< Jeremia 10 >
1 Inzwai zvinoreva Jehovha kwamuri, imi imba yaIsraeri.
Hør det ord Herren har talt til eder, Israels hus!
2 Zvanzi naJehovha: “Regai kudzidza tsika dzendudzi kana kuvhundutswa nezviratidzo zviri kudenga kunyange hazvo ndudzi dzichivhundutswa nazvo.
Så sier Herren: Venn eder ikke til hedningenes vei, og reddes ikke for himmelens tegn, fordi hedningene reddes for dem!
3 Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; vanotema muti musango, muvezi ouveza nembezo.
For folkenes skikker er tomhet. De feller et tre i skogen, og treskjæreren lager det til med øksen;
4 Vanoushongedza nesirivha negoridhe; vanourovera nenyundo nezvipikiri kuti urege kuzungunuka.
med sølv og gull pryder de det; med spiker og hammer fester de det, så det ikke skal falle.
5 Sedukununu kumucheto womunda wamavise, zvifananidzo zvavo hazvigoni kutaura; zvinofanira kutotakurwa nokuti hazvigoni kufamba. Musazvitya; hazvigoni kukukuvadzai, uye hazvina nebasa rose.”
Som en dreiet søile er de ting som blir laget, og de kan ikke tale; bæres må de; for de kan ikke gå! Frykt ikke for dem! For de kan ikke gjøre ondt, og å gjøre godt står heller ikke i deres makt.
6 Hakuna akafanana nemi, imi Jehovha; muri mukuru, uye zita renyu iguru pasimba.
Det er ingen som du, Herre! Stor er du, og stort er ditt navn ved ditt velde.
7 Ndianiko angarega kukutyai, imi Mambo wendudzi? Izvi ndizvo zvakakufanirai. Pakati pavakachenjera vose vendudzi nomuushe hwavo hwose, hakuna akafanana nemi.
Hvem skulde ikke frykte dig, du folkenes konge! Dig tilkommer det; for blandt alle folkenes vismenn og i alle deres riker er det ingen som du.
8 Vose havana njere uye mapenzi; vanodzidziswa nezvifananidzo zvamatanda zvisingabatsiri.
Men alle sammen er de ufornuftige, de er dårer. En tom lære! Tre er det,
9 Sirivha yakapfurwa inotorwa kubva kuTashishi negoridhe richibva kuUfazi. Zvakaitwa nemhizha uye nomupfuri wegoridhe, zvopfekedzwa zvino nguo dzomucheka webhuruu nowepepuru, zvose zvinoitwa navabati vano umhizha.
uthamret sølv innført fra Tarsis og gull fra Ufas, et verk av treskjærerens og av gullsmedens hender; blått og rødt purpur er deres klædning, et verk av kunstforstandige menn er de alle sammen.
10 Asi Jehovha ndiye Mwari wechokwadi; ndiye Mwari mupenyu, mambo wokusingaperi. Kana iye atsamwa, nyika inodedera; ndudzi hadzigoni kumira pamberi pehasha dzake.
Men Herren er Gud i sannhet, han er en levende Gud og en evig konge; for hans vrede bever jorden, og hedningefolkene kan ikke utholde hans harme.
11 “Muvaudze kuti, ‘Vamwari ava, vasina kuita matenga nenyika, vachaparara panyika nepasi pamatenga.’”
Således skal I si til dem: De guder som ikke har gjort himmelen og jorden, de skal bli borte fra jorden og ikke finnes under himmelen.
12 Asi Mwari akaita nyika nesimba rake, akateya nyika nouchenjeri hwake, uye akatambanudza matenga nokunzwisisa kwake.
Han er den som skapte jorden ved sin kraft, som grunnfestet jorderike ved sin visdom og spente ut himmelen ved sin forstand.
13 Paanotinhira, mvura zhinji iri mumatenga inoita mubvumo; anoita kuti makore asimuke kubva kumigumo yenyika. Anotuma mheni pamwe nemvura, uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake.
Ved sin torden lar han vannene i himmelen bruse, han lar dunster stige op fra jordens ende, sender lyn med regn og fører vind ut av sine forrådskammer.
14 Mumwe nomumwe haafungi uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wegoridhe anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri.
Hvert menneske blir ufornuftig, uten forstand, hver gullsmed har skam av det utskårne billede; for hans støpte billeder er løgn, og det er ingen ånd i dem.
15 Hazvina maturo, zvinhu zvokutuka; kutongwa kwazvo pakunosvika, zvose zvichaparara.
De er tomhet, et verk som vekker spott; på sin hjemsøkelses tid skal de gå til grunne.
16 Iye anenge ari mugove waJakobho haana kufanana nazvo, nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose, kusanganisa naIsraeri, rudzi rwenhaka yake, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.
Ikke er han som er Jakobs del, lik dem; for han er den som har skapt alle ting, og Israel er den ætt som er hans arv; Herren, hærskarenes Gud, er hans navn.
17 Unganidzai nhumbi dzenyu mubve munyika, imi makakombwa.
Sank ditt gods sammen fra landet, du som bor i kringsatte byer!
18 Nokuti zvanzi naJehovha: “Panguva ino ndichapotsera kure avo vanogara munyika ino; Ndichauyisa nhamo pamusoro pavo kuti vagotapwa.”
For så sier Herren: Se, jeg vil slynge landets innbyggere bort denne gang, og jeg vil trenge dem så de skal kjenne det.
19 Ndine nhamo nokuda kwokukuvara kwangu! Ronda rangu harirapiki! Asi ndakati, “Uku kurwara ndokwangu, uye ndinofanira kukutakura.”
Ve mig for et slag jeg har fått! Mitt sår er ulægelig! Men jeg sier: Ja, dette er en plage, og jeg må bære den.
20 Tende rangu raparadzwa; mabote aro ose adamburwa. Vanakomana vangu vabva kwandiri uye havachipozve; hakuna asara zvino kuti amise tende rangu kana kumisa dumba rangu.
Mitt telt er ødelagt, og alle mine snorer er slitt av; mine barn har gått bort fra mig og er ikke mere; det er ingen som slår op mitt telt mere eller henger op mine tepper.
21 Vafudzi havana njere, uye havabvunzi Jehovha; saka havabudiriri uye makwai avo ose apararira.
For hyrdene var uforstandige og søkte ikke Herren; derfor fór de ikke vist frem, og hele deres hjord blev adspredt.
22 Inzwai! Chiziviso chiri kuuya, bope guru richabva kunyika yokumusoro! Richaita kuti maguta eJudha aparare, agarwe namakava.
Det lyder et budskap! Se, det kommer, og stort bulder fra landet i nord, og Judas byer skal gjøres til en ørken, til en bolig for sjakaler.
23 Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti upenyu hwomunhu hahusi hwake; hazvizi kumunhu kuti aruramise nzira dzake.
Jeg vet, Herre, at et menneske ikke selv råder for sin vei, at det ikke står til vandringsmannen å styre sin gang.
24 Ndirangei, Jehovha, asi chete nokururamisira, kwete mukutsamwa kwenyu, kuti murege kundiparadza zvachose.
Tukt mig, Herre, men med måte, ikke i din vrede, forat du ikke skal gjøre mig liten og arm!
25 Dururirai kutsamwa kwenyu pamusoro pendudzi dzisingakurangarirei, pamusoro pavanhu vasingadani kuzita renyu. Nokuti vakadya Jakobho; vakamudya zvachose, uye vakaparadza nyika yake.
Utøs din harme over hedningene, som ikke kjenner dig, og over de ætter som ikke påkaller ditt navn! For de har fortært Jakob, fortært ham og gjort ende på ham, og hans bolig har de lagt øde.