< Jeremia 12 >

1 Imi munogara makarurama, iyemi Jehovha, pandinouya pamberi penyu nemhaka. Kunyange zvakadaro ndichataura nemi pamusoro pokururamisira kwenyu, ndichiti: Nemhaka yeiko nzira yavakaipa ichibudirira? Nemhaka yei vasingatendi vachirarama zvakanaka?
Kullum kai mai adalci ne, ya Ubangiji, sa’ad da na kawo ƙara a gabanka. Duk da haka zan yi magana da kai game da shari’arka. Me ya sa mugaye suke nasara? Me ya sa dukan maciya amana suke zama ba damuwa?
2 Makavasima, uye vava nemidzi; vanokura uye vanobereka muchero. Imi munogara muri pamiromo yavo asi muri kure nemwoyo yavo.
Ka dasa su, sun kuwa yi saiwa; sun yi girma suna ba da’ya’ya. Kullum sunanka yana a bakinsu amma kana nesa da zuciyarsu.
3 Asi munondiziva, imi Jehovha; munondiona uye munoedza ndangariro dzangu pamusoro penyu. Vakwekweredzei samakwai anondobayiwa! Muvagadzirire zuva rokubayiwa.
Duk da haka ka san ni, ya Ubangiji; kana ganina ka kuma gwada tunanina game da kai. Ka ja su kamar tumakin da za a yanka! Ka ware su don ranar yanka!
4 Nyika ichasvika riniko yakangooma, nebundo resango rakangosvava? Nokuti vose vanogaramo vakaipa, mhuka neshiri zvaparara. Pamusoro paizvozvo, vanhu vanoti, “Haasi kuzoona zvinoitika kwatiri.”
Har yaushe ƙasar za tă kasance busasshiya ciyawar kowane fili ta bushe? Domin waɗanda suke zaune cikinta mugaye ne, dabbobi da tsuntsaye sun hallaka. Ban da haka ma, mutane suna cewa, “Ba zai ga abin da yake faruwa da mu ba.”
5 “Kana wakaita nhangemutange navanhu netsoka, uye vakakunetesa ungagokwikwidzana sei namabhiza? Kana uchigumburwa panyika yakanaka, ungagara seiko mumatenhere eJorodhani?
“In ka yi tsere da mutane a ƙafa suka kuma gajiyar da kai, yaya za ka yi gasa da dawakai? In ka yi tuntuɓe a lafiyayyiyar ƙasa, ƙaƙa za ka yi a kurmin Urdun?
6 Hama dzako, mhuri yako chaiyo, kunyange naivowo vakakumukira; vakadanidzira zvikuru kwazvo pamusoro pako. Usavimba navo, kunyange vachitaura zvakanaka pamusoro pako.
’Yan’uwanka, iyalinka har su ma sun bashe ka; sun tā da kuka mai ƙarfi a kanka. Kada ka amince da su, ko da yake suna faɗa maganganu masu kyau game da kai.
7 “Ndichasiya imba yangu, ndigorasa nhaka yangu; ndichapa mudikani wangu mumaoko avavengi vake.
“Zan yashe gidana, in rabu da gādona; Zan ba da wadda nake ƙauna a hannuwan abokan gābanta.
8 Nhaka yangu yava kwandiri seshumba iri musango. Anoomba pamberi pangu; naizvozvo ndinomuvenga.
Gādona ya zama mini kamar zaki a kurmi. Yana mini ruri; saboda haka na ƙi shi.
9 Ko, nhaka yangu haizova kwandiri segondo rina mavara here, iro rinokombwa uye rinorwiswa namamwe makondo? Endai munounganidza zvikara zvose; muuye nazvo zvidye.
Ashe, gādona bai zama mini kamar dabbare dabbaren tsuntsu mai cin nama da sauran tsuntsaye masu cin nama suka kewaye shi da faɗa ba? Tafi ka tattaro dukan namun jeji; ka kawo su su ci.
10 Vafudzi vazhinji vachaparadza munda wangu womuzambiringa, uye vachatsindira munda wangu; vachashandura munda wangu unofadza kuti uve dongo risina chinhu.
Makiyaya masu yawa za su lalace gonar inabina su tattake gonata; za su mai da gonata mai kyau kango marar amfani.
11 Uchaitwa dongo rakaoma uye rakaparadzwa pamberi pangu; nyika yose ichava dongo nokuti hakuna ane hanya.
Za tă zama kango, busasshiya da kuma kango a gabana; ƙasar duka za tă zama kango domin ba wanda ya kula.
12 Pamusoro pezvikomo zvisina miti zviri mugwenga, vaparadzi vachamomotera, nokuti munondo waJehovha uchaparadza, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvikira kuno rumwe, hakuna achava norugare.
A kan dukan tsaunukan nan na hamada masu hallakarwa za su zo, gama takobin Ubangiji zai ci daga wannan iyaka ƙasa zuwa wancan; ba wanda zai zauna lafiya.
13 Vachadyara gorosi asi vachakohwa minzwa; vachazvinetesa asi hakuna chavachawana. Saka zvitakurirei kunyadziswa kwegohwo renyu, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.”
Za su shuka alkama, su girbe ƙayayyuwa; za su gajiyar da kansu, ba za su kuwa sami kome ba. Saboda haka ku sha kunyar abin da kuka girbe saboda zafin fushin Ubangiji.”
14 Zvanzi naJehovha: “Kana vari vakaipa vakavakidzana nemi vanopamba nhaka yandakapa vanhu vangu vaIsraeri ndichavadzura munyika dzavo uye ndichadzura imba yaJudha kubva pakati pavo.
Ga abin da Ubangiji yana cewa, “Game da dukan mugayen maƙwabtana waɗanda suka ƙwace gādon da na ba wa mutanena Isra’ila kuwa, zan tumɓuke su daga ƙasashensu zan kuma tumɓuke gidan Yahuda daga cikinsu.
15 Asi mushure mokuvadzura, ndichavanzwirazve tsitsi uye ndichadzosa mumwe nomumwe wavo kunhaka yake nokunyika yake.
Amma bayan na tumɓuke su, zan sāke jin tausayi in komo da kowannensu zuwa gādonsa da kuma ƙasarsa.
16 Zvino kana vadzidza zvakanaka nzira dzavanhu vangu uye vakapika nezita rangu, vachiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ kunyange havo vakambodzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachasimbiswa pakati pavanhu vangu.
In kuma suka koyi al’amuran mutanena sosai suka kuma yi rantsuwa da sunana, suna cewa, ‘Muddin Ubangiji yana raye’ kamar yadda sun taɓa koya wa jama’ata yin rantsuwa da Ba’al, sa’an nan za su kahu a cikin jama’ata.
17 Asi kana pano rudzi rusingateereri, ndicharudzura zvachose ndigoruparadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Amma duk al’ummar da ba tă saurara ba, zan tumɓuke ta ɗungum in kuma hallaka ta,” in ji Ubangiji.

< Jeremia 12 >