< Isaya 55 >

1 “Uyai imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji; nemi musina mari, uyai, mutenge uye mudye! Uyai mutenge waini nomukaka pasina mari uye pasina mutengo.
Ho, every one that thirsteth, come ye to the waters, and he that hath no money; come ye, buy, and eat; yes, come, buy wine and milk without money and without price.
2 Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi? Teererai, nditeererei mugodya zvakanaka, uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka.
Why do ye spend money for [that which is] not bread? and your labor for [that which] satisfieth not? hearken diligently to me, and eat ye [that which is] good, and let your soul delight itself in fatness.
3 Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri; ndinzwei kuti mweya yenyu irarame. Ndichaita sungano isingaperi nemi, iko kutendeka kworudo rwangu rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi.
Incline your ear, and come to me: hear, and your soul shall live; and I will make an everlasting covenant with you, [even] the sure mercies of David.
4 Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi, mutungamiri nomukuru wamarudzi.
Behold, I have given him [for] a witness to the people, a leader and commander to the people.
5 Zvirokwazvo uchakoka ndudzi dzausina kumboziva, uye ndudzi dzisingakuzive dzichamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, nokuti iye akakufukidza nokubwinya.”
Behold, thou shalt call a nation [that] thou knowest not, and nations [that] knew not thee shall run to thee because of the LORD thy God, and for the Holy One of Israel, for he hath glorified thee.
6 Tsvakai Jehovha achawanikwa: danai kwaari achiri pedyo.
Seek ye the LORD while he may be found, call ye upon him while he is near:
7 Akashata ngaasiye nzira yake, nomunhu akaipa mirangariro yake. Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru.
Let the wicked forsake his way, and the unrighteous man his thoughts: and let him return to the LORD, and he will have mercy upon him; and to our God, for he will abundantly pardon.
8 “Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
For my thoughts [are] not your thoughts, neither [are] your ways my ways, saith the LORD.
9 “Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
For [as] the heavens are higher than the earth, so are my ways higher than your ways, and my thoughts than your thoughts.
10 Sezvinoita mvura nechando zvinoburuka kubva kudenga, zvisingadzokeriko zvisina kudiridza nyika nokuita kuti ibukire uye ibereke zvakawanda, kuitira kuti iberekere mudyari wembeu, uye ipe chingwa kune anodya,
For as the rain cometh down, and the snow from heaven, and returneth not thither, but watereth the earth, and maketh it bring forth and bud, that it may give seed to the sower, and bread to the eater:
11 saizvozvo neshoko rangu rinobuda mumuromo mangu: Haringadzokeri kwandiri risina chinhu, asi richaita zvinondifadza, uye richaita zvandakarituma.
So shall my word be that proceedeth from my mouth: it shall not return to me void, but it shall accomplish that which I please, and it shall prosper [in the thing] for which I sent it.
12 Muchabuda nomufaro, uye muchafambiswa murugare; makomo nezvikomo zvichapururudza uye zvichaimba rwiyo pamberi penyu, uye miti yose yeminda ichauchira maoko ayo.
For ye shall go out with joy, and be led forth with peace: the mountains and the hills shall break forth before you into singing, and all the trees of the field shall clap [their] hands.
13 Pachinzvimbo chomunzwa pachamera muti womupaini, pachinzvimbo chorukato pachamera mumite. Izvi zvichava mukurumbira waJehovha, nechiratidzo chokusingaperi, chisingazoparadzwi.”
Instead of the thorn shall come up the fir-tree, and instead of the brier shall come up the myrtle-tree: and it shall be to the LORD for a name, for an everlasting sign [that] shall not be cut off.

< Isaya 55 >