< Isaya 57 >

1 Vakarurama vanoparara, uye hakuna anofunga izvi mumwoyo make; vanhu vanoda Mwari vanobviswa, uye hakuna anonzwisisa kuti vakarurama vanobviswa kuti vanunurwe kubva pane zvakaipa.
Abantu abatuukirivu bazikirira, naye tewali akirowoozako n’akatono. Abantu abeewaddeyo eri Katonda batwalibwa nga tewali n’afuddeyo kukirowoozaako. Kubanga omutuukirivu aggyibwawo olw’akabi akagenda okujja.
2 Vose vanofamba mukururama vanopinda murugare, vanowana zororo pavanovata murufu.
Ayingira mu mirembe n’afuna okuwummulira mu kufa kwe, ne bawummula ga beebase, abo abatambulira mu bugolokofu.
3 “Asi imi, uyai pano, imi vanakomana vomuroyi, imi chibereko chemhombwe nezvifeve!
“Naye mmwe mujje musembere wano batabani b’omukazi omufumu ezzadde ly’omwenzi omukazi eyeetunda.
4 Muri kuseka aniko? Ndiani wamunohomera uye wamunobudisira rurimi rwenyu? Ko, hamusi chibereko chemhandu here, nechizvarwa chavanoreva nhema?
Muzannyira ku ani? Ani gwe mukongoola ne mumusoomooza? Temuli baana ba bujeemu, ezzadde eryobulimba?
5 Munotsva noruchiva pakati pemiti yemuouki napasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira; munobayira vana venyu mumipata napasi pamapazi akarembera.
Mwaka ne mwegombera wansi w’emiti na buli wansi wa buli muti oguyimiridde; mmwe abasaddaaka abaana bammwe mu biwonvu ne wansi w’enjatika z’enjazi.
6 Zvifananidzo zviri pakati pamatombo anotsvedzerera emipata ndiwo mugove wenyu; izvozvo, ndiwo mugove wenyu. Hongu, wakadururira chipiriso chokunwa kwazviri, uye ukapa chipiriso chezviyo. Ko, ini muchagona kundiripira zvinhu izvi here?
Bakatonda bo ge mayinja amaweweevu gosinziza mu biwonvu, abo be babo, obusika bwo; abo b’ofukira ekiweebwayo ekyokunywa era n’ebiweebwayo eby’empeke. Nga weemalidde mu kukola bino byonna, olowooza nnyinza okusanyuka?
7 Wakawaridza nhoo pakakwirira napachikomo chirefu; ikoko wakakwira kundobayira zvibayiro.
Mwambuka ku ntikko z’ensozi okwenda nga mugenze okuwaayo ssaddaaka.
8 Seri kwamakonhi ako nezvivivo zvako wakaisa chirangaridzo chavamwari vako. Uchindisiya ini, wakafukura mubhedha wako, wakakwira pauri ukaushamisa kwazvo; wakaita sungano naavo vane mibhedha yaunoda, uye wakatarisa kusasimira kwavo.
Emabega w’enzigi zammwe we muteeka ebibumbe eby’obuwemu bye musinza. Mwandeka ne mukola eby’obuwemu mu bitanda byammwe ebigazi. Eyo gye mweyambulira ne mukola endagaano n’abo be mwagala be muleeta mu bitanda byammwe.
9 Wakaenda kuna Moreki namafuta omuorivhi ukawedzera zvinonhuhwira zvako. Wakatumira nhume dzako kure; wakaburukira kuguva chaiko! (Sheol h7585)
Ne weekuba kalifuuwa omuyitirivu ng’ogenda okutwala amafuta ag’omuzeeyituuni ewa Moleki katonda wo, n’otuma ababaka bo ewala ennyo banoonye bakatonda, kumpi batuuke n’emagombe. (Sheol h7585)
10 Wakaneteswa nenzira dzako dzose, asi hauna kumboti, ‘Hazvina maturo.’ Wakawana kuvandudzwa kwesimba rako, nokudaro hauna kuziya.
Amakubo go gonna gakuteganya ne gakukooya nnyo naye teweegamba nako nti, ‘Nteganira ki atalina kyeŋŋanyurwa?’ Singa tewanoonya bikuzaamu maanyi, wandizirise.
11 “Ndianiko wawakatya uye ukavhunduka zvokuti wakazoreva nhema kwandiri, uye hauna kumbondirangarira kana kumbozvifunga izvi mumwoyo mako? Hakuzi kuti ndakaramba ndakanyarara iwe ukasanditya here?
“B’ani abo be watya n’otekemuka n’obawuliriza, n’olyoka olimba, nze n’otonzijukira n’akatono wadde okundowoozaako? Olw’okubanga nsirise n’esikunyega ky’ekikuyinudde n’onneerabira n’ompisaamu amaaso.
12 Ndichaisa pachena kururama kwako namabasa ako, uye hazvizombokubatsiri.
Nnaayolesa obutuukirivu bwo ne by’okola, naye tebigenda kukugasa.
13 Paunochemera rubatsiro, zvifananidzo zvawakaunganidza ngazvikubatsire! Mhepo ichazvikukura zvose, mweya wokungofema zvawo uchazvifuridzira kure. Asi munhu anondiita utiziro hwake achagara nhaka yenyika, uye gomo rangu dzvene richava rake.”
Bw’okaabanga nga weetaaga obuyambi, leka bakatonda bo be wakuŋŋaanya bakununule; naye empewo eribatwala, omukka obukka abantu gwe bassa gulibaggirawo ddala bonna. Naye oyo anfuula ekiddukiro kye alirya ensi era alitwala olusozi lwange olutukuvu.”
14 Uye zvichazonzi: “Vakai, vakai, gadzirai mugwagwa! Bvisai zvipinganidzo munzira yavanhu vangu.”
Era kiryogerwa nti, “Muzimbe, muzimbe, mulongoose ekkubo! Muggyeewo enkonge zonna mu kkubo ly’abantu bange.”
15 Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro, iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene: “Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene, asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa, kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika.
Kubanga bw’atyo bw’ayogera oyo ali waggulu omugulumivu omulamu emirembe n’emirembe, ow’erinnya ettukuvu nti, “Ntuula mu kifo ekigulumivu ekitukuvu awamu n’oyo alina omwoyo oguboneredde ogwetoowaza, okuzzaamu amaanyi omwoyo gw’abakkakkamu, era n’ogw’abo ababoneredde.
16 Handichapi mhosva nokusingaperi, kana kugara ndakatsamwa, nokuti ipapo mweya yavanhu ingaziya pamberi pangu, kufema kwomunhu wandakasika.
Kubanga sirirumiriza bantu bange emirembe n’emirembe era siribasunguwalira bbanga lyonna. Kubanga omutima gw’omuntu gwandigwereddewo mu maaso gange nga ndaba, emmeeme y’omuntu nze gye nakola.
17 Ndakatsamwiswa nechivi chake chokukara; ndakamuranga, ndikavanza chiso changu mukutsamwa kwangu, asi akaramba ari munzira dzaaida.
Olw’okwegomba kwe okw’obutali butuukirivu nnali nzijjudde obusungu. Namubonereza ne nkweka amaaso gange olw’obusungu obungi naye yeeyongera okugenda mu maaso mu makubo amabi.
18 Ndakaona nzira dzake, asi ndichamuporesa; ndichamutungamirira uye ndichamunyaradza,
Nalaba by’akola, naye ndimuwonya. Ndimuluŋŋamya ne muddiza emirembe era ne mbeesabeesa abo abakungubaga.
19 ndichisika rumbidzo pamiromo yavanochema muIsraeri. Rugare, rugare kuna vari kure navari pedyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye ndichavaporesa.”
Mirembe, era mirembe, eri abo abali ewala n’eri abo abali okumpi, era ndibawonya,” bw’ayogera Mukama.
20 Asi vakaipa vakafanana negungwa rinozungunuka, risingagoni kuzorora, rina mafungu anorasa marara namatope.
Naye ababi bali ng’ennyanja esiikuuse, eteyinza kutereera, ey’amayengo agasiikuula ebitosi n’ebitaka.
21 Mwari wangu anoti, “Vakaipa havana rugare.”
“Tewali mirembe, eri aboonoonyi,” bw’ayogera Katonda wange.

< Isaya 57 >