< Isaya 63 >

1 Ndianiko uyu anobva kuEdhomu, anobva kuBhozira, ane nguo dzakatsvuka seropa? Ndianiko uyu, akafuka zvinobwinya, anofamba muukuru hwesimba rake? “Ndini ndinotaura nokururama, ndine simba rokuponesa.”
Ni nani huyu anayekuja kutoka Edomu, kutoka Bosra, mwenye mavazi yaliyotiwa madoa mekundu? Ni nani huyu, aliyevikwa joho la kifahari, anayetembea kwa ukuu wa nguvu zake? “Mimi ndimi, nisemaye katika haki, mwenye nguvu wa kuokoa.”
2 Seiko nguo dzenyu dzakatsvuka sedzomunhu anotsika chisviniro chewaini?
Kwa nini mavazi yako ni mekundu, kama ya yule akanyagaye shinikizo la zabibu?
3 “Ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kubva kundudzi dzose hapana akanga aneni. Ndakavatsika-tsika mukutsamwa kwangu uye ndakavapwanyira pasi muhasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu, ndikasvibisa nguo dzangu dzose.
“Nimekanyaga shinikizo la zabibu peke yangu; kutoka mataifa hakuna mtu aliyekuwa pamoja nami. Nimewaponda kwa miguu katika hasira yangu na kuwakanyaga chini katika ghadhabu yangu; damu yao ilitia matone kwenye mavazi yangu, na kutia madoa nguo zangu zote.
4 Nokuti zuva rokutsiva rakanga riri mumwoyo mangu, uye gore rokudzikinura kwangu rasvika.
Kwa kuwa siku ya kisasi ilikuwa moyoni mwangu, mwaka wa ukombozi wangu umefika.
5 Ndakatarisa, asi pakanga pasina angabatsira, ndakashamiswa nokuti hapana akatsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso, uye hasha dzangu dzakanditsigira.
Nilitazama, lakini hakuwepo yeyote wa kunisaidia, nilishangaa kwa kuwa hakuwepo yeyote aliyetoa msaada; hivyo mkono wangu wenyewe ndio ulionifanyia wokovu, na ghadhabu yangu mwenyewe ndiyo iliyonitegemeza.
6 Ndakatsika-tsika ndudzi mukutsamwa kwangu; muhasha dzangu ndakaita kuti vadhakwe uye ndakadurura ropa ravo pasi.”
Nilikanyaga mataifa kwa miguu katika hasira yangu, katika ghadhabu yangu niliwalewesha, na kumwaga damu yao juu ya ardhi.”
7 Ndichataura nezvounyoro hwaJehovha, iwo mabasa aanofanira kukudzwa nawo, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha, hongu, izvo zvinhu zvizhinji zvaakaitira imba yaIsraeri, nokuda kwetsitsi dzake uye nengoni dzake zhinji.
Nitasimulia juu ya wema wa Bwana, kwa matendo ambayo apaswa kusifiwa, sawasawa na yote ambayo Bwana ametenda kwa ajili yetu: naam, mambo mengi mema aliyoyatenda kwa ajili ya nyumba ya Israeli, sawasawa na huruma zake na wema wake mwingi.
8 Akati, “Zvirokwazvo ndivo vanhu vangu, ivo vanakomana vasingazovi venhema kwandiri,” naizvozvo akava Muponesi wavo.
Alisema, “Hakika wao ni watu wangu, wana ambao hawatanidanganya”; hivyo akawa Mwokozi wao.
9 Mumatambudziko avo ose naiyewo akatambudzika, uye mutumwa wokuvapo kwake akavaponesa. Murudo rwake nengoni akavadzikinura; akavasimudza uye akavatakura mumazuva ose akare.
Katika taabu zao zote naye alitaabika, na malaika wa uso wake akawaokoa. Katika upendo wake na rehema zake aliwakomboa, akawainua na kuwachukua siku zote zilizopita.
10 Asi vakamumukira vakachemedza Mweya wake Mutsvene. Saka akashanduka akava muvengi wavo, uye iye amene akarwa navo.
Lakini waliasi, na kumhuzunisha Roho Mtakatifu wake. Hivyo aligeuka na kuwa adui yao, na yeye mwenyewe akapigana dhidi yao.
11 Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, mazuva aMozisi navanhu vake, vakati, aripiko akavayambutsa gungwa, nomufudzi wamakwai ake? Aripiko akaisa Mweya wake Mutsvene pakati pavo,
Ndipo watu wake wakazikumbuka siku zilizopita, siku za Mose na watu wake: yuko wapi yeye aliyewaleta kupitia katikati ya bahari, pamoja na wachungaji wa kundi lake? Yuko wapi yule aliyeweka Roho wake Mtakatifu katikati yao,
12 iye akavatumira ruoko rwake rwokukudzwa nesimba kuti ruve paruoko rworudyi rwaMozisi, iye akaparadzanisa mvura pamberi pavo, kuti azviwanire mukurumbira usingaperi,
aliyetuma mkono wake uliotukuka wenye nguvu kuwa katika mkono wa kuume wa Mose, aliyegawa maji ya bahari mbele yao, ili kujipatia jina milele,
13 iye akavatungamirira nomakadzika? Sebhiza murenje, havana kugumburwa;
aliyewaongoza kupitia kwenye vilindi? Kama farasi katika nchi iliyo wazi, wao hawakujikwaa,
14 semombe dzinoburukira kubani, vakapiwa zororo noMweya waJehovha. Ndiwo matungamiriro amakaita vanhu venyu kuti muzviitire zita rine mukurumbira.
kama ngʼombe washukao bondeni kwenye malisho, walipewa pumziko na Roho wa Bwana. Hivi ndivyo ulivyowaongoza watu wako ili kujipatia mwenyewe jina tukufu.
15 Tarirai pasi muri kudenga uye muone, kubva pachigaro chenyu chakakwirira chitsvene uye chinobwinya. Kushingaira kwenyu nesimba renyu zviripiko? Unyoro hwenyu netsitsi dzenyu zvakabviswa kwatiri.
Tazama chini kutoka mbinguni ukaone kutoka kiti chako cha enzi kilichoinuliwa juu, kitakatifu na kitukufu. Uko wapi wivu wako na uweza wako? Umetuzuilia wema wako na huruma zako.
16 Asi muri Baba vedu, kunyange Abhurahama asingatizivi kana naIsraeri asingatiziviwo; imi, Jehovha, ndimi Baba vedu, Mudzikinuri wedu kubva kare ndiro zita renyu.
Lakini wewe ni Baba yetu, ingawa Abrahamu hatufahamu sisi wala Israeli hatutambui; wewe, Ee Bwana, ndiwe Baba yetu, Mkombozi wetu tangu zamani za kale ndilo jina lako.
17 Haiwa Jehovha, munotiregereiko tichidzungaira, kubva panzira dzenyu muchiomesa mwoyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuda kwavaranda venyu, iwo marudzi enhaka yenyu.
Ee Bwana, kwa nini unatuacha twende mbali na njia zako, na kuifanya mioyo yetu migumu hata hatukukuheshimu? Rudi kwa ajili ya watumishi wako, yale makabila ambayo ni urithi wako.
18 Kwenguva duku vanhu venyu vakatora nzvimbo yenyu tsvene, asi zvino vavengi vedu vakatsika-tsika nzvimbo yenyu tsvene.
Kwa maana kwa muda mfupi watu wako walimiliki mahali pako patakatifu, lakini sasa adui zetu wamepakanyaga mahali patakatifu pako.
19 Isu tiri venyu kubva kare; asi ivo hamuna kumbovatonga, havana kumbodaidzwa nezita renyu.
Sisi tumekuwa kama wale ambao hujawatawala kamwe, kama wale ambao hawajaitwa kwa jina lako.

< Isaya 63 >