< Isaya 60 >

1 “Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.
برخیز و درخشان شو زیرا نور تو آمده و جلال خداوند بر تو طالع گردیده است.۱
2 Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro pako uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako.
زیرا اینک تاریکی جهان را و ظلمت غلیظ طوایف را خواهد پوشانید اما خداوند بر توطلوع خواهد نمود و جلال وی بر تو ظاهرخواهد شد.۲
3 Ndudzi dzichauya kuchiedza chako, uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako.
و امت‌ها بسوی نور تو و پادشاهان بسوی درخشندگی طلوع تو خواهند آمد.۳
4 “Simudza meso ako utarise zvakakukomberedza: vose vanoungana uye vanouya kwauri, vanakomana vako vanobva kure, uye vanasikana vako vanotakurwa pamaoko.
چشمان خود را به اطراف خویش برافراز و ببین که جمیع آنها جمع شده، نزد تو می‌آیند. پسرانت از دور خواهند آمد و دخترانت را در آغوش خواهند‌آورد.۴
5 Ipapo uchatarisa ugopenya, mwoyo wako uchakwata uye uchazara nomufaro; upfumi huri pamusoro pamakungwa huchauyiswa kwauri, pfuma yendudzi ichauya kwauri.
آنگاه خواهی دید و خواهی درخشید و دل تو لرزان شده، وسیع خواهد گردید، زیرا که توانگری دریا بسوی تو گردانیده خواهد شد و دولت امت‌ها نزد تو خواهد آمد.۵
6 Mapoka engamera achazadza nyika yako, mhuru dzengamera dzeMidhiani neEfa. Uye vose vanobva kuShebha vachauya, vakatakura goridhe nezvinonhuhwira vachiparidza kurumbidzwa kwaJehovha.
کثرت شتران و جمازگان مدیان و عیفه تو راخواهند پوشانید. جمیع اهل شبع خواهند آمد وطلا و بخور آورده، به تسبیح خداوند بشارت خواهند داد.۶
7 Mapoka eKedhari achaunganidzirwa kwauri makondobwe eNebhayoti achakushumira: achagamuchirwa sezvipo paaritari yangu, uye ndichashongedza temberi yangu yokukudzwa.
جمیع گله های قیدار نزد تو جمع خواهند شد و قوچهای نبایوت تو را خدمت خواهند نمود. به مذبح من با پذیرایی برخواهندآمد و خانه جلال خود را زینت خواهم داد.۷
8 “Ndivanaani ava vanobhururuka samakore, senjiva dzinoenda kumatendere adzo?
اینها کیستند که مثل ابر پرواز می‌کنند ومانند کبوتران بر وزنهای خود؟۸
9 Zvirokwazvo zviwi zvinotarira kwandiri; zvikepe zveTashishi zvinotungamira zvichiuya navanakomana venyu vari kubva kure, nesirivha yavo negoridhe, kuzokudza Jehovha Mwari wako, iye Mutsvene waIsraeri, nokuti akakushongedza nokubwinya.
به درستی که جزیره‌ها و کشتیهای ترشیش اول انتظار مراخواهند کشید تا پسران تو را از دور و نقره وطلای ایشان را با ایشان بیاورند، به جهت اسم یهوه خدای تو و به جهت قدوس اسرائیل زیرا که تو را زینت داده است.۹
10 “Vatorwa vachavakazve masvingo ako, uye madzimambo avo achakushandira. Kunyange ndakakurova mukutsamwa kwangu, munyasha dzangu ndichakunzwira tsitsi.
و غریبان، حصارهای تو را بنا خواهند نمود و پادشاهان ایشان تو راخدمت خواهند کرد زیرا که در غضب خود تو رازدم لیکن به لطف خویش تو را ترحم خواهم نمود.۱۰
11 Masuo ako achagara akashama haachazombozarirwi, masikati kana usiku kuitira kuti vanhu vakuvigire upfumi hwendudzi, madzimambo adzo achafambiswa ari mumudungwe akundwa.
دروازه های تو نیز دائم باز خواهد بود وشب و روز بسته نخواهد گردید تا دولت امت‌ها رانزد تو بیاورند و پادشاهان ایشان همراه آورده شوند.۱۱
12 Nokuti rudzi kana ushe husingakushumiri huchaparadzwa; huchaparadzwa zvachose.
زیرا هر امتی و مملکتی که تو را خدمت نکند تلف خواهد شد و آن امت‌ها تمام هلاک خواهند گردید.۱۲
13 “Kubwinya kweRebhanoni kuchauya kwauri, mipaini nemifiri nemisipuresi pamwe chete, kuzoshongedza nzvimbo yetemberi yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.
جلال لبنان با درختان صنوبر و کاج و چناربا هم برای تو آورده خواهند شد تا مکان مقدس مرا زینت دهند و جای پایهای خود را تمجیدخواهم نمود.۱۳
14 Vanakomana vavamanikidzi venyu vachauya vachikotama pamberi penyu; vose vanokuzvidzai vachapfugama patsoka dzenyu uye vachakutumidzai kuti Guta raJehovha, Zioni roMutsvene waIsraeri.
و پسران آنانی که تو را ستم می رسانند خم شده، نزد تو خواهند آمد و جمیع آنانی که تو را اهانت می‌نمایند نزد کف پایهای توسجده خواهند نمود و تو را شهر یهوه و صهیون قدوس اسرائیل خواهند نامید.۱۴
15 “Kunyange wanga wasiyiwa uye uchivengwa, pasina munhu anopfuura nemauri, ndichakuita kuti ukudzwe nokusingaperi uye uve mufaro wezvizvarwa zvinotevera.
به عوض آنکه تو متروک و مبغوض بودی و کسی از میان تو گذرنمی کرد. من تو را فخر جاودانی و سرور دهرهای بسیار خواهم گردانید.۱۵
16 Uchanwa mukaka wendudzi uye ucharerwa pamazamu oumambo. Ipapo uchaziva kuti ini, iyeni Jehovha, ndini Muponesi wako, Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.
و شیر امت‌ها را خواهی مکید و پستانهای پادشاهان را خواهی مکید وخواهی فهمید که من یهوه نجات‌دهنده تو هستم و من قدیر اسرائیل، ولی تو می‌باشم.۱۶
17 Ndichakuvigira goridhe pachinzvimbo chendarira, nesirivha pachinzvimbo chesimbi. Ndichakuvigira ndarira pachinzvimbo chamatanda, nesimbi pachinzvimbo chamabwe. Ndichaita rugare mubati wako nekururama mutongi wako.
به‌جای برنج، طلا خواهم آورد و به‌جای آهن، نقره و به‌جای چوب، برنج و به‌جای سنگ، آهن خواهم آورد و سلامتی را ناظران تو و عدالت را حاکمان تو خواهم گردانید.۱۷
18 Kuita nechisimba hakuchazonzwikwa munyika yako, kana dongo kana kuparadzwa mukati memiganhu yako, asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti Ruponeso nemasuo ako kuti Rumbidzo.
و بار دیگر ظلم در زمین توو خرابی و ویرانی در حدود تو مسموع نخواهدشد و حصارهای خود را نجات و دروازه های خویش را تسبیح خواهی نامید.۱۸
19 Zuva harichazovi chiedza chako masikati, uye kupenya kwomwedzi hakungavi pamusoro pako, nokuti Jehovha ndiye achava chiedza chako chisingaperi, uye Mwari wako achava kubwinya kwako.
و بار دیگرآفتاب در روز نور تو نخواهد بود و ماه بادرخشندگی برای تو نخواهد تابید زیرا که یهوه نور جاودانی تو و خدایت زیبایی تو خواهد بود.۱۹
20 Zuva rako harichazovirizve, uye mwedzi wako hauchazoperizve; Jehovha achava chiedza chako chisingaperi, uye mazuva okuchema kwako achaguma.
و بار دیگر آفتاب تو غروب نخواهد کرد و ماه تو زوال نخواهد پذیرفت زیرا که یهوه برای تونور جاودانی خواهد بود و روزهای نوحه گری توتمام خواهد شد.۲۰
21 Ipapo vanhu vako vose vachava vakarurama, uye vachatora nyika kuti ive yavo nokusingaperi. Ndivo mabukira andakadyara, basa ramaoko angu, kuti ndiratidze kubwinya kwangu.
و جمیع قوم تو عادل خواهند بود و زمین را تا به ابد متصرف خواهندشد. شاخه مغروس من و عمل دست من، تاتمجید کرده شوم.۲۱
22 Mudikisa wako achava chiuru, mudiki achava rudzi rune simba. Ndini Jehovha, munguva yacho ndichazviita nokukurumidza.”
صغیر هزار نفر خواهد شدو حقیر امت قوی خواهد گردید. من یهوه دروقتش تعجیل در آن خواهم نمود.۲۲

< Isaya 60 >