simba rangu noukuru hwangu. Ipapo vachaziva kuti zita rangu ndiJehovha.
“Ɛno nti mɛkyerɛkyerɛ wɔn, saa bere yi nea mɛkyerɛ wɔn, me tumi ne mʼahoɔden. Afei wobehu sɛ me din ne Awurade.

< Jeremia 16 >