< Jeremia 14 >
1 Iri ndiro shoko raJehovha kuna Jeremia pamusoro pokusanaya kwemvura:
Ma e wach Jehova Nyasaye mane omiyo Jeremia e wach oro:
2 “Judha anochema, maguta ake apera simba; vanoungudza nokuda kwenyika, uye kuchema kwokwira kuchibva kuJerusarema.
“Juda ywak, mieche madongo winjo lit; gidengo ne piny, kendo ywak winjore koa Jerusalem.
3 Vanokudzwa vanotuma varanda vavo kundochera mvura; vanoenda kumatsime, asi vanoshayiwa mvura. Vanodzoka nezvirongo zvavo zvisina mvura; vaora mwoyo uye vasisina tariro, vanofukidza misoro yavo.
Joka ruoth oro jotichgi manyo pi; gidhi e sokni to ok giyud pi. Gidwogo gi agulni mag-gi ka ok otuome pi, ka giluor kendo gibuok, giumo wiyegi.
4 Nyika yaparuka nokuti munyika hamuchina mvura; varimi vaora mwoyo uye vanofukidza misoro yavo.
Lo nigi okak nikech onge koth e piny; jopur luoro omako kendo giumo wiyegi.
5 Kunyange nehadzi yenondo iri musango inosiya mhuru yayo ichangoberekwa nokuti hakuchina bundo.
Kata mwanda manie puodho jwangʼo nyathine nikech onge lum.
6 Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti, uye dzinofemedzeka semakava; meso adzo haachaona zvakanaka nokuda kwokushaya mafuro.”
Punde mag bungu chungʼ ka kuonde motwo motingʼore gi malo, kendo gigamo yweyo ka ondiegi; wengegi ok nyal neno nimar onge kar kwath.”
7 Kunyange zvivi zvedu zvichipupura zvakaipa, imi Jehovha, onai zvamungaita nokuda kwezita renyu. Nokuti kudzokera kwedu shure kukuru; takakutadzirai.
Kata obedo ni richowa nyisowa ni wan joketho, yaye Jehova Nyasaye, tim gimoro nikech nyingi. Wasebaro waweyo yoreni; kendo wasetimo richo e nyimi.
8 Imi Tariro yaIsraeri, Muponesi wavo panguva yokutambudzika, maitireiko somutorwa munyika, somufambi anongovata usiku humwe chete?
Yaye geno mar Israel, Jares mare e kinde mag thagruok, en angʼo momiyo ichalo wendo e piny, kaka jawuoth mobuoro otieno achiel?
9 Maitireiko somunhu ashamisika somurwi ashaya simba rokuponesa? Muri pakati pedu, imi Jehovha, uye takatumidzwa zita renyu; regai kutisiya!
Ere gima omiyo ichalo gi ngʼat mobuok, kata ka jalweny maonge gi teko ma dokonygo ngʼato? In e dierwa, yaye Jehova Nyasaye, kendo iluongowa kod nyingi; kik ijwangʼwa!
10 Zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu ava, “Vanofarira kungofamba-famba; havadzori tsoka dzavo. Saka Jehovha haavagamuchiri; zvino acharangarira zvakaipa zvavo uye achavaranga nokuda kwezvivi zvavo.”
Ma e gima Jehova Nyasaye wacho kuom jogi: “Gihero bayo alanda kendo tiendegi ok ywe. Kuom mano, Jehova Nyasaye ok orwakogi; omiyo koro obiro paro timbegi mamono, kendo okumgi kuom richogi.”
11 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Rega kunyengeterera kugara zvakanaka kwavanhu ava.
Eka Jehova Nyasaye nowachona, “Kik ilam mondo jogi odhi maber.
12 Kunyange vakatsanya, handinganzwi kuchema kwavo; kunyange vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Asi ndichavaparadza nomunondo, nenzara uye nedenda.”
Kata ka gitweyo chiemo; ok anawinj ywakgi; kata bed ni gichiwo misango miwangʼo pep kod chiwo mag cham, ok anarwakgi. To kata kamano ananeg-gi gi ligangla, kech kod dera.”
13 Asi ndakati, “Haiwa Ishe Jehovha, vaprofita vanogara vachivataurira kuti, ‘Hamungaoni munondo kana kufa nenzara. Zvirokwazvo ndichakupai rugare rusingaperi panzvimbo ino.’”
To ne awacho niya, “Yaye, Jehova Nyasaye Manyalo Gik Moko Duto, jonabi osebedo kanyisogi ni, ‘Ok unune ligangla kata kech bende ok nokau. Adiera, anamiu kwe mochwere kaeni.’”
14 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Vaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Ini handina kuvatuma kana kuvagadza kana kutaura kwavari. Vanokuprofitirai zviratidzo zvenhema, nezvakavukwa, nezvifananidzo nokurasika kwendangariro dzavo.
Eka Jehova Nyasaye nowachona, “Jonabigo koro miriambo e nyinga. Pok aorogi, kata walogi kata wuoyo kodgi. Ginyisou fweny manono, gikoro weche manono gilamo nyiseche manono kod pachgi giwegi morundore.
15 Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaprofita vanoprofita muzita rangu: Handina kuvatuma, asi ivo vanoti, ‘Hakungavi nomunondo kana nzara ichawira nyika ino.’ Vaprofita vacho ivavo, vachaparara nomunondo nenzara.
Emomiyo, ma e gima Jehova Nyasaye wacho kuom jonabi makoro e nyinga: Ne ok aorogi, kata bed ni giwacho niya, ‘Onge ligangla kata kech manobi e pinyni.’ Jonabi gogo-go notiek gi ligangla kod kech.
16 Uye vanhu vavaiprofitira vacharasirwa munzira dzeJerusarema nokuda kwenzara nomunondo. Hakuna munhu achavaviga ivo, kana vakadzi vavo, kana vanakomana vavo, kana vanasikana vavo. Ndichadururira pamusoro pavo njodzi yakafanira.
Kendo jogo ma gikorone nowit oko e yore mag Jerusalem nikech kech kod ligangla. Onge ngʼama noikgi kata mondegi, yawuotgi kata nyigi. Anaol kuomgi masiche mowinjore kodgi.
17 “Taura shoko iri kwavari, uti, “‘Meso angu ngaayerere misodzi usiku namasikati asingaregi; nokuti mhandara mwanasikana wangu, vanhu vangu, vakuvadzwa vanga rakaipa, iko kurohwa kukuru.
“Wachnegi wachni: “‘Mad wangʼa pongʼ gi pi wangʼ otieno gi odiechiengʼ ma ok rum; ne nyara mangili, joga, osewinjo lit mar adhola, gi hinyruok mapek.
18 Kana ndikaenda mukati menyika, ndinoona vaya vakaurayiwa nomunondo; kana ndikaenda muguta, ndinoona vakaparadzwa nenzara. Vose, muprofita nomuprista vakaenda kunyika yavasingazivi.’”
Ka adhi e pinyno, aneno jogo monegi gi ligangla; ka adhi e dala maduongʼ, to aneno masiche ma kech okelo. Janabi kaachiel gi jadolo osedhi e piny ma ok gingʼeyo.’”
19 Ko, maramba Judha zvachose here? Munozvidza Zioni here? Sei makatirwadzisa zvokuti tirege kuporeswa? Takatarisira rugare asi hakuna chakanaka chakauya, takatarisira nguva yokuporeswa asi panongova nokuvhundutswa bedzi.
Bende isekwedo Juda chuth? Dibed ni ichayo Sayun? Angʼo momiyo isehinyowa ma ok wanyal chango? Ne wageno kwe to onge ber mosebiro, kinde mar chang to nitie mana thagruok.
20 Haiwa Jehovha, tinobvuma zvakaipa zvedu, uye nemhosva yamadzibaba edu; zvirokwazvo takakutadzirai.
Yaye Jehova Nyasaye, wayie gi timbewa mamono kod ketho mag wuonewa; adiera wasetimoni richo.
21 Nokuda kwezita renyu, musatizvidza; regai kushora chigaro chenyu chinobwinya. Rangarirai henyu sungano yenyu nesu mugorega kuiputsa.
Ne kuom nyingi kik ijarwa; kik ijwangʼ kom duongʼ mari malich. Par singruok mari kodwa kendo kik ikethe.
22 Ko, pazvifananidzo zvisina maturo zvendudzi, chiripo chinganayisa mvura here? Ko, matenga, anonayisa mvura oga here? Kwete, ndimi, iyemi Jehovha Mwari wedu. Naizvozvo tariro yedu iri mamuri, nokuti ndimi moga munoita izvi zvose.
Bende nyiseche manono maonge tich mar ogendini bende nyalo kelo koth? Bende boche kendgi kelo ngʼidho? Ooyo, en in, yaye Jehova Nyasaye ma Nyasachwa. Emomiyo genowa ni kuomi, nimar in ema itimo magi duto.