< Jakobho 3 >
1 Vazhinji venyu havafaniri kuva vadzidzisi, hama dzangu, nokuti munoziva kuti isu tinodzidzisa tichatongwa zvikuru.
ཧེ མམ བྷྲཱཏརཿ, ཤིཀྵཀཻརསྨཱབྷི རྒུརུཏརདཎྜོ ལཔྶྱཏ ཨིཏི ཛྙཱཏྭཱ ཡཱུཡམ྄ ཨནེཀེ ཤིཀྵཀཱ མཱ བྷཝཏ།
2 Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose.
ཡཏཿ སཪྻྭེ ཝཡཾ བཧུཝིཥཡེཥུ སྑལཱམཿ, ཡཿ ཀཤྩིད྄ ཝཱཀྱེ ན སྑལཏི ས སིདྡྷཔུརུཥཿ ཀྲྀཏྶྣཾ ཝཤཱིཀརྟྟུཾ སམརྠཤྩཱསྟི།
3 Patinoisa matomu mumiromo yamabhiza tichiaita kuti atiteerere, tinogona kudzora muviri wose wechipfuwo.
པཤྱཏ ཝཡམ྄ ཨཤྭཱན྄ ཝཤཱིཀརྟྟུཾ ཏེཥཱཾ ཝཀྟྲེཥུ ཁལཱིནཱན྄ ནིདྷཱཡ ཏེཥཱཾ ཀྲྀཏྶྣཾ ཤརཱིརམ྄ ཨནུཝརྟྟཡཱམཿ།
4 Kana kuti ngatitorei zvikepe somuenzaniso. Kunyange zvakakura sei uye zvichisundwa nemhepo ine simba, zvinofambiswa nechifambiso chiduku duku kwose kwose kunodiwa kuendwa nomuchairi.
པཤྱཏ ཡེ པོཏཱ ཨཏཱིཝ བྲྀཧདཱཀཱརཱཿ པྲཙཎྜཝཱཏཻཤྩ ཙཱལིཏཱསྟེ྅པི ཀརྞདྷཱརསྱ མནོ྅བྷིམཏཱད྄ ཨཏིཀྵུདྲེཎ ཀརྞེན ཝཱཉྪིཏཾ སྠཱནཾ པྲཏྱནུཝརྟྟནྟེ།
5 Saizvozvo, rurimi mutezo muduku womuviri, asi runozvikudza zvikuru. Cherechedzai kukura kwesango rinopiswa nebari duku romoto.
ཏདྭད྄ རསནཱཔི ཀྵུདྲཏརཱངྒཾ སནྟཱི དརྤཝཱཀྱཱནི བྷཱཥཏེ། པཤྱ ཀཱིདྲྀངྨཧཱརཎྱཾ དཧྱཏེ ྅ལྤེན ཝཧྣིནཱ།
6 Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena. (Geenna )
རསནཱཔི བྷཝེད྄ ཝཧྣིརདྷརྨྨརཱུཔཔིཥྚཔེ། ཨསྨདངྒེཥུ རསནཱ ཏཱདྲྀཤཾ སནྟིཥྛཏི སཱ ཀྲྀཏྶྣཾ དེཧཾ ཀལངྐཡཏི སྲྀཥྚིརཐསྱ ཙཀྲཾ པྲཛྭལཡཏི ནརཀཱནལེན ཛྭལཏི ཙ། (Geenna )
7 Marudzi ose emhuka, eshiri, ezvinokambaira neezvisikwa zvomugungwa zvinopingudzwa uye zvakambopingudzwa navanhu,
པཤུཔཀྵྱུརོགཛལཙརཱཎཱཾ སཪྻྭེཥཱཾ སྭབྷཱཝོ དམཡིཏུཾ ཤཀྱཏེ མཱནུཥིཀསྭབྷཱཝེན དམཡཱཉྩཀྲེ ཙ།
8 asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi. Ndirwo chinhu chakaipa chisingazorori, chizere nomuchetura unouraya.
ཀིནྟུ མཱནཝཱནཱཾ ཀེནཱཔི ཛིཧྭཱ དམཡིཏུཾ ན ཤཀྱཏེ སཱ ན ནིཝཱཪྻྱམ྄ ཨནིཥྚཾ ཧལཱཧལཝིཥེཎ པཱུརྞཱ ཙ།
9 Narwo tinorumbidza Ishe wedu naBaba vedu, uye narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari.
ཏཡཱ ཝཡཾ པིཏརམ྄ ཨཱིཤྭརཾ དྷནྱཾ ཝདཱམཿ, ཏཡཱ ཙེཤྭརསྱ སཱདྲྀཤྱེ སྲྀཥྚཱན྄ མཱནཝཱན྄ ཤཔཱམཿ།
10 Mumuromo mumwe chete imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro.
ཨེཀསྨཱད྄ ཝདནཱད྄ དྷནྱཝཱདཤཱཔཽ ནིརྒཙྪཏཿ། ཧེ མམ བྷྲཱཏརཿ, ཨེཏཱདྲྀཤཾ ན ཀརྟྟཝྱཾ།
11 Ko, mvura yakanaka neinovava ingabuda mutsime rimwe chete here?
པྲསྲཝཎཿ ཀིམ྄ ཨེཀསྨཱཏ྄ ཚིདྲཱཏ྄ མིཥྚཾ ཏིཀྟཉྩ ཏོཡཾ ནིརྒམཡཏི?
12 Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi kana muzambiringa maonde here? Kunyange tsime rinovava haringabudisi mvura yakanaka.
ཧེ མམ བྷྲཱཏརཿ, ཨུཌུམྦརཏརུཿ ཀིཾ ཛིཏཕལཱནི དྲཱཀྵཱལཏཱ ཝཱ ཀིམ྄ ཨུཌུམྦརཕལཱནི ཕལིཏུཾ ཤཀྣོཏི? ཏདྭད྄ ཨེཀཿ པྲསྲཝཎོ ལཝཎམིཥྚེ ཏོཡེ ནིརྒམཡིཏུཾ ན ཤཀྣོཏི།
13 Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri.
ཡུཥྨཱཀཾ མདྷྱེ ཛྙཱནཱི སུབོདྷཤྩ ཀ ཨཱསྟེ? ཏསྱ ཀརྨྨཱཎི ཛྙཱནམཱུལཀམྲྀདུཏཱཡུཀྟཱནཱིཏི སདཱཙཱརཱཏ྄ ས པྲམཱཎཡཏུ།
14 Asi kana muchipfimbika godo rinovava norukave mumwoyo yenyu, musazvikudza pamusoro pazvo kana muchiramba chokwadi.
ཀིནྟུ ཡུཥྨདནྟཿཀརཎམདྷྱེ ཡདི ཏིཀྟེརྵྱཱ ཝིཝཱདེཙྪཱ ཙ ཝིདྱཏེ ཏརྷི སཏྱམཏསྱ ཝིརུདྡྷཾ ན ཤླཱགྷདྷྭཾ ནཙཱནྲྀཏཾ ཀཐཡཏ།
15 “Kuchenjera” kwakadaro hakuburuki kuchibva kudenga asi ndokwenyika, hakuzi kwomweya, ndokwadhiabhori.
ཏཱདྲྀཤཾ ཛྙཱནམ྄ ཨཱུརྡྡྷྭཱད྄ ཨཱགཏཾ ནཧི ཀིནྟུ པཱརྠིཝཾ ཤརཱིརི བྷཽཏིཀཉྩ།
16 Nokuti pane godo norukave, ndipo pamunowana nyonganiso namabasa ose akaipa.
ཡཏོ ཧེཏོརཱིརྵྱཱ ཝིཝཱདེཙྪཱ ཙ ཡཏྲ ཝེདྱེཏེ ཏཏྲཻཝ ཀལཧཿ སཪྻྭཾ དུཥྐྲྀཏཉྩ ཝིདྱཏེ།
17 Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.
ཀིནྟཱུརྡྡྷྭཱད྄ ཨཱགཏཾ ཡཏ྄ ཛྙཱནཾ ཏཏ྄ པྲཐམཾ ཤུཙི ཏཏཿ པརཾ ཤཱནྟཾ ཀྵཱནྟམ྄ ཨཱཤུསནྡྷེཡཾ དཡཱདིསཏྥལཻཿ པརིཔཱུརྞམ྄ ཨསནྡིགྡྷཾ ནིཥྐཔཊཉྩ བྷཝཏི།
18 Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama.
ཤཱནྟྱཱཙཱརིབྷིཿ ཤཱནྟྱཱ དྷརྨྨཕལཾ རོཔྱཏེ།