< Jeremia 13 >
1 Zvakanzi naJehovha kwandiri: “Enda unotenga bhanhire romucheka urisunge muchiuno chako, asi usarege richipinda mvura,”
耶和华对我如此说:“你去买一根麻布带子束腰,不可放在水中。”
2 Saka ndakatenga bhanhire, sezvandakarayirwa naJehovha, ndokurisunga muchiuno changu.
我就照着耶和华的话,买了一根带子束腰。
3 Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri richiti,
耶和华的话第二次临到我说:
4 “Tora bhanhire rawakatenga, rawakasunga muchiuno chako uende iye zvino kuPerati undoriviga ikoko mumukaha wamatombo.”
“要拿着你所买的腰带,就是你腰上的带子,起来往幼发拉底河去,将腰带藏在那里的磐石穴中。”
5 Saka ndakaenda ndikandoriviga paPerati sezvandakaudzwa naJehovha.
我就去,照着耶和华所吩咐我的,将腰带藏在幼发拉底河边。
6 Mazuva mazhinji akati apfuura Jehovha akati kwandiri, “Chienda zvino kuPerati undotora bhanhire randakati uvigeko.”
过了多日,耶和华对我说:“你起来往幼发拉底河去,将我吩咐你藏在那里的腰带取出来。”
7 Naizvozvo ndakaenda kuPerati ndokufukunura bhanhire ndokuritora, uye risingachabatsiri zvachose.
我就往幼发拉底河去,将腰带从我所藏的地方刨出来,见腰带已经变坏,毫无用了。
8 Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
耶和华的话临到我说:
9 “Zvanzi naJehovha: ‘Nenzira imwe cheteyo ndichaodza kuzvikudza kweJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusarema.
“耶和华如此说:我必照样败坏犹大的骄傲和耶路撒冷的大骄傲。
10 Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo uye vanoenda kuna vamwe vamwari kuti vavashumire uye vavanamate, vachafanana nebhanhire iri, risingabatsiri chose!
这恶民不肯听我的话,按自己顽梗的心而行,随从别神,事奉敬拜,他们也必像这腰带变为无用。”
11 Nokuti sebhanhire rinosungwa muchiuno saizvozvo ndakasungira imba yose yaIsraeri neimba yose yaJudha kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti vave vanhu vemukurumbira wangu, kurumbidzwa kwangu nokukudzwa kwangu. Asi havana kuteerera.’
耶和华说:“腰带怎样紧贴人腰,照样,我也使以色列全家和犹大全家紧贴我,好叫他们属我为子民,使我得名声,得颂赞,得荣耀;他们却不肯听。”
12 “Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini.’ Zvino kana vakati kwauri, ‘Ko, isu hatizivi here kuti hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini?’
“所以你要对他们说:‘耶和华—以色列的 神如此说:各坛都要盛满了酒。’他们必对你说:‘我们岂不确知各坛都要盛满了酒呢?’
13 ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichadhakisa vose vanogara munyika ino, pamwe chete namadzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, navaprista navaprofita navose vanogara muJerusarema.
你就要对他们说:‘耶和华如此说:我必使这地的一切居民,就是坐大卫宝座的君王和祭司,与先知,并耶路撒冷的一切居民,都酩酊大醉。’”
14 Ndichavabonderedza mumwe kuno mumwe, madzibaba navanakomana saizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha. Handingabvumiri tsitsi kana ngoni dzangu kuti zvindidzivise kuvaparadza.’”
耶和华说:“我要使他们彼此相碰,就是父与子彼此相碰;我必不可怜,不顾惜,不怜悯,以致灭绝他们。”
15 Inzwai, rerekai nenzeve dzenyu kwandiri, musazvikudza, nokuti Jehovha ataura.
你们当听,当侧耳而听。 不要骄傲,因为耶和华已经说了。
16 Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu asati auyisa rima, makumbo enyu asati agumburwa pamakomo erima. Munotarisira chiedza, asi iye achachishandura kuti chive mumvuri worufu, uye achachiita rima guru.
耶和华—你们的 神未使黑暗来到, 你们的脚未在昏暗山上绊跌之先, 当将荣耀归给他; 免得你们盼望光明, 他使光明变为死荫, 成为幽暗。
17 Asi kana musingateereri, ndichachema pakavanda nokuda kwokuzvikudza kwenyu; Meso angu achachema zvikuru, achiyerera misodzi, nokuti boka ramakwai aJehovha richaendeswa kuutapwa.
你们若不听这话, 我必因你们的骄傲在暗地哭泣; 我眼必痛哭流泪, 因为耶和华的群众被掳去了。
18 Uti kuna mambo nokuna mai vamambo, “Burukai pazvigaro zvenyu zvoushe, nokuti korona dzenyu dzokukudzwa dzichawira pasi kubva pamisoro yenyu.”
你要对君王和太后说: 你们当自卑,坐在下边; 因你们的头巾, 就是你们的华冠,已经脱落了。
19 Maguta okuNegevhi achazarirwa, uye hakuna munhu achaazarura. VaJudha vose vachaendeswa kuutapwa, vachaendeswa kure zvachose.
南方的城尽都关闭, 无人开放; 犹大全被掳掠, 且掳掠净尽。
20 Simudza meso ako uone avo vanobva nechokumusoro. Ko, boka ramakwai rawakapiwa kuti urichengete riripi, iwo makwai awaizvirumbidza nawo?
你们要举目观看从北方来的人。 先前赐给你的群众, 就是你佳美的群众, 如今在哪里呢?
21 Uchati kudiniko kana Jehovha achiisa pamusoro pako avo vawakadzidzisa seshamwari dzako dzakasarudzika? Haungarwadziwi zvikuru here, somukadzi osununguka mwana?
耶和华立你自己所交的朋友为首,辖制你, 那时你还有什么话说呢? 痛苦岂不将你抓住像产难的妇人吗?
22 Zvino kana ukazvibvunza pachako, uchiti: “Sei izvi zvaitika kwandiri?” zvaitika nokuda kwezvivi zvako zvizhinji, kuti nguo dzako dzabvarurwa, uye muviri wako ukasabatwa zvakanaka.
你若心里说:这一切事为何临到我呢? 你的衣襟揭起, 你的脚跟受伤, 是因你的罪孽甚多。
23 Ko, muEtiopia angashandura ganda rake here, kana ingwe mavara ayo? Saizvozvowo imi hamungagoni kuita zvakanaka, imi makarovedzera kuita zvakaipa.
古实人岂能改变皮肤呢? 豹岂能改变斑点呢? 若能,你们这习惯行恶的便能行善了。
24 “Ndichakuparadzirai sehundi inopepereswa nemhepo yomugwenga.
所以我必用旷野的风吹散他们, 像吹过的碎秸一样。
25 Uyu ndiwo mugove wako, ndicho chikamu chandakakutemera,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti wakandikanganwa ukavimba navamwari venhema.
耶和华说:这是你所当得的, 是我量给你的分; 因为你忘记我, 倚靠虚假。
26 Ndichafukura nguo dzako pamberi pako, kuti kunyadziswa kwako kuonekwe,
所以我要揭起你的衣襟, 蒙在你脸上, 显出你的丑陋。
27 upombwe hwako nokufemhedza kworuchiva rwako, iko kufeva kwako kusina nyadzi! Ndakaona mabasa ako anonyangadza awaiita pamusoro pezvikomo nomumunda. Une nhamo, iwe Jerusarema! Ucharamba usina kuchena kusvikira rinhiko?”
你那些可憎恶之事— 就是在田野的山上行奸淫, 发嘶声,做淫乱的事— 我都看见了。 耶路撒冷啊,你有祸了! 你不肯洁净,还要到几时呢?