< Isaya 56 >

1 Zvanzi naJehovha: “Chengetedzai kururamisira mugoita zvakanaka, nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo, uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa.
Yahwe asema hivi, ''Fanyeni yaliyo sahihi, fanyeni yaliyo ya haki; maana wakovu wangu u karibu, na haki yangu inakaribia kujidhihirisha.
2 Akaropafadzwa munhu anoita izvi, munhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata asingarisvibisi, uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.”
Abarikiwe mtu yule ataendae haya, anayeyashika sana. Anaifuata sabato, na haitii unajisi, azuiaye mkono wake usitende maovu.''
3 Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.” Uye nomuyunaki ngaarege kugununʼuna achiti, “Ndinongova zvangu muti wakaoma.”
Usimuache mgeni yeyote aliyekuwa mfuasi wa Yahwe aseme, ''Yahwe atahakikisha ananiondoa kwa watu wake.'' Toashi ataweza kusema, ''tazama, mimi ni mti mkavu.''
4 Nokuti zvanzi naJehovha: “Kuvayunaki vanochengeta maSabata angu, vanosarudza zvinondifadza, uye vanobatirira pasungano yangu,
Yahwe asema hivi, kwa matoashi wanaoitimiza sabato yangu huchagua mambo yanayonipendeza mimi, na hushika kwanza agano langu,
5 kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo, chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.
kwao nitaiweka nyumba yangu na ndani ya kuta zangu kumbukumbu ambayo ni kubwa kuliko kuwa na vijana na mabinti. Nitawapa kumbumbu ya milele ambalo halitaondolewa.
6 Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha kuti vamushumire, kuti vade zita raJehovha, uye vamunamate, vose vanochengeta Sabata vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu,
Pia wageni ambao wataungana wenyewe kwa Yahwe- kwa ajili ya kumtumikia yeye, na yeye alipendae jina la Yahwe, kumuabudu yeye, na kila anayeheshimu sabato na wale wanoitunza isitiwe najisi, na wale walishikao agano langu
7 ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera. Zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose.”
nitawaleta katika mlima wangu mtakatifu na kuwafaya muwe na furaha katika nyumba yangu ya maombi; matoleo na sadaka zenu zitakubalika katika mathebau yangu. Maana nyumba yangu itaitwa nyumba ya maombi kwa mataifa yote.
8 Ishe Jehovha anoti, iye anounganidza vakatapwa vaIsraeri, “Ndichaunganidzazve vamwe kwavari, tisingaverengeri avo vakaunganidzwa kare.”
Hili ni tamko la Yahwe, anayewakusanya watu wenye ukiwa katika Israeli- nitaendelea kuwakusanya wenginwe ili kuwaongeza wao.''
9 Uyai, imi mose zvikara zvesango, uyai mudye, imi mose zvikara zvesango!
Enyi nyote wanyama pori mlioko porini, njooni na mle, enyi wanyama mlioko msituni, Walinzi wao wote ni vipofu, hawaelewi.
10 Nharirire dzeIsraeri mapofu, vose vanoshayiwa zivo; vose imbwa dzisingahukuri, hadzigoni kuhukura; dzinovata pose pose dzichingorota, dzinofarira kuvata.
Wote ni mbwa wapole ambao hawawezi kubweka. Wanaota, na wanalala chini maana wanapenda kulala.
11 Imbwa dzinokara zvikuru; dzisingamboguti. Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa: vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo, mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa.
Mbwa wanahamu kubwa; hawajawahi kuridhika; wachungaji wao hawawatambui; wamejeuka katika njia zao wenyewe, kila mmoja ana tamaa kupata faida isiyo yaa haki.
12 Mumwe nomumwe anodanidzira achiti, “Uyai, regai nditore waini! Regai tinwe tigute nedoro! Uye mangwana achafanana nanhasi, kana kutopfuura.”
''Njooni, ''Tunywe mvinyo na pombe. Kesho itakuwa kama leo, siku kubwa zaidi ya kipimo.''

< Isaya 56 >