< Isaya 66 >
1 Zvanzi naJehovha: “Denga ndicho chigaro changu, uye nyika chitsiko chetsoka dzangu. Ko, iripi imba yamungandivakira? Nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?
Bw’ati bw’ayogera Mukama Katonda, “Eggulu y’entebe yange kwe nfugira n’ensi ke katebe kwe mpummuliza ebigere byange, nnyumba ki gye mulinzimbira? Kifo ki kye mulimpa okuwummuliramu?
2 Haruzi ruoko rwangu rwakaita izvozvi zvose here, nokudaro zvikavapo?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Munhu akadai ndiye wandichakudza: iye anozvininipisa uye ane mweya wakapwanyika, uye anodedera paanonzwa shoko rangu.
Ebintu bino byonna emikono gyange si gye gyagikola, noolwekyo ebintu bino byonna byange?” bw’ayogera Mukama Katonda. “Ono ye muntu gwe ntunulako; oyo ow’eggonjebwa era omwetoowaze mu mwoyo, oyo akankanira ekigambo kyange.
3 Asi ani naani anobayira hando akafanana nouyo anouraya munhu, uye anobayira gwayana, anofanana nouyo anovhuna mutsipa wembwa; ani naani anoita chipiriso chezviyo anofanana nomunhu anopa ropa renguruve, uye ani naani anopisira zvinonhuhwira zvokurangaridza, anofanana nounonamata chifananidzo. Vakasarudza nzira dzavo, uye mweya yavo inofarira zvinonyangadza zvavo;
Naye asaddaaka ente aba ng’asse omuntu, oyo awaayo omwana gw’endiga n’aba ng’amenye ensingo y’embwa, n’oyo awaayo ekiweebwayo eky’empeke aba ng’awaddeyo omusaayi gw’embizzi, era oyo anyookeza obubaane bw’ekijjukizo aba ng’asinza ekifaananyi ekikole n’emikono. Abantu bakutte amakubo gaabwe, era emmeeme zaabwe zisanyukira eby’emizizo byabwe.
4 naizvozvo neniwo ndichavasarudzira kuranga kuchavaomera, uye ndichauyisa pamusoro pavo izvo zvavanotya. Nokuti pandakadana, hapana akapindura, pandakataura, hapana akateerera. Vakaita zvakaipa pamberi pangu vakasarudza zvisingandifadzi.”
Nange ndisalawo mbatuuseeko ekibambulira, mbaleeteko kye batandyagadde kibatuukeko. Kubanga bwe nayita, teri n’omu yayanukula, bwe nnaayogera tebanfaako. Bakola ebibi mu maaso gange ne bagoberera ebitansanyusa.”
5 Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera pamunonzwa shoko rake: “Hama dzenyu dzinokuvengai, uye dzinokutsaurai nokuda kwezita rangu, dzakati, ‘Jehovha ngaaratidze kukudzwa kwake, kuti tione mufaro wenyu!’ Asi ivo vachanyadziswa.
Muwulirize ekigambo kya Mukama Katonda mmwe abakankanira ekigambo kye. “Baganda bammwe abatabaagala era ababayigganya olw’erinnya lyange babasekerera nti, ‘Leka Mukama alage obukulu bwe abalokole tulabe bwe musanyuka!’ Naye bo be banaakwasibwa ensonyi.
6 Inzwai maungira ebope anobva muguta, inzwai mheremhere inobva mutemberi! Ndiwo maungira aJehovha achiripira vavengi vake zvose zvakavakodzera.
Muwulirize. Oluyoogaano oluva mu kibuga, muwulirize eddoboozi eriva mu yeekaalu. Eddoboozi eryo lya Mukama Katonda ng’asasula abalabe be nga bwe kibagwanira.
7 “Asati arwadziwa nemimba, anosununguka; kurwadza kusati kwauya pamusoro pake, anosununguka mwanakomana.
“Ekibuga kyange ekitukuvu kiri ng’omukazi azaala nga tannatuusa kulumwa, obulumi nga tebunatuuka n’akubawo eddenzi.
8 Ndiani akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Ko, nyika ingazvarwa pazuva rimwe here kana rudzi rungazvarwa pakarepo here? Kunyange zvakadaro, Zioni rakangoti kurwadziwa, pakarepo ndokubereka vana varo.
Ani eyali awulidde ekintu bwe kityo? Ani eyali alabye ekiri ng’ekyo? Ensi eyinza okuzaalibwa mu lunaku lumu oba eggwanga okutondebwawo mu kaseera obuseera? Akaseera katono bwe kati, Sayuuni anaaba yakalumwa ng’eggwanga litondebwa.
9 Ndingasvitsa panguva yokubereka ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, ndinozarira chizvaro pandinoberekesa here?” ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.
Nnyinza okutuusa abantu bange ku kuzaalibwa ne batazaalibwa?” bw’ayogera Mukama Katonda. “Ate olubuto ndusiba ntya nga ndutuusizza ku kuzaala?” bw’ayogera Mukama Katonda wo.
10 “Pemberai pamwe chete neJerusarema uye mufarisise nokuda kwaro, imi mose munorida; farisisai pamwe chete naro, imi mose munochema pamusoro paro.
“Mujagulize wamu ne Yerusaalemi era mumusanyukireko mwenna abamwagala, mujaganye nnyo mmwe mwenna abamukaabira.
11 Nokuti muchanwa mukaguta pamazamu ake anonyaradza; muchanwa zvikuru kwazvo uye muchafadzwa nezvakawanda zvake zvinopfachukira.”
Kubanga muliyonka munywe n’essanyu mukkutire ddala ku kitiibwa kye ekingi.”
12 Nokuti zvanzi naJehovha: “Ndichawedzera rugare kwaari sorwizi, uye upfumi hwendudzi sokudira kworukova; muchayamwa uye muchatakurwa paruoko rwake, uye muchavaraidzwa pamabvi ake.
Kubanga bw’ati bw’ayogera Mukama Katonda nti, “Laba mbaleetera obugagga obutaliiko kkomo, obugagga bw’amawanga bube gye muli ng’omugga ogwanjaala. Muliyonkako, musitulibwe mu mbiriizi era bababuusizebuusize ku mubiri gwe.
13 Samai vanonyaradza mwana wavo, saizvozvo ndichakunyaradzai; uye muchanyaradzwa pamusoro peJerusarema.”
Ng’omwana bw’asanyusibwa nnyina, bwe ntyo bwe ndikuzzaamu amaanyi mu Yerusaalemi.”
14 Pamuchaona izvozvo, mwoyo wenyu uchafara, uye muchaita bumhudza sebundo; ruoko rwaJehovha rucharatidzwa kuvaranda vake, asi hasha dzake dzicharatidzwa kuvavengi vake.
Kino bw’olikiraba omutima gwo gulisanyuka, era kirikufuula w’amaanyi omulamu obulungi ng’omuddo ogukuze. Olwo kiryoke kimanyibwe nti omukono gwa Mukama Katonda guyamba abaweereza be, ate obusungu bwe ne bulagibwa abalabe be.
15 Tarirai, Jehovha ari kuuya nomoto, uye ngoro dzake dzakaita sechamupupuri; achaburutsa kutsamwa kwake nehasha huru, uye kutuka kwake nomurazvo womoto.
“Kubanga laba Mukama Katonda alijjira mu muliro, era n’amagaali ge ag’embalaasi galiba ng’empewo ey’omuyaga. Alijja n’obusungu bwe n’ekiruyi era alibanenya n’ennimi ez’omuliro.
16 Nokuti nomoto uye nomunondo wake Jehovha achatonga vanhu vose, uye vazhinji vachava vaya vanourayiwa naJehovha.
Omuliro n’ekitala Mukama Katonda by’alibonerezesa abantu bonna, n’abo abalisaanyizibwawo baliba bangi.
17 “Vaya vanozvinatsa nokuzvichenesa kuti vaende mumapindu, vachitevera munhu ari pakati paavo vanodya nyama yenguruve nembeva uye nezvimwe zvinhu zvinonyangadza, magumo avo achava mamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Abo abeetukuza balyoke balage mu nnimiro entukuvu okukola eby’emizizo, abatambulira mu nnyiriri nga bwe balya embizzi, omusonso n’emmere ey’omuzizo, bonna balizikirira wamu,” bw’ayogera Mukama Katonda.
18 “Nokuti ini nokuda kwamabasa avo nepfungwa dzavo, ndiri kuuya kuzounganidza marudzi ose nendimi dzose; vachauya uye vachaona kubwinya kwangu.
“Olw’ebyo bye bakola ne bye balowooza, nnaatera okujja nkuŋŋaanye amawanga gonna n’ennimi zonna, era balijja balabe ekitiibwa kyange.
19 “Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, uye ndichatumira vamwe vavakapunyuka kundudzi, kuTashishi, nokuvaRibhiya navaRidhia (vane mbiri yokuwembura uta), nokuTubhari nokuGirisi, nokuzviwi zviri kure zvisina kumbonzwa nezvembiri yangu kana kuona kubwinya kwangu. Vachaparidza kubwinya kwangu pakati pendudzi.
“Nditeeka akabonero mu bo. Ndiwonyaako abamu mbasindike mu mawanga, e Talusiisi, e Puuli, n’e Luudi, abaleega omutego, eri Tubali ne Yavani, mu bizinga eby’ewala, abatawuliranga ttutumu lyange, wadde okulaba ekitiibwa kyange.
20 Uye vachauyisa hama dzenyu dzose, kubva kundudzi dzose, kugomo rangu dzvene muJerusarema, sechipo kuna Jehovha, pamusoro pamabhiza, nomungoro uye mungoro dzina matenga, napamanyurusi uye napangamera,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachazviuyisa, savaIsraeri vanouyisa zvipiriso zvavo zvezviyo, kutemberi yaJehovha mumidziyo yakacheneswa.
Balikomyawo baganda bammwe bonna okuva mu mawanga nga ekirabo gye ndi. Balibaleetera ku mbalaasi, ne mu magaali ge mbalaasi n’ebigaali ne ku nnyumbu n’eŋŋamira ku lusozi lwange olutukuvu nga Isirayiri bwe baleeta ebiweebwayo ebirongoofu mu nnyumba ya Mukama Katonda.
21 Ipapo ndichasarudza vamwe vavo kuti vave vaprista navaRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Era ndifuula abamu ku bo okubeera bakabona n’abaleevi,” bw’ayogera Mukama Katonda.
22 “Nokuti sezvakaita matenga matsva nenyika itsva zvandinoita zvichazogara pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo zita renyu nezvizvarwa zvenyu zvichagara.
“Kubanga nga eggulu eppya n’ensi empya, bye ndikola bwe biribeerawo olw’amaanyi gange, bw’ayogera Mukama Katonda, bwe lityo ezzadde lyammwe n’erinnya lyammwe bwe birisigala.
23 Kubva paKugara kwoMwedzi kusvikira kuno mumwe, uye kubva paSabata rimwe kusvikira kune rimwe, marudzi ose achauya kuzokotama pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Okuva ku mwezi okutuuka ku mwezi, n’okuva ku ssabbiiti okutuuka ku ssabbiiti, bonna abalina omubiri banajjanga okusinziza mu maaso gange,” bw’ayogera Mukama Katonda.
24 “Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvaavo vaindimukira; honye yavo haizofi, moto wavo haungadzimwi, uye vachasemesa vanhu vose.”
“Kale bwe baliba bafuluma, baliraba emirambo gy’abasajja abanneewaggulako; kubanga envunyu zaabwe tezirifa, so n’omuliro gwabwe tegulizikizibwa; era baliba kyennyinnyalwa eri abantu bonna.”