< Jakobho 1 >
1 Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi: Kwaziwai.
Jakob Boga in Gospoda Jezusa Kristusa hlapec, dvanajsterim rodom v raztrosu: zdravi!
2 Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose,
Za vso radost vam bodi, bratje moji, ako ste padli v mnogotere izkušnjave,
3 nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.
Spoznavajoč, da izkušnja vere vaše nareja stanovitnost;
4 Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu.
Stanovitnost pa imej delo popolno, da bodete popolni in dovršeni, v ničemur pogrešni.
5 Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.
Če pa ima kdo izmed vas premalo modrosti, prosi je naj od Boga, kateri vsem daje obilo, in nikomur ne oponaša; in dala se mu bode.
6 Asi paanokumbira, anofanira kutenda asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye rinomutswa-mutswa nemhepo.
Prosi pa naj v veri, brez dvomljenja; kdor namreč dvomi, podoben je valu morskemu, ki ga veter goni in premetava.
7 Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu chipi zvacho kubva kuna She;
Naj namreč ne misli tisti človek, da bode kaj dobil od Gospoda;
8 munhu ane mwoyo miviri, anongoshanduka-shanduka mune zvose zvaanoita.
Mož omahljiv je nestanoviten na vseh potih svojih.
9 Hama iri panzvimbo yokuninipiswa ngaifare muchinzvimbo chayo chokukudzwa.
Ponaša pa naj se brat nizki v visokosti svoji;
10 Asi mupfumi anofanira kufara muchinzvimbo chokuderedzwa kwake, nokuti achapfuura seruva romusango.
Bogati pa v ponižnosti svoji, kajti minil bode kakor trave cvet.
11 Nokuti zuva rinobuda nokupisa kwakanyanya rigoomesa uswa; ruva rahwo rinodonha uye kunaka kwaro kwoparadzwa. Nenzira imwe cheteyo, mupfumi achasvava kunyange achiri kuita basa rake.
Kajti vzšlo je solnce z vročino in posušilo je travo, in cvet njen je odpadel, in lepota lica njenega je izginila. Tako bode tudi bogatin zvenil na potih svojih.
12 Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda.
Blagor možu, kateri prebije izkušnjavo; ker izkušen zadobode venec življenja, katerega je obljubil Gospod njim, ki ga ljubijo.
13 Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu;
Nihče naj, izkušan, ne reče: Od Boga sem izkušan; kajti Bog je neizkušljiv v hudo, in sam ne izkuša nikogar.
14 asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa.
Sleherni pa je izkušan, kogar lastna sla vleče in vabi;
15 Ipapo kuchiva kukange kwaumbwa kunobereka chivi; uye chivi, chikange chakura kwazvo, chinobereka rufu.
Potem ko je sla izpočela, rodi pregreho, pregreha pa, ko je dovršena, rodí smrt.
16 Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
Ne tavajte, bratje moji ljubljeni;
17 Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.
Vsak dober dar in vsako darilo popolno prihaja dol od očeta luči, pri katerem ni izpremembe ali osenčanja obrnitve.
18 Akasarudza kutibereka kubudikidza neshoko rechokwadi, kuti tive mhando yechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.
Po volji svoji nas je rodil po besedi resnice, da bodimo neka prvina stvarî njegovih.
19 Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa,
Zatorej, bratje moji ljubljeni, bodi vsak človek nagel v poslušanje, počasen v govorjenje, počasen v jezo;
20 nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari.
Kajti jeza človekova ne dela pravice Božje.
21 Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai.
Zato odloživši sleherno nesnago in obilost hudobije sprejmite v krotkosti vsajeno besedo, ki more rešiti duše vaše.
22 Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva.
Bodite pa delalci besede in ne samo poslušalci, ki se sami slepé.
23 Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni
Ker če je kdo poslušalec besede, ne pa delalec, on je podoben možu, ki ogleduje v ogledalu rojstva svojega obličje;
24 uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anoratidzika sei.
Pogledal se je namreč in odšel, in hitro je pozabil, kakošen je bil.
25 Asi munhu anonyatsotarisa mumurayiro wakakwana uyo unopa rusununguko, uye achiramba achiita izvozvo, asingakanganwi zvaanzwa, asi achizviita, acharopafadzwa pane zvaanoita.
Kdor pa je pogledal v popolno postavo svobode in v njej ostal on, ki ni postal pozabljiv poslušalec nego delalec dela, on bode srečen v dejanji svojem.
26 Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo.
Če meni kdo med vami, da je bogaboječ, pa ne brzda jezika svojega, nego vara svoje srce, njegova bogaboječnost je ničeva.
27 Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.
Bogaboječnost čista in neoskrunjena pred Bogom in očetom je ta, skrbeti za sirote in vdove v njih stiski, neomadeževanega se braniti od sveta.