< Isaya 65 >
1 “Ndakazviratidza kuna avo vasina kundibvunza; ndakawanikwa neavo vasina kunditsvaka. Kurudzi rwakanga rusina kudana kuzita rangu ndakati, ‘Ndiri pano, ndiri pano.’
Nilikuwa tayari kuchaguliwa na wale ambao hawakuniomba; Nilikuwa tayari kupatikana kwa wale ambao hawakunitafuta. Nilisema, ''Niko hapa!' kwa taifa ambalo halikuita jina langu.
2 Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu kurudzi rwakasindimara, vanofamba munzira dzisina kunaka vachitevera zvavanofunga,
Nimetawanya mikono yangu siku zote kuwasumbua watu wangu, wanao tembea katika njia isiyopasa, wanaotembea kwa kufuata mawazo yao wenyewe na mipango yao.
3 vanhu vanogara vachindigumbura ipo pamberi pangu chaipo, vachibayira zvibayiro pamapindu uye vachipisira zvinonhuhwira paaritari dzezvitinha;
Kuna watu wanoendelea kunipinga mimi, wanatoa sadaka zao katika bustani, na kuchoma ubani juu ya matofali.
4 vanogara pakati pamarinda uye vanopedza usiku hwavo vachinyengetera vari munzira yakavanda: vanodya nyama yenguruve, uye hari dzavo dzine furo renyama yakasvibiswa;
Wamekaa miongoni mwa makaburi na kuangalia usiku kucha, na hula nyama ya nguruwe na mchuzi mchafu wa nyama katika vyombo vyao.
5 vanoti, ‘Gara kure; usaswedera pedyo neni, nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe.’ Vanhu vakadaro utsi mumhuno dzangu, moto unoramba uchipfuta zuva rose.
Wanasema, 'Simama mbali, usisogee karibu na mimi, maana mimi ni mtakatifu zaidi yako.' Vitu hivi ni moshi katika pua zangu, moto uwakao mchana kutwa.
6 “Tarirai, zvakanyorwa pamberi pangu zvinoti: Handinganyarari asi ndicharipira zvakazara; ndichazviripa pamakumbo avo,
Tazama, imeandikwa mbele yangu: Sitanyamaza, Maana nitawalipa wao tena; nitafanya malipo yao katika miguu yao,
7 zvakaipa zvenyu nezvamadzibaba enyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti vakapisira zvibayiro pamusoro pezvikomo, ndichayera pamakumbo avo muripo wakazara wamabasa avo akare.”
kwa sababu ya dhambi zao na dhambi za baba zao kwa pamoja.'' asema Yahwe. ''Nitawajibu wao kwa kuchoma ubani juu ya milima na kunifanyia mimi juu ya vilima. Hivyo basi nitapima juu ya matendo yao ya kale katika miguu yao.''
8 Zvanzi naJehovha: “Sezvazvakangoita kana musvi uchiri kuwanikwa musumbu ramazambiringa uye vanhu vachiti, ‘Musauparadza, muchine zvakanaka mauri,’ saizvozvo ndizvo zvandichaitira varanda vangu; handingavaparadzi vose.
Yahwe asema hivi, ''Ikiwa kama juisi itapatikana katika nguzo ya zabibu, wakati mmoja ataposema, 'Usihiaribu hiyo, maa kuna uzuri ndani yake; hichi ndicho nitakachokifanya kwa niaba ya watumishi wangu: Sitawaribu wao wote.
9 Ndichabudisa marudzi kuna Jakobho, uye nokubva kuna Judha avo vachatora makomo angu; vasanangurwa vangu vachagara nhaka, uye varanda vangu vachagara ikoko.
Nitazileta koo kutoka kwa Yakobo, na kutoka Yuda wao ambao watairithi milima yangu. Niliowachagua watairithi aridhi, na watumishi wangu wataishi pale.
10 Sharoni richava mafuro amakwai, uye Mupata weAkori uchava uvato hwemombe dzavanhu vangu vanonditsvaka.
Sharoni itakuwa malisho ya makundi, na bonde la Akori itakuwa sehemu ya kupumzikia ya makundi yangu, kwa watu wangu wanaonitafuta mimi.
11 “Asi kana murimi munosiya Jehovha uye munokanganwa gomo rangu dzvene, munowaridzira Rombo Rakanaka tafura, uye munozadza zvirongo newaini yakavhenganisirwa Magumo,
Lakini yeye aliyeachana na Yehwe, anayeusahau mlima wangu mtakatifu, anayeandaa meza kwa bahati ya mungu, na kujaza kikombe cha mvinyo uliochanganywa na miungu inayoitwa Hatama.
12 ndichakuendesai kumunondo, uye mose muchakotamira pasi kuti mubayiwe, nokuti ndakadana asi hamuna kudavira, ndakataura asi hamuna kuteerera. Makaita zvakaipa pamberi pangu mukasarudza zvisingandifadzi.”
Nitaufikisha mwisho wenu kwa upanga, na wato mtainama chini kwa kuchinjwa, Kwa sababu nilipokuita wewe, haukuitikia; nilipozungumza haukunisikliza. lakini mlifanya yaliyo mabaya katika macho yangu na kuchagua kufanya yasiyo nipendeza mimi.''
13 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: “Varanda vangu vachadya, asi imi muchanzwa nzara; varanda vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota; varanda vangu vachafara, asi imi muchanyadziswa.
Bwana Yahwe asema hivi, ''Tazama, mtumishi atakula, lakini atashikwa na njaa; tazama mtumishi wangu atakunywa lakini atakuwa na kiu; tazama mtumishi wangu atashangilia, lakini atatiwa katika aibu.
14 Varanda vangu vachaimba zvichibva mumufaro wemwoyo yavo, asi imi muchachema nokurwadziwa nemwoyo uye muchaungudza mukupwanyika kwomweya.
Tazama, mtumishi wangu atapiga kelele za furaha kwa sababu ya furaha ya moyo, lakini utalia kwa sababu ya maumivu ya moyo, na mtapiga kelele kwa sababu ya kusagwa kwa roho zenu.
15 Muchasiyira zita renyu kuvasanangurwa vangu sechituko; Ishe Jehovha achakuurayai, asi achapa varanda vake rimwe zita.
Nanyi mtaliacha jina lenu nyuma kama laana kwa watu niliowachagua wazungumze; Mimi Bwana Yahwe, Nitakuwa wewe; Nitawaita watumishi wangu kwa jina lingine.
16 Ani naani achati nyika iropafadzwe achazviita naMwari wechokwadi; ani naani achaita mhiko munyika achapika naMwari wechokwadi. Nokuti matambudziko akare achakanganwikwa, uye achavanzirwa meso angu.
Yeyote atakaye tamka baraka juu ya nchi atabarikiwa na mimi, Mungu wa kweli. Yeyote achukuae kiapo juu ya nchi anaapa na mimi, Mungu wa kweli, kwa sababu matatizo ya nyuma yatasaulika, maana yatafichwa machoni pangu.
17 “Tarirai, ndichasika matenga matsva nenyika itsva. Zvinhu zvakare hazvichazorangarirwi, kana kuuya mundangariro.
Maana tazama, Ninakaribia kuumba mbingu mpya na nchi mpya; na mambo ya kale hayatakumbukwa tena wala kufikiriwa katika akili.
18 Asi farai mupembere nokusingaperi mune zvandichasika, nokuti ndichasika Jerusarema kuti rifadze uye kuti vanhu varo vave mufaro.
Lakini mtakuwa na furaha na kushangilia daima kwa nitakachokiumba. Tazama, Ninakaribia kuumba Yerusalemu mpya kama furaha na watu wake wenye furaha.
19 Ndichapembera pamusoro peJerusarema, uye ndichafarira vanhu vangu; maungira okuchema kana kurira haachazonzwikwazve imomo.
Nitafurahia juu ya Yerusalemu watu wangu; kuomboleza na kilio cha dhiki akitasikika tena ndani yake.
20 “Mariri hamungazovazve nomucheche achararama mazuva mashoma shoma, kana mutana asingasvitsi makore ake okurarama; uyo anofa ane zana ramakore achangotorwa somujaya; uyo anotadza kusvika pazana ramakore achatorwa sowakatukwa.
Hakuna tena mtoto atakayeishi pale japo kwa siku chache; wala mzee kufa kabla ya mda wake. Yule atakayekufa katika umri wa miaka mia moja atachukuliwa kama mtu mdogo. Yeyote ambaye atashindwa kufikia umri wa miaka mia moja atachukuliwa kama laana.
21 Vachavaka dzimba vagogara madziri; vachadyara mazambiringa vagodya michero yawo.
Watazijenga nyumba na kukaa huko, na watapanda mizabibu na kula matunda yake.
22 Havachazovakazve dzimba dzinozogarwa navamwe, kana kudyara vamwe vachizodya. Nokuti sezvakaita mazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachafara kwenguva refu mumabasa amaoko avo.
Hawatajenga nyumba na wengine waishi humo; hawatapanda, na wengine wale; maana kama siku za miti zitakuwa siku za watu wangu. Watu wangu wataishi kikamilifu kwa kazi ya mikono yao.
23 Havachazoshandira pasina kana kubereka vana vanoparadzwa; nokuti vachava vanhu vakaropafadzwa naJehovha, ivo nezvizvarwa zvavo.
Hawatafanya kazi bure, wala kuzaa kwa kusikitishwa. Maana ni watoto wa waliobarikiwa na Yahwe, pamoj na koo zao.
24 Vasati vadana ndichavapindura; vachiri kutaura ndichavanzwa.
Kabla hawajaita, nitaitika; na wakati wanaendele kuzungumza, ntisikia. Mbwa mwitu na kondoo watachungwa pamoja, na simba atakula majani kama ng'ombe; lakini udongo utakuwa chakula cha nyoka.
25 Bumhi negwayana zvichafura pamwe chete, uye shumba ichadya uswa senzombe, asi guruva richava chokudya chenyoka. Hazvichazokuvadza kana kuparadza pamusoro pegomo rangu dzvene rose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Hawataumiza tena wala kuharibujuu ya mlima wangu mtakatifu,'' asema Yahwe.