< Isaya 9 >

1 Kunyange zvakadaro, hakuchazovazve nerima kuna avo vakanga vari munhamo. Pamazuva akare akaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva inouya achakudza Garirea reveDzimwe Ndudzi, nenzira yokugungwa mhiri kwaJorodhani.
Nevertheless the darkness shall not be as when the distress was in the [land], at the time he at first lightly, and afterwards heavily, visited the land of Zebulun and the land of Naphtali, — the way of the sea, beyond the Jordan, Galilee of the nations:
2 Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chakavavhenekera.
the people that walked in darkness have seen a great light; they that dwelt in the land of the shadow of death, upon them light hath shone.
3 Makakurisa rudzi mukawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu savanhu vanofara panguva yokukohwa, sokufara kwavarume, kana vachigoverana zvakapambwa.
Thou hast multiplied the nation, hast increased its joy: they joy before thee like to the joy in harvest; as [men] rejoice when they divide the spoil.
4 Nokuti sapamazuva okukundwa kwavaMidhia, vamakaparadzira joko raivaremera, nedanda raichinjika mafudzi avo, iyo tsvimbo yavamanikidzi vavo.
For thou hast broken the yoke of his burden and the staff of his shoulder, the rod of his oppressor, as in the day of Midian.
5 Shangu imwe neimwe yomurwi yakashandiswa muhondo, nenguo imwe neimwe yakaumburudzwa muropa, zvichapiswa, zvichava huni dzomoto.
For every boot of him that is shod for the tumult, and the garment rolled in blood, shall be for burning, fuel for fire.
6 Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana, uye umambo huchava pamapfudzi ake. Uye achanzi Gota Rinoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare.
For unto us a child is born, unto us a son is given; and the government shall be upon his shoulder; and his name is called Wonderful, Counsellor, Mighty God, Father of Eternity, Prince of Peace.
7 Kukura kwoumambo hwake nekworugare rwake hazvizovi namagumo. Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi napamusoro poumambo hwake, achihusimbisa nokuhutsigira, nokururamisira uye nokururama, kubva panguva iyoyo kusvikira nokusingaperi. Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita.
Of the increase of his government and of peace there shall be no end, upon the throne of David and over his kingdom, to establish it, and to uphold it with judgment and with righteousness, from henceforth even for ever. The zeal of Jehovah of hosts will perform this.
8 Jehovha akatuma shoko pamusoro paJakobho; richawira pamusoro paIsraeri.
The Lord sent a word unto Jacob, and it lighteth upon Israel.
9 Vanhu vose vachariziva, Efuremu navagari vomuSamaria, ivo vanoti nokuzvikudza kwavo uye namanyawi emwoyo,
And all the people shall know [it], Ephraim and the inhabitant of Samaria, that say in pride and stoutness of heart,
10 “Zvidhinha zvakoromokera pasi, asi tichavakazve namatombo; mionde yatemerwa pasi, asi tichaitsiva nemisidhari.”
The bricks are fallen down, but we will build with hewn stones; the sycamore trees are cut down, but we will replace them with cedars.
11 Asi Jehovha akamutsira Rezini vadzivisi akakurudzira vavengi vavo.
And Jehovah will set up the adversaries of Rezin against him, and arm his enemies,
12 VaAramu vachibva nokumabvazuva navaFiristia vachibva nokumavirira vakapedza vaIsraeri nomuromo wakashama. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake ruchatongotambanudzwa.
the Syrians on the east, and the Philistines on the west; and they shall devour Israel with open mouth. For all this his anger is not turned away, and his hand is stretched out still.
13 Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye akavarova, kana kutsvaka Jehovha Wamasimba Ose.
But the people turneth not unto him that smiteth them, and they do not seek Jehovah of hosts.
14 Naizvozvo Jehovha achadimura vaIsraeri vose musoro nomuswe, zvose davi romuchindwe norutsanga pazuva rimwe;
And Jehovah will cut off from Israel head and tail, palm-branch and rush, in one day:
15 vakuru navarume vanokudzwa ndivo musoro, vaprofita vanodzidzisa nhema ndivo muswe.
the ancient and honourable, he is the head; and the prophet that teacheth lies, he is the tail.
16 Vanotungamirira vanhu ava vanovatsausa, navose vanotungamirirwa vanotsauswa.
For the guides of this people mislead [them]; and they that are guided by them are swallowed up.
17 Naizvozvo Jehovha haachazofariri majaya, kana kuva netsitsi nenherera nechirikadzi, nokuti mumwe nomumwe wavo haana umwari uye akaipa, muromo mumwe nomumwe unotaura zvoupenzi. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa.
Therefore the Lord will not rejoice in their young men, neither will he have mercy on their fatherless and on their widows; for every one is a hypocrite and an evildoer, and every mouth speaketh folly. For all this his anger is not turned away, and his hand is stretched out still.
18 Zvirokwazvo zvakaipa zvinopfuta somoto; unopisa rukato neminzwa, unopisa matenhere edondo zvokuti unokwira kudenga mushongwe youtsi.
For wickedness burneth as a fire: it devoureth briars and thorns, and kindleth in the thickets of the forest, and they go rolling up like a pillar of smoke.
19 Kubudikidza nokutsamwa kwaJehovha Wamasimba Ose nyika ichapiswa kwazvo uye vanhu vachava huni dzomoto; hapana achaponesa hama yake.
Through the wrath of Jehovah of hosts is the land burned up, and the people is as fuel for fire: a man spareth not his brother;
20 Kurudyi vachadya asi vacharamba vane nzara; kuruboshwe, vachadya asi havangaguti. Mumwe nomumwe achadya nyama yomwana wake.
and he snatcheth on the right hand, and is hungry, and eateth on the left hand; and they are not satisfied. They eat every man the flesh of his own arm:
21 Manase achadya Efuremu uye Efuremu achadya Manase; pamwe chete vachamukira Judha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa.
Manasseh, Ephraim, and Ephraim, Manasseh; [and] they together are against Judah. For all this his anger is not turned away, and his hand is stretched out still.

< Isaya 9 >