< Jakobho 5 >

1 Zvino inzwai, imi vapfumi, chemai muungudze nokuda kwenjodzi iri kuuya pamusoro penyu.
ܐܘ ܥܬܝܪܐ ܐܝܠܠܘ ܘܒܟܘ ܥܠ ܕܘܘܢܐ ܕܐܬܝܢ ܥܠܝܟܘܢ
2 Upfumi hwenyu hwaora, uye nguo dzenyu dzakadyiwa nezviundudzi.
ܥܘܬܪܟܘܢ ܓܝܪ ܐܬܚܒܠ ܘܤܪܝ ܘܡܐܢܝܟܘܢ ܐܬܐܟܠܘ ܡܢ ܤܤܐ
3 Goridhe renyu nesirivha zvava nengura. Ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa uye zvichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera upfumi mumazuva okupedzisira.
ܘܕܗܒܟܘܢ ܘܤܐܡܟܘܢ ܐܫܚܬ ܠܗ ܘܫܘܚܬܗܘܢ ܗܘܝܐ ܠܤܗܕܘܬܐ ܥܠܝܟܘܢ ܘܗܝ ܥܬܝܕܐ ܕܬܐܟܘܠ ܒܤܪܟܘܢ ܢܘܪܐ ܟܢܫܬܘܢ ܠܟܘܢ ܠܝܘܡܬܐ ܐܚܪܝܐ
4 Tarirai mibayiro yamakatadza kupa vashandi venyu vaicheka muminda yenyu iri kudanidzira pamusoro penyu. Kuchema kwavacheki kwasvika munzeve dzaIshe Wamasimba Ose.
ܗܐ ܐܓܪܐ ܕܦܥܠܐ ܕܚܨܕܘ ܐܪܥܬܟܘܢ ܗܘ ܕܛܠܡܬܘܢ ܩܥܐ ܘܓܥܬܐ ܕܚܨܘܕܐ ܠܐܕܢܘܗܝ ܕܡܪܝܐ ܨܒܐܘܬ ܥܠܬ
5 Makararama mumafaro panyika uye muchizvikudza. Makakodza mwoyo yenyu pazuva rokuzvibaya.
ܒܤܡܬܘܢ ܓܝܪ ܥܠ ܐܪܥܐ ܘܐܬܠܥܒܬܘܢ ܘܬܪܤܝܬܘܢ ܦܓܪܝܟܘܢ ܐܝܟ ܕܠܝܘܡܐ ܕܢܟܤܬܐ
6 Makatonga uye mukaponda vanhu vasina mhosva, vakanga vasingapikisani nemi.
ܚܝܒܬܘܢ ܘܩܛܠܬܘܢ ܠܙܕܝܩܐ ܘܠܐ ܩܡ ܠܘܩܒܠܟܘܢ
7 Zvino, hama dzangu, ivai nomwoyo murefu, kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai mamiriro anoita murimi kuti aone chibereko chinokosha chenyika uye kuti anoita mwoyo murefu sei pakumirira kwake mvura yomunakamwe nemvura yamasutso.
ܐܢܬܘܢ ܕܝܢ ܐܚܝ ܐܓܪܘ ܪܘܚܟܘܢ ܥܕܡܐ ܠܡܐܬܝܬܗ ܕܡܪܝܐ ܐܝܟ ܐܟܪܐ ܕܡܤܟܐ ܠܦܐܪܐ ܝܩܝܪܐ ܕܐܪܥܗ ܘܡܓܪ ܪܘܚܗ ܥܠܝܗܘܢ ܥܕܡܐ ܕܢܤܒ ܡܛܪܐ ܒܟܝܪܝܐ ܘܠܩܝܫܝܐ
8 Nemiwo, ivai nomwoyo murefu uye mumire nesimba, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo.
ܗܟܢܐ ܐܦ ܐܢܬܘܢ ܐܓܪܘ ܪܘܚܟܘܢ ܘܠܒܘܬܟܘܢ ܫܪܪܘ ܩܪܒܬ ܠܗ ܓܝܪ ܡܐܬܝܬܗ ܕܡܪܢ
9 Musanyunyutirana, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Mutongi amire pamusuo!
ܠܐ ܬܬܢܚܘܢ ܚܕ ܥܠ ܚܕ ܐܚܝ ܕܠܐ ܬܬܕܝܢܘܢ ܗܐ ܓܝܪ ܕܝܢܐ ܩܕܡ ܬܪܥܐ ܩܐܡ
10 Hama dzangu, somuenzaniso womwoyo murefu pakutambudzika, tarirai vaprofita vakataura muzita raShe.
ܕܡܘܬܐ ܠܢܒܝܐ ܤܒܘ ܠܟܘܢ ܐܚܝ ܠܡܓܪܬ ܪܘܚܐ ܕܐܘܠܨܢܝܟܘܢ ܗܢܘܢ ܕܡܠܠܘ ܒܫܡܗ ܕܡܪܝܐ
11 Sezvamunoziva, tinoti vakaropafadzwa avo vakatsungirira. Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvakaitwa naIshe pakupedzisira. Ishe azere netsitsi nengoni.
ܗܐ ܓܝܪ ܝܗܒܝܢܢ ܛܘܒܐ ܠܐܝܠܝܢ ܕܤܝܒܪܘ ܫܡܥܬܘܢ ܡܤܝܒܪܢܘܬܗ ܕܐܝܘܒ ܘܚܪܬܐ ܕܥܒܕ ܠܗ ܡܪܝܐ ܚܙܝܬܘܢ ܡܛܠ ܕܡܪܚܡܢ ܗܘ ܡܪܝܐ ܘܡܪܚܦܢ
12 Pamusoro pazvo zvose, hama dzangu, musapika, nedenga kana nenyika kana nechimwe chinhu zvacho. “Hongu” yenyu ngaive hongu, uye “Kwete” yenyu ngaive kwete, kuti murege kutongwa.
ܩܕܡ ܟܠ ܡܕܡ ܕܝܢ ܐܚܝ ܠܐ ܗܘܝܬܘܢ ܝܡܝܢ ܠܐ ܒܫܡܝܐ ܘܠܐ ܒܐܪܥܐ ܐܦܠܐ ܒܡܘܡܬܐ ܐܚܪܬܐ ܐܠܐ ܬܗܘܐ ܡܠܬܟܘܢ ܐܝܢ ܐܝܢ ܘܠܐ ܠܐ ܕܠܐ ܬܬܚܝܒܘܢ ܬܚܝܬ ܕܝܢܐ
13 Kuno mumwe wenyu anotambudzika here? Ngaanyengetere. Kuno mumwe anofara here? Ngaaimbe nziyo dzokurumbidza.
ܘܐܢ ܐܢܫ ܡܢܟܘܢ ܢܗܘܐ ܒܐܘܠܨܢܐ ܢܗܘܐ ܡܨܠܐ ܘܐܢ ܚܕܐ ܢܗܘܐ ܡܙܡܪ
14 Kuno mumwe wenyu anorwara here? Ngaadane vakuru vekereke kuti vazomunyengeterera uye vagomuzodza mafuta muzita raIshe.
ܘܐܢ ܟܪܝܗ ܢܩܪܐ ܠܩܫܝܫܐ ܕܥܕܬܐ ܘܢܨܠܘܢ ܥܠܘܗܝ ܘܢܡܫܚܘܢܗ ܡܫܚܐ ܒܫܡܗ ܕܡܪܢ
15 Uye munyengetero unoitwa mukutenda uchaita kuti munhu anorwara apore; Ishe achamumutsa. Kana akatadza, acharegererwa.
ܘܨܠܘܬܐ ܕܗܝܡܢܘܬܐ ܡܚܠܡܐ ܠܗ ܠܗܘ ܕܟܪܝܗ ܘܡܩܝܡ ܠܗ ܡܪܢ ܘܐܢ ܚܛܗܐ ܥܒܝܕܝܢ ܠܗ ܡܫܬܒܩܝܢ ܠܗ
16 Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.
ܗܘܝܬܘܢ ܕܝܢ ܡܘܕܝܢ ܤܟܠܘܬܟܘܢ ܚܕ ܠܚܕ ܘܗܘܝܬܘܢ ܡܨܠܝܢ ܚܕ ܥܠ ܚܕ ܕܬܬܐܤܘܢ ܪܒ ܗܘ ܓܝܪ ܚܝܠܗ ܕܨܠܘܬܐ ܐܝܕܐ ܕܙܕܝܩܐ ܡܨܠܐ ܠܗ
17 Eria akanga ari munhu sesu. Akanyengetera zvine simba kuti kurege kunaya, uye hakuna kunaya panyika kwamakore matatu nehafu.
ܐܦ ܐܠܝܐ ܒܪܢܫܐ ܗܘܐ ܚܫܘܫܐ ܐܟܘܬܢ ܘܨܠܝ ܕܠܐ ܢܚܘܬ ܡܛܪܐ ܥܠ ܐܪܥܐ ܘܠܐ ܢܚܬ ܬܠܬ ܫܢܝܢ ܘܫܬܐ ܝܪܚܝܢ
18 Uyezve, akanyengetera, denga rikanayisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo.
ܘܬܘܒ ܨܠܝ ܘܫܡܝܐ ܝܗܒܘ ܡܛܪܐ ܘܐܪܥܐ ܝܗܒܬ ܦܐܪܝܗ
19 Hama dzangu, kana mumwe wenyu akatsauka kubva pachokwadi uye mumwe akamudzora,
ܐܚܝ ܐܢ ܐܢܫ ܡܢܟܘܢ ܢܛܥܐ ܡܢ ܐܘܪܚܐ ܕܩܘܫܬܐ ܘܢܦܢܝܘܗܝ ܐܢܫ ܡܢ ܛܥܝܘܬܗ
20 murangarire izvi kuti: Ani naani anodzora mutadzi kubva panzira yokudarika kwake, achamuponesa kubva parufu uye achafukidza zvivi zvizhinji.
ܢܕܥ ܕܗܘ ܕܡܗܦܟ ܠܚܛܝܐ ܡܢ ܛܥܝܘܬܐ ܕܐܘܪܚܗ ܡܚܐ ܢܦܫܗ ܡܢ ܡܘܬܐ ܘܥܛܐ ܤܘܓܐܐ ܕܚܛܗܘܗܝ

< Jakobho 5 >