< Isaya 63 >

1 Ndianiko uyu anobva kuEdhomu, anobva kuBhozira, ane nguo dzakatsvuka seropa? Ndianiko uyu, akafuka zvinobwinya, anofamba muukuru hwesimba rake? “Ndini ndinotaura nokururama, ndine simba rokuponesa.”
Kven er dette som kjem frå Edom, frå Bosra i raude klæde, so brikjen i bunaden sin, so staut i si store kraft? «Det er eg, eg som talar rettferd, som er megtig til å frelsa.»
2 Seiko nguo dzenyu dzakatsvuka sedzomunhu anotsika chisviniro chewaini?
Kvifor er bunaden din so raud, og klædi som trødde du vinpersa?
3 “Ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kubva kundudzi dzose hapana akanga aneni. Ndakavatsika-tsika mukutsamwa kwangu uye ndakavapwanyira pasi muhasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu, ndikasvibisa nguo dzangu dzose.
«Eg trødde persa åleine, og ingen av folki var med meg. So trødde eg på deim i vreide og trakka deim sund i min harm. Då skvatt deira blod på klædi mine, og eg sulka heile min klædnad.
4 Nokuti zuva rokutsiva rakanga riri mumwoyo mangu, uye gore rokudzikinura kwangu rasvika.
For ein hemnedag var i min hug, og mitt utløysingsår var kome.
5 Ndakatarisa, asi pakanga pasina angabatsira, ndakashamiswa nokuti hapana akatsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso, uye hasha dzangu dzakanditsigira.
Eg såg meg um, det var ingen som hjelpte, og eg undrast på at ingen meg studde, då hjelpte meg min arm, og min harm var meg til studnad,
6 Ndakatsika-tsika ndudzi mukutsamwa kwangu; muhasha dzangu ndakaita kuti vadhakwe uye ndakadurura ropa ravo pasi.”
og eg trakka ned folkeslag i min vreide og gjorde deim drukne i min harm, deira blod let eg renna på jordi.»
7 Ndichataura nezvounyoro hwaJehovha, iwo mabasa aanofanira kukudzwa nawo, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha, hongu, izvo zvinhu zvizhinji zvaakaitira imba yaIsraeri, nokuda kwetsitsi dzake uye nengoni dzake zhinji.
Herrens miskunn vil eg prisa, Herrens storverk, etter alt det Herren hev gjort oss og hans store godleik mot Israels hus, som han viste deim i si miskunn og sin store nåde.
8 Akati, “Zvirokwazvo ndivo vanhu vangu, ivo vanakomana vasingazovi venhema kwandiri,” naizvozvo akava Muponesi wavo.
Han sagde: «Dei er mitt folk, trufaste borni.» Og han vart deira frelsar.
9 Mumatambudziko avo ose naiyewo akatambudzika, uye mutumwa wokuvapo kwake akavaponesa. Murudo rwake nengoni akavadzikinura; akavasimudza uye akavatakura mumazuva ose akare.
I all deira trengsla var ingi trengsla, hans åsyns engel frelste deim; i sin kjærleik og si milda han løyste deim ut, han tok deim upp, og han bar deim alle fordoms dagar.
10 Asi vakamumukira vakachemedza Mweya wake Mutsvene. Saka akashanduka akava muvengi wavo, uye iye amene akarwa navo.
Men dei var stride og harma hans heilage ande, då gjordest han um til fiend’, sjølv stridde han mot deim.
11 Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, mazuva aMozisi navanhu vake, vakati, aripiko akavayambutsa gungwa, nomufudzi wamakwai ake? Aripiko akaisa Mweya wake Mutsvene pakati pavo,
Då fordoms dagar då tenkte hans folk på Moses: Kvar er han som deim førde or havet med sin buskaps hyrding? Kvar er han som gav deim i barmen sin heilage ande,
12 iye akavatumira ruoko rwake rwokukudzwa nesimba kuti ruve paruoko rworudyi rwaMozisi, iye akaparadzanisa mvura pamberi pavo, kuti azviwanire mukurumbira usingaperi,
som let fara ved Mose sida sin herlege arm, som kløyvde vatnet framfor deim, so han skapte seg eit æveleg namn,
13 iye akavatungamirira nomakadzika? Sebhiza murenje, havana kugumburwa;
han som førde deim gjenom djupet som ein hest yver heidi, so ikkje dei snåva?
14 semombe dzinoburukira kubani, vakapiwa zororo noMweya waJehovha. Ndiwo matungamiriro amakaita vanhu venyu kuti muzviitire zita rine mukurumbira.
Liksom buskapen gjeng ned i dalen, førde Herrens ande deim til ro; ja, so hev du ført ditt folk og skapt deg eit herleg namn.
15 Tarirai pasi muri kudenga uye muone, kubva pachigaro chenyu chakakwirira chitsvene uye chinobwinya. Kushingaira kwenyu nesimba renyu zviripiko? Unyoro hwenyu netsitsi dzenyu zvakabviswa kwatiri.
Skoda ned frå himmelen, sjå, frå din heilage, herlege bustad! Kvar er din brennhug, di kraft? Di rørsla i barmen, di miskunn held seg att imot meg.
16 Asi muri Baba vedu, kunyange Abhurahama asingatizivi kana naIsraeri asingatiziviwo; imi, Jehovha, ndimi Baba vedu, Mudzikinuri wedu kubva kare ndiro zita renyu.
For du er vår fader, for Abraham veit ikkje um oss, og Israel kjenner oss ikkje. Men du, Herre, er vår fader, «Vår utløysar» du heiter frå gamalt.
17 Haiwa Jehovha, munotiregereiko tichidzungaira, kubva panzira dzenyu muchiomesa mwoyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuda kwavaranda venyu, iwo marudzi enhaka yenyu.
Kvi let du oss vildra, Herre, frå dine vegar? Kvi gjer du vårt hjarta hardt, so me ikkje ottast deg? Vend att for dine tenarar skuld, for ætterne i din arvlut!
18 Kwenguva duku vanhu venyu vakatora nzvimbo yenyu tsvene, asi zvino vavengi vedu vakatsika-tsika nzvimbo yenyu tsvene.
Eit lite bil hev ditt heilage folk havt si eiga, so trakka våre uvener ned din heilagdom.
19 Isu tiri venyu kubva kare; asi ivo hamuna kumbovatonga, havana kumbodaidzwa nezita renyu.
Det hev vorte med oss som du aldri hadde rådt yver oss, som ditt namn hadde ei vore nemnt yver oss.

< Isaya 63 >