< Isaya 7 >
1 Zvino Ahazi mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUzia, paakanga ari mambo weJudha, Mambo Rezini weAramu naPeka mwanakomana waRamaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema, asi havana kugona kurikunda.
In the time of Ahaz, the son of Jotham, the son of Uzziah, king of Judah, Rezin, king of Syria, and Pekah, the son of Remaliah, king of Israel, came up against Jerusalem to besiege it; but he could not prevail against it.
2 Zvino imba yaDhavhidhi yakaudzwa kuti, “Aramu yabatana neEfuremu;” saka mwoyo waAhazi nemwoyo yavanhu vake yakazungunuswa, sokuzungunuswa kunoitwa miti yesango nemhepo.
And when it was told the house of David, that the Syrians had encamped in Ephraim, his heart was moved, and the hearts of his people, as the trees of the forest are moved with the wind.
3 Ipapo Jehovha akati kuna Isaya, “Buda, iwe nomwanakomana wako Sheari-Jashubhi, unosangana naAhazi kumucheto womugero weDziva Rokumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki.
Then said Jehovah to Isaiah, Go forth to meet Ahaz, thou and Shear-Jashub thy son, at the end of the aqueduct of the upper pool, in the way to the fuller's field;
4 Uti kwaari, ‘Chenjera, dzikama hako, uye usatya. Usaora mwoyo nokuda kwamatsiga maviri ehuni, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaRezini naAramu uye nekwomwanakomana waRemaria.
and say to him: Take heed, and be quiet! Fear not, neither let thy heart he faint On account of the two tails of these smoking firebrands, On account of the fierce wrath of Rezin with the Syrians, and of the son of Remaliah,
5 Aramu naEfuremu nomwanakomana waRemaria vakarangana kukuparadza vachiti,
Because Syria deviseth evil against thee, Ephraim and the son of Remaliah, saying,
6 “Handei tindorwa neJudha; ngatiribvarurei tigorigovana pakati pedu, tigogadza Tabheeri kuti ave mambo pamusoro paro.”
“Let us go up against Judah, and besiege the city, And take it, And set a king in the midst of it, Even the son of Tabeal.”
7 Asi zvanzi naIshe Jehovha: “‘Izvi hazvingamiri, hazvingaitiki, nokuti musoro weAramu iDhamasiko,
Thus saith the Lord Jehovah: “It shall not stand, neither shall it be;
8 uye musoro weDhamasiko iRezini bedzi. Makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa zvokusazova rudzizve.
But the head of Syria shall still be Damascus, And the head of Damascus, Rezin; [[And within threescore and five years shall Ephraim be broken, that he be no more a people.]]
9 Musoro weEfuremu iSamaria, uye musoro weSamaria mwanakomana waRamaria bedzi. Kana usingamiri zvakasimba mukutenda kwako, hauchazomiri zvachose.’”
And the head of Ephraim shall still be Samaria, And the head of Samaria, the son of Remaliah. If ye will not believe, neither shall ye thrive.”
10 Jehovha akataurazve kuna Ahazi akati,
Jehovah spake also again to Ahaz:
11 “Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako, kunyange pakadzikadzika kana pamusoro-soro.” (Sheol )
“Ask thee a sign of Jehovah, thy God; Ask it from below, or in the height above!” (Sheol )
12 Asi Ahazi akati, “Handizokumbiri; handingaedzi Jehovha.”
And Ahaz said, I will not ask; I will not tempt Jehovah!
13 Ipapo Isaya akati, “Inzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi! Hazvina kuringana here kuedza mwoyo murefu wavanhu? Ko, imi muchaedzawo mwoyo murefu waMwari wangu here?
Then he said, Hear ye now, O house of David! Is it too small a thing for you to weary men, That ye should weary my God also?
14 Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri.
Therefore shall Jehovah himself give you a sign: Behold, the damsel shall conceive, and bear a son, And she shall call his name Immanuel.
15 Iye achadya ruomba nouchi paachaziva zvakakwana kuti arambe zvakaipa achisarudza zvakarurama.
Milk and honey shall he eat, Until he learn to refuse the evil, and choose the good;
16 Asi mwana asati anyatsoziva kuramba zvakaipa nokusarudza zvakanaka, nyika yamadzimambo maviri aunotya ichava dongo.
For before this child shall have learned to refuse the evil and choose the good, The land shall become desolate, On account of whose two kings thou art in terror.
17 Jehovha achauyisa pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro peimba yababa vako nguva isina kumbovapo kubva nguva iya yaakazvipatsanura kubva kuna Judha, achauyisa mambo weAsiria.”
Yet Jehovah shall bring upon thee, and upon thy people, and upon thy father's house, Days such as have not been Since Ephraim revolted from Judah. [[Even the king of Assyria.]]
18 Pazuva iroro Jehovha acharidzira muridzo kunhunzi dzichibva kuhova dziri kure dzeIjipiti nokunyuchi dzichibva kunyika yeAsiria.
And it shall come to pass in that day That Jehovah shall whistle for the fly that is at the end of the streams of Egypt, And the bee that is in the land of Assyria,
19 Dzichauya dzose dzigogara mumawere emipata nomumikaha yamatombo, nomumakwenzi ose eminzwa uye napamadziva ose.
And they shall come, and light all of them In the desolate valleys, and fissures of the rocks, And upon all hedges, and upon all pastures.
20 Pazuva iro Jehovha achashandisa chisvo chakakumbirwa kubva mhiri kwoRwizi, kuna mambo weAsiria, kuti aveure misoro yenyu nemvere dzomumakumbo enyu, uye kuti abvisewo ndebvu dzenyu.
In that day shall Jehovah shave, with a razor hired beyond the river, [[with the king of Assyria, ]] The head, and the hair of the feet; Yea, even the beard shall he take away.
21 Pazuva iro, murume achapfuwa mhou duku imwe chete nembudzi mbiri.
And it shall come to pass in that day, That a man shall keep a young cow, and two sheep;
22 Uye nokuda kwokuwanda kwomukaka wadzinopa, achadya ruomba. Vose vachasara munyika vachadya ruomba nouchi.
And for the abundance of milk which they produce, shall he eat cheese; For milk and honey shall all eat Who are left in the land,
23 Pazuva iro munzvimbo imwe neimwe maimbova nemizambiringa inokwana chiuru yaitengwa namashekeri anokwana chiuru esirivha, pachazova norukato neminzwa chete.
And it shall come to pass in that day, That every place where stood a thousand vines, worth a thousand shekels of silver, Shall be covered with briers and thorns.
24 Varume vachaendako neuta nemiseve, nokuti nyika ichange yafukidzwa norukato neminzwa.
With arrows and with bows shall men go thither; For all the land shall become briers and thorns.
25 Kana zviri zvikomo zvose zvaichimbosakurirwa nebadza, hakuna achada kuendako nokuda kwokutya rukato neminzwa; dzichava nzvimbo dzokusundira mombe nokunomhanyirwa namakwai.
All the hills that were digged with the mattock Shall no one approach through fear of briers and thorns; They shall be for the pasturage of oxen, And the trampling of sheep.