< Jakobho 2 >
1 Hama dzangu, savatendi muna Ishe wedu wokubwinya iye Jesu Kristu, musava vatsauri vavanhu.
My brethren, do not hold the faith of our Lord Jesus Christ, the Lord of glory, with respect to persons.
2 Kana mumwe munhu akauya akapinda mumusangano wenyu akapfeka mhete yegoridhe nenguo dzakaisvonaka, uye murombo akapfeka mamvemve akapindawo,
For if a gold-ringed man may come into your synagogue, in shining apparel, and a poor man may also come in with soiled clothing;
3 kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka muchiti, “Hechi chigaro chenyu chakanaka,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana kuti “Gara pasi, patsoka dzangu,”
and you may look upon the one wearing the shining garment, and say, Sit thou here in a good place; and may say to the poor man, Stand thou there, or sit down beneath my footstool:
4 hamuna kutsaura here pakati penyu uye mukava vatongi vane ndangariro dzakaipa?
are you not condemned among yourselves, and have you not become the judges of evil reasonings?
5 Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here?
Hear, my beloved brethren. Has not God chosen the poor in the world rich in faith, and heirs of the kingdom which he has promised to those who love him with divine love?
6 Asi imi makazvidza varombo. Ko, havasi vapfumi vanokubirai here? Havazi ivo vanokuendesai kumatare edzimhosva here?
You have dishonored the poor. Do not the rich domineer over you, and drag you into courts?
7 Havazi ivo vanomhura zita rinokudzwa raiye wamuri vake here?
Do they not blaspheme the good name which has been called upon you?
8 Kana muchichengeta muchokwadi murayiro woushe unowanikwa muRugwaro, unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka.
If indeed you keep the royal law according to the scripture, Thou shalt love thy neighbor with divine love as thyself, you do well.
9 Asi kana muchitsaura vanhu, muri kutadza uye munotongwa nomurayiro savadariki vomurayiro.
But if you have respect of persons, you commit sin, being convicted by the law as transgressors.
10 Nokuti ani naani anochengeta murayiro wose asi achigumburwa pachinhu chimwe chete ane mhosva yokuputsa murayiro wose.
For whosoever may keep the whole law, and fail in one item, has become guilty of all.
11 Nokuti iye akati, “Usaita upombwe,” ndiyewo akati, “Usauraya.” Kana usingaiti upombwe asi uchiuraya, wava mudariki womurayiro.
For the one saying, Thou shalt not commit adultery also said, Thou shalt not murder; but if you do not commit adultery, but murder, you have become a transgressor of the law.
12 Taurai uye muchiita saavo vachazotongwa nomurayiro unopa rusununguko,
So you say, and so you do, as about to be condemned by the law of liberty.
13 nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga!
For judgment is without mercy to him that shows no mercy; but mercy glorieth against judgment.
14 Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asi asina mabasa? Kutenda kwakadaro kungamuponesa here?
But what is it profitable, my brethren, if one may say he has faith, but has not works? whether is faith able to save him?
15 Kana hama kana hanzvadzi ikashayiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe,
If a brother or sister may be naked, and may be destitute of daily food,
16 uye mumwe wenyu akati, “Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute,” asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo?
and one of you may say to them, Go in peace, be ye warmed, and be ye fed; and give them not the necessaries of the body; what profit is it?
17 Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa.
So indeed faith, if it may not have works, is dead, as to itself.
18 Asi mumwe achati, “Iwe une kutenda; ini ndine mabasa.” Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nezvandinoita.
But one will say, You have faith, and I have works: Show me your faith apart from works, and I will show you my faith by my works.
19 Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe. Zvakanaka! Kunyange madhimoni anotenda izvozvo, uye achidedera.
Do you believe that there is one God? you do well: the demons also believe and tremble.
20 Iwe benzi, unoda kuona kuti kutenda kusina mabasa hakuna maturo here?
Do you wish to know, O vain man, that faith apart from works is inefficient?
21 Tateguru wedu Abhurahama haana kunzi akarurama here nokuda kwezvaakaita paakapa mwanakomana wake Isaka paaritari?
Was not Abraham our father justified by works, having offered up his son Isaac on the altar?
22 Unoona kuti kutenda kwake uye namabasa ake zvaibata pamwe chete, uye kutenda kwake kukazadziswa nezvaakaita.
You see that faith wrought with his works, and by works the faith was made perfect;
23 Uye Rugwaro rwakazadziswa runoti, “Abhurahama akatenda Mwari zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama,” uye akanzi shamwari yaMwari.
and the scripture was fulfilled, saying, And Abraham believed God, and it was imputed unto him for righteousness: and he was called the friend of God.
24 Unoona kuti munhu anoruramisirwa nokuda kwezvaanoita, kwete nokutenda bedzi.
You see that a man is justified by works, and not only by faith.
25 Saizvozvowo, Rahabhi chifeve haana kunzi akarurama nokuda kwezvaakaita paakapa vasori imba uye akazovaendesa neimwe nzira here?
And likewise also was not Rahab the harlot justified by works, having received the spies, and sent them out by another way?
26 Sezvo muviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafa.
For as the body apart from the spirit is dead, so faith also apart from works is dead.