< Jeremia 12 >

1 Imi munogara makarurama, iyemi Jehovha, pandinouya pamberi penyu nemhaka. Kunyange zvakadaro ndichataura nemi pamusoro pokururamisira kwenyu, ndichiti: Nemhaka yeiko nzira yavakaipa ichibudirira? Nemhaka yei vasingatendi vachirarama zvakanaka?
You are righteous, YHWH, when I contend with you; yet I would reason the cause with you: why does the way of the wicked prosper? Why are they all at ease who deal very treacherously?
2 Makavasima, uye vava nemidzi; vanokura uye vanobereka muchero. Imi munogara muri pamiromo yavo asi muri kure nemwoyo yavo.
You have planted them, yes, they have taken root; they grow, yes, they bring forth fruit: you are near in their mouth, and far from their heart.
3 Asi munondiziva, imi Jehovha; munondiona uye munoedza ndangariro dzangu pamusoro penyu. Vakwekweredzei samakwai anondobayiwa! Muvagadzirire zuva rokubayiwa.
But you, YHWH, know me; you see me, and try my heart toward you: pull them out like sheep for the slaughter, and prepare them for the day of slaughter.
4 Nyika ichasvika riniko yakangooma, nebundo resango rakangosvava? Nokuti vose vanogaramo vakaipa, mhuka neshiri zvaparara. Pamusoro paizvozvo, vanhu vanoti, “Haasi kuzoona zvinoitika kwatiri.”
How long shall the land be parched, and the grass of every field wither? For the wickedness of those who dwell in it, the animals are consumed, and the birds; because they said, "He shall not see our latter end."
5 “Kana wakaita nhangemutange navanhu netsoka, uye vakakunetesa ungagokwikwidzana sei namabhiza? Kana uchigumburwa panyika yakanaka, ungagara seiko mumatenhere eJorodhani?
"If you have run with the footmen, and they have wearied you, then how can you contend with horses? And though in a land of peace you are secure, yet how will you do in the pride of the Jordan?
6 Hama dzako, mhuri yako chaiyo, kunyange naivowo vakakumukira; vakadanidzira zvikuru kwazvo pamusoro pako. Usavimba navo, kunyange vachitaura zvakanaka pamusoro pako.
For even your brothers, and the house of your father, even they have dealt treacherously with you; even they have cried aloud after you: do not believe them, though they speak beautiful words to you.
7 “Ndichasiya imba yangu, ndigorasa nhaka yangu; ndichapa mudikani wangu mumaoko avavengi vake.
I have forsaken my house, I have cast off my heritage; I have given the dearly beloved of my soul into the hand of her enemies.
8 Nhaka yangu yava kwandiri seshumba iri musango. Anoomba pamberi pangu; naizvozvo ndinomuvenga.
My heritage has become to me as a lion in the forest: she has uttered her voice against me; therefore I have hated her.
9 Ko, nhaka yangu haizova kwandiri segondo rina mavara here, iro rinokombwa uye rinorwiswa namamwe makondo? Endai munounganidza zvikara zvose; muuye nazvo zvidye.
Is my heritage to me as a speckled bird of prey? Are the birds of prey against her all around? Go, assemble all the animals of the field, bring them to devour.
10 Vafudzi vazhinji vachaparadza munda wangu womuzambiringa, uye vachatsindira munda wangu; vachashandura munda wangu unofadza kuti uve dongo risina chinhu.
Many shepherds have destroyed my vineyard, they have trodden my portion under foot, they have made my pleasant portion a desolate wilderness.
11 Uchaitwa dongo rakaoma uye rakaparadzwa pamberi pangu; nyika yose ichava dongo nokuti hakuna ane hanya.
They have made it a desolation; it mourns to me, being desolate; the whole land is made desolate, because no man lays it to heart.
12 Pamusoro pezvikomo zvisina miti zviri mugwenga, vaparadzi vachamomotera, nokuti munondo waJehovha uchaparadza, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvikira kuno rumwe, hakuna achava norugare.
Destroyers have come on all the bare heights in the wilderness; for the sword of YHWH devours from the one end of the land even to the other end of the land: no flesh has peace.
13 Vachadyara gorosi asi vachakohwa minzwa; vachazvinetesa asi hakuna chavachawana. Saka zvitakurirei kunyadziswa kwegohwo renyu, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.”
They have sown wheat, and have reaped thorns; they have put themselves to pain, and profit nothing: and you shall be ashamed of your fruits, because of the fierce anger of YHWH.
14 Zvanzi naJehovha: “Kana vari vakaipa vakavakidzana nemi vanopamba nhaka yandakapa vanhu vangu vaIsraeri ndichavadzura munyika dzavo uye ndichadzura imba yaJudha kubva pakati pavo.
Thus says YHWH against all my evil neighbors, who touch the inheritance which I have caused my people Israel to inherit: 'look, I will pluck them up from off their land, and will pluck up the house of Judah from among them.
15 Asi mushure mokuvadzura, ndichavanzwirazve tsitsi uye ndichadzosa mumwe nomumwe wavo kunhaka yake nokunyika yake.
It shall happen, after that I have plucked them up, I will return and have compassion on them; and I will bring them again, every man to his heritage, and every man to his land.
16 Zvino kana vadzidza zvakanaka nzira dzavanhu vangu uye vakapika nezita rangu, vachiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ kunyange havo vakambodzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachasimbiswa pakati pavanhu vangu.
It shall happen, if they will diligently learn the ways of my people, to swear by my name, "As YHWH lives;" even as they taught my people to swear by Baal; then shall they be built up in the midst of my people.
17 Asi kana pano rudzi rusingateereri, ndicharudzura zvachose ndigoruparadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
But if they will not hear, then will I pluck up that nation, plucking up and destroying it,'" says YHWH.

< Jeremia 12 >