< Isaya 61 >

1 Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,
The Spirit of the Lord Jehovah is upon me, because Jehovah hath anointed me to announce glad tidings unto the meek; he hath sent me to bind up the broken-hearted, to proclaim liberty to the captives, and opening of the prison to them that are bound;
2 kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu, kuti ndinyaradze vose vanochema,
to proclaim the acceptable year of Jehovah, and the day of vengeance of our God; to comfort all that mourn;
3 uye ndiriritire avo vanochema muZioni, kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako pachinzvimbo chamadota, mafuta omufaro pachinzvimbo chokuchema, uye nenguo yokurumbidza pachinzvimbo chomweya wakarukutika. Vachanzi miouki yokururama, yakasimwa naJehovha kuti aratidze kubwinya kwake.
to appoint unto them that mourn in Zion, that beauty should be given unto them instead of ashes, the oil of joy instead of mourning, the garment of praise instead of the spirit of heaviness: that they might be called terebinths of righteousness, the planting of Jehovah, that he may be glorified.
4 Vachavakazve matongo akare uye vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa kare; vachavandudza matongo amaguta akaparadzwa kwezvizvarwa nezvizvarwa zvakapfuura.
And they shall build the old wastes, they shall raise up the former desolations, and they shall repair the waste cities, the places desolate from generation to generation.
5 Vatorwa vachafudza mapoka amakwai enyu; vatorwa vachashanda muminda yenyu nomuminda yenyu yemizambiringa.
And strangers shall stand and feed your flocks, and the sons of the alien shall be your ploughmen and your vinedressers.
6 Ipapo imi muchanzi vaprista vaJehovha, muchanzi vashumiri vaMwari. Muchadya pfuma yendudzi, uye muchazvirumbidza nepfuma yavo.
But as for you, ye shall be called priests of Jehovah; it shall be said of you: Ministers of our God. Ye shall eat the wealth of the nations, and into their glory shall ye enter.
7 Pachinzvimbo chokunyadziswa kwavo vanhu vangu vachagamuchira migove miviri, uye pachinzvimbo chokunyadziswa vachafara munhaka yavo; nokudaro vachagara nhaka yemigove miviri munyika yavo, uye mufaro usingaperi uchava wavo.
Instead of your shame [ye shall have] double; instead of confusion they shall celebrate with joy their portion: therefore in their land they shall possess the double; everlasting joy shall be unto them.
8 “Nokuti ini, Jehovha, ndinoda kururamisira; ndinovenga kupamba nezvakaipa. Mukutendeka kwangu, ndichavapa mubayiro uye ndichaita sungano isingaperi navo.
For I, Jehovah, love judgment, I hate robbery with wrong; and I will give their recompence in truth, and I will make an everlasting covenant with them.
9 Zvizvarwa zvavo zvichazivikanwa pakati pendudzi uye navana vavo pakati pamarudzi. Vose vanovaona vachaziva kuti vanhu vakaropafadzwa naJehovha.”
And their seed shall be known among the nations, and their offspring among the peoples: all that see them shall acknowledge them, that they are a seed that Jehovah hath blessed.
10 Ndinofara zvikuru muna Jehovha; mweya wangu unofara muna Mwari. Nokuti akandifukidza nenguo dzoruponeso, uye akandishongedza nenguo yokururama, sechikomba chinoshongedza musoro wacho somuprista, uye somwenga anozvishongedza nezvishongo zvamatombo anokosha.
I will greatly rejoice in Jehovah, my soul shall be joyful in my God; for he hath clothed me with the garments of salvation, he hath covered me with the robe of righteousness, as a bridegroom decketh himself with the priestly turban, and as a bride adorneth herself with her jewels.
11 Nokuti ivhu sezvarinomeresa mbeu, nebindu richiita kuti mbeu dzikure, saizvozvo Ishe Jehovha achaita kuti kururama nerumbidzo zvimere pamberi pendudzi dzose.
For as the earth bringeth forth her bud, and as a garden causeth the things that are sown in it to spring forth, so the Lord Jehovah will cause righteousness and praise to spring forth before all the nations.

< Isaya 61 >