< Isaya 64 >

1 Haiwa, dai maibvarura matenga mukaburuka pasi, kuti makomo adedere pamberi penyu!
O da bi razdro nebesa i sišao, da se rastope gore od tebe,
2 Sezvinoita moto paunopisa tsotso uchiita kuti mvura ivire, burukai muzoita kuti zita renyu rizivikanwe kuvavengi venyu, uye muite kuti ndudzi dzidedere pamberi penyu!
Kao što se na ognju razgori granje i voda uzavri od ognja, da ime tvoje poznadu neprijatelji tvoji i da narodi drkæu od tebe.
3 Nokuti pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisina kutarisira, makaburuka pasi, makomo akabvunda pamberi penyu.
Kad si èinio strahote kojima se ne nadasmo, ti si slazio, i gore se rastapahu od tebe.
4 Kubva panguva dzekare hakuna munhu akanzwa, hakuna nzeve yakanzwisisa, hakuna ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu, anobatsira avo vanomumirira.
Otkako je vijeka ne èu se, niti se ušima dozna, niti oko vidje Boga osim tebe da bi tako uèinio onima koji ga èekaju.
5 Munouya kuzobatsira avo vanofarira kuita zvakarurama, vanorangarira nzira dzenyu. Asi patakaramba tichivatadzira, imi makatsamwa. Zvino tingaponeswa seiko?
Sretao si onoga koji se raduje tvoreæi pravdu; pominju te na putovima tvojim; gle, ti si se razgnjevio što griješismo; da na njima jednako ostasmo, bismo se spasli.
6 Isu tose tafanana nousina kuchena, uye mabasa edu ose okururama afanana namamvemve enguo dzine tsvina; isu tose tinooma seshizha, semhepo zvivi zvedu zvinotitsvairira kure.
Ali svi bijasmo kao neèisto što, i sva naša pravda kao neèista haljina; zato opadosmo svi kao list, i bezakonja naša kao vjetar odnesoše nas.
7 Hakuna anodana kuzita renyu kana anoshingairira kuti akubatei; nokuti makativanzira chiso chenyu mukaita kuti tiperezeke nokuda kwezvivi zvedu.
Nikoga ne bi da priziva ime tvoje, da ustane da se tebe drži, jer si sakrio lice svoje od nas i rastopio si nas bezakonjem našim.
8 Haiwa, Jehovha, kunyange zvakadaro muri Baba vedu. Isu tiri ivhu, imi muri muumbi; isu tose tiri basa ramaoko enyu.
Ali sada, Gospode, ti si naš otac; mi smo kao, a ti si naš lonèar, i svi smo djelo ruku tvojih.
9 Regai kutsamwa zvikuru imi Jehovha; regai kurangarira zvivi zvedu nokusingaperi. Haiwa Jehovha, ringirai kwatiri, tinokumbira, nokuti tose tiri vanhu venyu.
Gospode, ne gnjevi se veoma, i ne pominji dovijeka bezakonja; evo, pogledaj; mi smo svi tvoj narod.
10 Maguta enyu matsvene ava renje; kunyange Zioni irenje, Jerusarema rava dongo.
Gradovi svetosti tvoje opustješe; Sion opustje, Jerusalim posta pustoš.
11 Temberi yedu tsvene inobwinya, umo madzibaba edu akakurumbidzai, yakapiswa nomoto, uye nzvimbo dzose dzataikoshesa dzaparara.
Dom naše svetinje i naše krasote, u kom te slaviše oci naši, izgorje ognjem, i sve što nam bješe drago potrveno je.
12 Haiwa Jehovha, mushure maizvozvi mungazvidzorawo here? Mucharamba munyerere, uye mugotiranga zvinopfuura mwero here?
Hoæeš li se na to uzdržati, Gospode, i muèati, i jednako nas muèiti?

< Isaya 64 >