< Isaya 66 >

1 Zvanzi naJehovha: “Denga ndicho chigaro changu, uye nyika chitsiko chetsoka dzangu. Ko, iripi imba yamungandivakira? Nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?
Ainsi a dit l'Éternel: Le ciel est mon trône, et la terre mon marchepied. Quelle maison me bâtirez-vous? Quel lieu sera celui de mon repos?
2 Haruzi ruoko rwangu rwakaita izvozvi zvose here, nokudaro zvikavapo?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Munhu akadai ndiye wandichakudza: iye anozvininipisa uye ane mweya wakapwanyika, uye anodedera paanonzwa shoko rangu.
Car toutes ces choses, ma main les a faites, et toutes ces choses existent par elle, dit l'Éternel. Et voici à qui je regarde: à celui qui est humble, qui a l'esprit abattu, et qui tremble à ma parole.
3 Asi ani naani anobayira hando akafanana nouyo anouraya munhu, uye anobayira gwayana, anofanana nouyo anovhuna mutsipa wembwa; ani naani anoita chipiriso chezviyo anofanana nomunhu anopa ropa renguruve, uye ani naani anopisira zvinonhuhwira zvokurangaridza, anofanana nounonamata chifananidzo. Vakasarudza nzira dzavo, uye mweya yavo inofarira zvinonyangadza zvavo;
Égorger un bœuf est comme tuer un homme; sacrifier une brebis, comme abattre un chien; présenter une offrande, comme répandre le sang d'un pourceau; faire un parfum d'encens, comme bénir une idole. Puisqu'ils ont choisi leurs voies et que leur âme prend plaisir à leurs abominations,
4 naizvozvo neniwo ndichavasarudzira kuranga kuchavaomera, uye ndichauyisa pamusoro pavo izvo zvavanotya. Nokuti pandakadana, hapana akapindura, pandakataura, hapana akateerera. Vakaita zvakaipa pamberi pangu vakasarudza zvisingandifadzi.”
Moi aussi, je choisirai leur ruine, et je ferai venir sur eux ce qu'ils redoutent; parce que j'ai appelé et nul n'a répondu, j'ai parlé et ils n'ont point écouté, mais ils ont fait ce qui est mal à mes yeux, et ils ont choisi ce qui me déplaît.
5 Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera pamunonzwa shoko rake: “Hama dzenyu dzinokuvengai, uye dzinokutsaurai nokuda kwezita rangu, dzakati, ‘Jehovha ngaaratidze kukudzwa kwake, kuti tione mufaro wenyu!’ Asi ivo vachanyadziswa.
Écoutez la parole de l'Éternel, vous qui tremblez à sa parole. Vos frères qui vous haïssent, et qui vous rejettent, à cause de mon nom, ont dit: Que l'Éternel montre sa gloire, et que nous voyions votre joie! Mais ils seront confondus.
6 Inzwai maungira ebope anobva muguta, inzwai mheremhere inobva mutemberi! Ndiwo maungira aJehovha achiripira vavengi vake zvose zvakavakodzera.
Une voix éclatante vient de la ville, une voix vient du temple, la voix de l'Éternel, qui rend à ses ennemis leur salaire.
7 “Asati arwadziwa nemimba, anosununguka; kurwadza kusati kwauya pamusoro pake, anosununguka mwanakomana.
Avant d'être en travail, elle a enfanté; avant de sentir les douleurs, elle a mis au monde un enfant mâle.
8 Ndiani akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Ko, nyika ingazvarwa pazuva rimwe here kana rudzi rungazvarwa pakarepo here? Kunyange zvakadaro, Zioni rakangoti kurwadziwa, pakarepo ndokubereka vana varo.
Qui a jamais entendu pareille chose? Qui en a vu de semblable? Un pays est-il enfanté en un jour, ou une nation naît-elle en une seule fois, que Sion ait enfanté ses fils aussitôt qu'elle a été en travail?
9 Ndingasvitsa panguva yokubereka ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, ndinozarira chizvaro pandinoberekesa here?” ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.
Moi, qui ouvre le sein, ne la ferai-je pas enfanter, dit l'Éternel? Moi qui fais enfanter, l'en empêcherai-je, dit ton Dieu?
10 “Pemberai pamwe chete neJerusarema uye mufarisise nokuda kwaro, imi mose munorida; farisisai pamwe chete naro, imi mose munochema pamusoro paro.
Réjouissez-vous avec Jérusalem, soyez dans l'allégresse à cause d'elle, vous tous qui l'aimez! Réjouissez-vous avec elle d'une grande joie, vous tous qui pleuriez sur elle!
11 Nokuti muchanwa mukaguta pamazamu ake anonyaradza; muchanwa zvikuru kwazvo uye muchafadzwa nezvakawanda zvake zvinopfachukira.”
Afin que vous soyez allaités et rassasiés du lait de ses consolations; afin que vous buviez avec délices de sa glorieuse abondance.
12 Nokuti zvanzi naJehovha: “Ndichawedzera rugare kwaari sorwizi, uye upfumi hwendudzi sokudira kworukova; muchayamwa uye muchatakurwa paruoko rwake, uye muchavaraidzwa pamabvi ake.
Car ainsi a dit l'Éternel: Voici, je vais faire couler vers elle la paix comme un fleuve, et la gloire des nations comme un torrent débordé; et vous serez allaités, vous serez portés sur les bras, et caressés sur les genoux.
13 Samai vanonyaradza mwana wavo, saizvozvo ndichakunyaradzai; uye muchanyaradzwa pamusoro peJerusarema.”
Je vous consolerai comme une mère console son fils, et vous serez consolés dans Jérusalem.
14 Pamuchaona izvozvo, mwoyo wenyu uchafara, uye muchaita bumhudza sebundo; ruoko rwaJehovha rucharatidzwa kuvaranda vake, asi hasha dzake dzicharatidzwa kuvavengi vake.
Vous le verrez, et votre cœur se réjouira, et vos os reprendront vigueur comme l'herbe. Et la main de l'Éternel se fera connaître pour ses serviteurs, et sa colère contre ses ennemis.
15 Tarirai, Jehovha ari kuuya nomoto, uye ngoro dzake dzakaita sechamupupuri; achaburutsa kutsamwa kwake nehasha huru, uye kutuka kwake nomurazvo womoto.
Car voici l'Éternel qui vient dans un feu, et ses chars sont comme l'ouragan, pour tourner sa colère en fureur, et ses menaces en flammes de feu.
16 Nokuti nomoto uye nomunondo wake Jehovha achatonga vanhu vose, uye vazhinji vachava vaya vanourayiwa naJehovha.
Car l'Éternel exercera son jugement contre toute chair, par le feu et par son épée; et ceux que frappera l'Éternel, seront en grand nombre.
17 “Vaya vanozvinatsa nokuzvichenesa kuti vaende mumapindu, vachitevera munhu ari pakati paavo vanodya nyama yenguruve nembeva uye nezvimwe zvinhu zvinonyangadza, magumo avo achava mamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ceux qui se sanctifient et qui se purifient au milieu des jardins, l'un après l'autre; qui mangent de la chair de pourceau, et des choses abominables, et des souris, périront tous ensemble, dit l'Éternel.
18 “Nokuti ini nokuda kwamabasa avo nepfungwa dzavo, ndiri kuuya kuzounganidza marudzi ose nendimi dzose; vachauya uye vachaona kubwinya kwangu.
Mais pour moi, qui vois leurs œuvres et leurs pensées, le temps est venu de rassembler toutes les nations et toutes les langues; elles viendront, et verront ma gloire.
19 “Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, uye ndichatumira vamwe vavakapunyuka kundudzi, kuTashishi, nokuvaRibhiya navaRidhia (vane mbiri yokuwembura uta), nokuTubhari nokuGirisi, nokuzviwi zviri kure zvisina kumbonzwa nezvembiri yangu kana kuona kubwinya kwangu. Vachaparidza kubwinya kwangu pakati pendudzi.
Je mettrai un signe en elles, et j'enverrai leurs réchappés vers les nations, à Tarsis, à Pul et à Lud, qui tirent de l'arc, à Tubal et à Javan, aux îles éloignées, qui n'ont jamais entendu parler de moi et qui n'ont point vu ma gloire; et ils publieront ma gloire parmi les nations.
20 Uye vachauyisa hama dzenyu dzose, kubva kundudzi dzose, kugomo rangu dzvene muJerusarema, sechipo kuna Jehovha, pamusoro pamabhiza, nomungoro uye mungoro dzina matenga, napamanyurusi uye napangamera,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachazviuyisa, savaIsraeri vanouyisa zvipiriso zvavo zvezviyo, kutemberi yaJehovha mumidziyo yakacheneswa.
Et ils amèneront tous vos frères, du milieu de toutes les nations, comme une offrande à l'Éternel, sur des chevaux, sur des chars, dans des litières, sur des mulets, sur des dromadaires, à ma montagne sainte, à Jérusalem, dit l'Éternel; comme les enfants d'Israël apportent l'offrande, dans un vase pur, à la maison de l'Éternel.
21 Ipapo ndichasarudza vamwe vavo kuti vave vaprista navaRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Et parmi eux aussi j'en prendrai pour être sacrificateurs et lévites, dit l'Éternel.
22 “Nokuti sezvakaita matenga matsva nenyika itsva zvandinoita zvichazogara pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo zita renyu nezvizvarwa zvenyu zvichagara.
Car, comme les cieux nouveaux et la terre nouvelle que je vais créer, subsisteront devant moi, dit l'Éternel, ainsi subsisteront votre race et votre nom.
23 Kubva paKugara kwoMwedzi kusvikira kuno mumwe, uye kubva paSabata rimwe kusvikira kune rimwe, marudzi ose achauya kuzokotama pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Et de mois en mois, et de sabbat en sabbat, toute chair viendra se prosterner devant moi, dit l'Éternel.
24 “Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvaavo vaindimukira; honye yavo haizofi, moto wavo haungadzimwi, uye vachasemesa vanhu vose.”
Et ils sortiront, et verront les cadavres des hommes qui se sont rebellés contre moi; car leur ver ne mourra point, leur feu ne s'éteindra point, et ils seront pour toute chair un objet d'horreur.

< Isaya 66 >