< Isaya 58 >
1 “Danidzira nesimba, usanyarara. Simudza inzwi rako sehwamanda. Paridzira vanhu vangu kupanduka kwavo, neimba yaJakobho zvivi zvavo.
Memeza ngomphimbo, ungayekeli, uphakamise ilizwi lakho njengophondo, utshele abantu bami isiphambeko sabo, lendlu kaJakobe izono zabo.
2 Nokuti zuva nezuva vanonditsvaka; vanoita savane chido chokuziva nzira dzangu, kunge vanga vari rudzi runoita zvakanaka uye rusina kusiya mirayiro yaMwari wavo. Vanondikumbira kutonga kwakarurama sokunge vanofarira kuti Mwari auye pedyo navo.
Kanti bayangidinga mina usuku ngosuku, bethokoza ukwazi indlela zami; njengesizwe esenza ukulunga, esingadelanga isimiso sikaNkulunkulu waso, babuza kimi izimiso zokulunga, bathokoza ekusondeleni kuNkulunkulu.
3 Vanoti, ‘Takatsanyireiko, uye imi mukasazviona? Takazvininipisireiko, imi mukasazviona?’ “Asi pazuva rokutsanya kwenyu munoita zvamunoda muchimanikidza vashandi venyu.
Besithi: Kungani sizile ukudla, wena-ke ungaboni? Kungani sihluphe umphefumulo wethu, wena-ke ungakwazi? Khangelani, ngosuku lokuzila kwenu ukudla, lithola intokozo, licindezele zonke izisebenzi zenu.
4 Kutsanya kwenyu kunogumisira mukukakavadzana nemhirizhonga, uye kurovana netsiva dzakaipisisa. Hamungatsanyi sezvamunoita mazuva ano, mugotarisira kuti inzwi renyu richanzwika kumusoro.
Khangelani, lizila ukudla lisenzela ingxabano lokuphikisana, lokutshaya ngenqindi yenkohlakalo; lingazili ukudla njengalamuhla, ukwenza ilizwi lenu lizwakale phezulu.
5 Ko, ndiko here kutsanya kwandakasarudza, zuva rimwe chete rokuti munhu azvininipise? Ndezvokukotamisa musoro chete sorushanga here, nokungovata pamusoro penguo dzamasaga namadota? Ndiko kwamunoti kutsanya here, pazuva rinodikanwa naJehovha?
Kunjalo yini ukuzila ukudla engikukhethileyo? Lusuku lokuthi umuntu ahluphe umphefumulo wakhe yini? Ukuthi akhothamise ikhanda lakhe njengomhlanga, endlale phansi kwakhe isaka lomlotha? Lokhu ungakubiza yini ngokuthi yikuzila ukudla, losuku olwemukelekayo eNkosini?
6 “Uku handiko kutsanya kwandakasarudza here: Kusunungura ngetani dzokusaruramisira nokusunungura zvitirobho zvejoko, kusunungura vakamanikidzwa nokuvhuna joko rimwe nerimwe?
Kayisikho lokhu yini ukuzila ukudla engikukhethileyo: Ukuthukulula izibopho zobubi, ukukhulula imichilo yejogwe, ukuyekela abacindezelweyo bahambe bekhululekile, lokuthi lephule lonke ijogwe?
7 Hakuzi kugoverana zvokudya zvako nevane nzara, nokupa varombo vanodzungaira pokugara here, paunoona vakashama, kuvapfekedza, uye kusafuratira venyama neropa rako?
Kayisikho yini ukwabela olambileyo isinkwa sakho, lokungenisa abayanga abayimihambuma endlini, lapho ubona onqunu umembese, lokuthi ungacatsheli inyama yakho?
8 Ipapo chiedza chako chichabuda samambakwedza, uye kuporeswa kwako kucharatidzwa nokukurumidza; ipapo kururama kwako kuchakutungamirira, uye kubwinya kwaJehovha kuchakurinda mumashure.
Khona ukukhanya kwakho kuzaqhamuka njengokusa, lokusila kwakho kuhlume masinyane; lokulunga kwakho kuhambe phambi kwakho; inkazimulo yeNkosi ibe ngumvikeli wakho ngasemuva.
9 Ipapo uchadana, Jehovha achakupindura; uchadanidzira uchida rubatsiro, uye iye achati: Ndiri pano. “Kana ukabvisa joko roudzvinyiriri, kutendeka nomunwe nokutaura kwakaipa,
Khona uzabiza, iNkosi iphendule, uzakhala, ibisisithi: Khangela ngilapha. Uba ususa phakathi kwakho ijogwe, ukukhomba ngomunwe, lokukhuluma okubi,
10 uye ukapa zvokudya zvako kune vane nzara uye ukagutsa vakamanikidzwa pakushaya kwavo, ipapo chiedza chako chichabuda murima, uye usiku hwako huchashanduka hukafanana namasikati.
ukhuphele olambileyo umphefumulo wakho, usuthise umphefumulo ohluphekileyo, khona ukukhanya kwakho kuzaphuma emnyameni, lobumnyama bakho bube njengemini enkulu.
11 Jehovha achakutungamirira nguva dzose; achakugutsa pakushaya kwako munyika yakapiswa nezuva uye achasimbisa mapfupa ako. Uchafanana nebindu rinodiridzwa nemvura yetsime, sechitubu chine mvura isingapwi.
Njalo iNkosi izakukhokhela njalonjalo, isuthise umphefumulo wakho engwaduleni, iqinise amathambo akho, ube njengesivande esithelelwayo, lanjengomthombo wamanzi, omanzi awo angapheliyo.
12 Vanhu vako vachavakazve matongo akare vachasimudza nheyo dzakare; iwe uchanzi Mugadziri waMasvingo Akakoromoka, Muvandudzi weMigwagwa ine Dzimba.
Labakho bazakwakha amanxiwa amadala; uzavusa izisekelo zezizukulwana ngezizukulwana; uzabizwa ngokuthi: UMvalisikhala, uMbuyiseli wemikhondo yokuhlala.
13 “Kana ukachengeta tsoka dzako kuti dzisaputsa Sabata, uye kuti dzisaita zvinokufadza iwe pazuva rangu dzvene, kana ukati Sabata izuva rinofadza, uye ukati zuva dzvene raJehovha izuva rinokudzwa, uye kana ukarikudza nokusafamba munzira yako, uye usingaiti zvinokufadza kana kutaura mashoko asina maturo,
Uba uphendula unyawo lwakho lusuka kusabatha, ungenzi intokozo yakho ngosuku lwami olungcwele; ulibize isabatha ngokuthi yintokozo, olungcwele lweNkosi, oluhloniphekayo; njalo uluhlonipha, ungenzi indlela zakho, ungatholi intokozo yakho, loba ukhulume ilizwi lakho,
14 ipapo uchawana mufaro wako muna Jehovha, uye ndichakuita kuti ukwire pakakwirira penyika, uye ndichakugutsa nenhaka yababa vako Jakobho.” Muromo waJehovha wazvitaura.
khona uzazithokozisa eNkosini, ngizakugadisa ezindaweni eziphakemeyo zomhlaba, ngizakwenza udle ilifa likaJakobe uyihlo; ngoba umlomo weNkosi ukhulumile.