< Jakobho 4 >

1 Kurwa nokukakavara pakati penyu kunobvepiko? Hakubvi pakuchiva kwenyu kunorwa mukati menyu here?
Whence [come] wars and whence fightings among you? [Is it] not thence, — from your pleasures, which war in your members?
2 Munoda chimwe chinhu asi hamuchiwani. Munouraya uye munochiva, asi hamugoni kuwana zvamunoda. Munokakavadzana uye munorwa. Hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri Mwari.
Ye lust and have not: ye kill and are full of envy, and cannot obtain; ye fight and war; ye have not because ye ask not.
3 Pamunokumbira, hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti mugoshandisa zvamunowana pamafaro enyu.
Ye ask and receive not, because ye ask evilly, that ye may consume [it] in your pleasures.
4 Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari.
Adulteresses, know ye not that friendship with the world is enmity with God? Whoever therefore is minded to be [the] friend of the world is constituted enemy of God.
5 Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here kuti mweya waakaita kuti ugare matiri unotishuva negodo guru?
Think ye that the scripture speaks in vain? Does the Spirit which has taken his abode in us desire enviously?
6 Asi anotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”
But he gives more grace. Wherefore he says, God sets himself against [the] proud, but gives grace to [the] lowly.
7 Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.
Subject yourselves therefore to God. Resist the devil, and he will flee from you.
8 Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.
Draw near to God, and he will draw near to you. Cleanse [your] hands, sinners, and purify [your] hearts, ye double-minded.
9 Chemai, murire uye muungudze. Shandurai kuseka kwenyu kuve kuchema uye mufaro wenyu uve kusuwa.
Be wretched, and mourn, and weep: let your laughter be turned to mourning, and [your] joy to heaviness.
10 Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.
Humble yourselves before [the] Lord, and he shall exalt you.
11 Hama dzangu, musarevana. Ani naani anoreva hama yake kana kumutonga anotaura achirwa nomurayiro uye achiutonga. Kana uchitonga murayiro, iwe hauzi kuuchengeta, asi ugere uchitonga uri pauri.
Speak not against one another, brethren. He that speaks against [his] brother, or judges his brother, speaks against [the] law and judges [the] law. But if thou judgest [the] law, thou art not doer of [the] law, but judge.
12 Panongova noMupi woMurayiro noMutongi mumwe chete, iye anokwanisa kuponesa kana kuparadza. Asi iwe, ndiwe aniko kuti utonge muvakidzani wako?
One is the lawgiver and judge, who is able to save and to destroy: but who art thou who judgest thy neighbour?
13 Zvino teererai, imi munoti, “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri kana iro, tinopedza gore tiriko, tichiita basa uye tichiwana mari.”
Go to now, ye who say, To-day or to-morrow will we go into such a city and spend a year there, and traffic and make gain,
14 Asi, imi hamutongozivi zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inoonekwa nguva duku uye ipapo yonyangarika.
ye who do not know what will be on the morrow, ([for] what [is] your life? It is even a vapour, appearing for a little while, and then disappearing, )
15 Asi, munofanira kuti, “Kana Ishe achida, tichararama tigoita ichi nechocho.”
instead of your saying, If the Lord should [so] will and we should live, we will also do this or that.
16 Asi zvino munozvikudza uye mune manyawi. Kuzvikudza kwakadaro kwakaipa.
But now ye glory in your vauntings: all such glorying is evil.
17 Ani naani, zvino, anoziva zvakanaka zvaanofanira kuita akasazviita, ari kutadza.
To him therefore who knows how to do good, and does it not, to him it is sin.

< Jakobho 4 >