< Isaya 60 >

1 “Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.
Nyanyuka, uangaze; maana mwanga wako umekuja, na utukufu wa Yahwe umekuja kwako.
2 Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro pako uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako.
Japokuwa giza litatanda katika nchi, na giza nene katika mataifa; Lakini Yahwe atakuja juu yenu, na utukufu wake utaonekana kwenu.
3 Ndudzi dzichauya kuchiedza chako, uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako.
Mataifa yatakuja kwenye mwanga wako, na wafalme katika mwanga wako mkali uliokuja
4 “Simudza meso ako utarise zvakakukomberedza: vose vanoungana uye vanouya kwauri, vanakomana vako vanobva kure, uye vanasikana vako vanotakurwa pamaoko.
Tazama na angalia pande zote. Wamekusanyika wao wenyewe kwa pamoja na wanakuja kwako. Watoto wako watatoka mbali, na binti zao watabebwa katika mikono yenu.
5 Ipapo uchatarisa ugopenya, mwoyo wako uchakwata uye uchazara nomufaro; upfumi huri pamusoro pamakungwa huchauyiswa kwauri, pfuma yendudzi ichauya kwauri.
Halafu wataangalia na kuwa furaha, na moyo wako utafurahia na kufurika, maana wingi wa maji utamwagwa juu yenu, utajiri wa mataifa utakuja kwenu.
6 Mapoka engamera achazadza nyika yako, mhuru dzengamera dzeMidhiani neEfa. Uye vose vanobva kuShebha vachauya, vakatakura goridhe nezvinonhuhwira vachiparidza kurumbidzwa kwaJehovha.
Msafara wa ngamia utawafunika ninyi, na ngamia wa Midiani na Efa; wote watakuja kutoka Sheba; wataleta dhahabu na ubani, wataimba sifa kwa Yahwe.
7 Mapoka eKedhari achaunganidzirwa kwauri makondobwe eNebhayoti achakushumira: achagamuchirwa sezvipo paaritari yangu, uye ndichashongedza temberi yangu yokukudzwa.
Makundi yote ya Kedari yatakusanika kwa pamoja kwako, kondoo wa Nebaioti watabeba mahitaji yako; watakubalika kutolewa sadaka katika madhebau yangu; na nitaitukuza nyumba yangu takatifu.
8 “Ndivanaani ava vanobhururuka samakore, senjiva dzinoenda kumatendere adzo?
Ni nani hawa wanopaa wenyewe kama mawingu, na kama njiwa kwenye makazi yao?
9 Zvirokwazvo zviwi zvinotarira kwandiri; zvikepe zveTashishi zvinotungamira zvichiuya navanakomana venyu vari kubva kure, nesirivha yavo negoridhe, kuzokudza Jehovha Mwari wako, iye Mutsvene waIsraeri, nokuti akakushongedza nokubwinya.
Pwani itanitafuta mimi, na meli ya Tarshishi huwaongoza, huwaleta watoto wenu kutoka mbali, pamoja na fedha zao na dhahabu zao, maana jina la Yahwe Mungu wenu, na Mtakatifu wa Israeli, maana amekuheshimu wewe.
10 “Vatorwa vachavakazve masvingo ako, uye madzimambo avo achakushandira. Kunyange ndakakurova mukutsamwa kwangu, munyasha dzangu ndichakunzwira tsitsi.
Watoto wa wageni watajenga tena kuta zenu, n awafalme wao watawatumikia ninyi; japo katika laana yangu nimewaadhibu ninyi, lakini kwa neema yangu nitawahurumia ninyi.
11 Masuo ako achagara akashama haachazombozarirwi, masikati kana usiku kuitira kuti vanhu vakuvigire upfumi hwendudzi, madzimambo adzo achafambiswa ari mumudungwe akundwa.
Milango yenu itaendelea kuwa wazi; haitafungwa mchana au usiku, hivyo utajiri wa mataifa ili uweze kuletwa, pamoja na viongozi wanowaongoza.
12 Nokuti rudzi kana ushe husingakushumiri huchaparadzwa; huchaparadzwa zvachose.
Kweli, mataifa na falme ambayo hayatakutumikia wewe yatatoweka; mataifa hayo yataangamizwa kabisa.
13 “Kubwinya kweRebhanoni kuchauya kwauri, mipaini nemifiri nemisipuresi pamwe chete, kuzoshongedza nzvimbo yetemberi yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.
Utukufu wa Lebanoni utakuja kwako, mti wa msonobari, mtidhari, pamoja na msonobari ili kupamba madhebau yangu; na Nitalitukuza eneo la miguu yangu.
14 Vanakomana vavamanikidzi venyu vachauya vachikotama pamberi penyu; vose vanokuzvidzai vachapfugama patsoka dzenyu uye vachakutumidzai kuti Guta raJehovha, Zioni roMutsvene waIsraeri.
Watakuja kwako kukusujudia wewe, watoto wa wale wanaokunyenyekea wewe; wataisujudia miguu yako; watakuita wewe mji wa Yahwe, sayani ya Mtakatifu wa Israeli.
15 “Kunyange wanga wasiyiwa uye uchivengwa, pasina munhu anopfuura nemauri, ndichakuita kuti ukudzwe nokusingaperi uye uve mufaro wezvizvarwa zvinotevera.
Badala yake uwepo wenu umetelekezwa na kuchukiwa, kwa kuwa hakuna hata mmoja anayepita ndani yenu, nitawafanya kuwa kitu cha kiburi milele, furaha kutoka kizazi hata kizazi.
16 Uchanwa mukaka wendudzi uye ucharerwa pamazamu oumambo. Ipapo uchaziva kuti ini, iyeni Jehovha, ndini Muponesi wako, Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.
Pia utakunywa maziwa ya mataifa, utatunzwa katika kifua cha wafalme; utajua kwamba Mimi Yahwe, Mimi ni mwokozi na mkombozi wenu, aliye Mkuu wa Israeli.
17 Ndichakuvigira goridhe pachinzvimbo chendarira, nesirivha pachinzvimbo chesimbi. Ndichakuvigira ndarira pachinzvimbo chamatanda, nesimbi pachinzvimbo chamabwe. Ndichaita rugare mubati wako nekururama mutongi wako.
Badala ya shaba Nitaleta dhahabu, badaia ya chuma nitaleta fedha; badala ya mbao, shabana badala ya jiwe, chuma. Nitachagua amani kwa kiongozi wenu, na haki kiongozi wenu.
18 Kuita nechisimba hakuchazonzwikwa munyika yako, kana dongo kana kuparadzwa mukati memiganhu yako, asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti Ruponeso nemasuo ako kuti Rumbidzo.
Vurugu hazitasikika katika aridhi yenu, uharibifu wala uvunjaji katika mipaka yenu; lakini mtaita kuta zenu wokovu, na malngo yenu mtayaita sifa.
19 Zuva harichazovi chiedza chako masikati, uye kupenya kwomwedzi hakungavi pamusoro pako, nokuti Jehovha ndiye achava chiedza chako chisingaperi, uye Mwari wako achava kubwinya kwako.
Jua halitakuwa mwanga wenu wakati wa mchana, wala mwanga wa mwenzi wakati wa usiku hautawawakia ninyi; Lakini Yahwe atakuwa mwanga wenu wa milele, na Mungu wenu na utukufu wenu.
20 Zuva rako harichazovirizve, uye mwedzi wako hauchazoperizve; Jehovha achava chiedza chako chisingaperi, uye mazuva okuchema kwako achaguma.
Jua lenu halitakuewepo wala mweni utaondoshwa na kutoweka; maana Yahwe atakuwa mwanga wenu daima, na siku za maombolezo zitakwisha.
21 Ipapo vanhu vako vose vachava vakarurama, uye vachatora nyika kuti ive yavo nokusingaperi. Ndivo mabukira andakadyara, basa ramaoko angu, kuti ndiratidze kubwinya kwangu.
Watu wako wote watakuwa wenye haki; watachukuwa urithi wa nchi kwa mda wote, tawi la mazao yangu, kazi ya mikono yangu, ili niweze kuitukuza.
22 Mudikisa wako achava chiuru, mudiki achava rudzi rune simba. Ndini Jehovha, munguva yacho ndichazviita nokukurumidza.”
Mtoto atakuwa maelfu, na mdogo atakuwa taifa la wenye nguvu; Mimi Yahwe Nitayatimiza hayo mda utakapowadia.

< Isaya 60 >