< Isaya 54 >

1 “Imba, iwe mukadzi asina mwana, iwe usina kumbobereka mwana pururudza uimbe rwiyo, pembera nomufaro, iwe usina kumborwadziwa; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa ari oga vazhinji kupfuura veane murume,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
なんぢ孕まず子をうまざるものよ歌うたふべし 產のくるしみなきものよ聲をはなちて謳ひよばはれ 夫なきものの子はとつげるものの子よりおほしと 此はヱホバの聖言なり
2 Wedzera nzvimbo yetende rako, tambanudza micheka yetende rako ifare, usarega kuita izvozvo; rebesa tambo dzako, simbisa mbambo dzako.
汝が幕屋のうちを廣くし なんぢが住居のまくをはりひろげて吝むなかれ 汝の綱をながくしなんぢの杙をかたくせよ
3 Nokuti uchapararira kurudyi nokuruboshwe; vana vako vachatorera dzimwe ndudzi uye vachagara mumatongo amaguta avo.
そはなんぢが右に左にひろごり なんぢの裔はもろもろの國をえ 荒廢れたる邑をもすむべき所となさしむべし
4 “Usatya hako: haunganyadziswi. Usatya kunyadziswa; haunganinipiswi. Uchakanganwa nyadzi dzapaudiki hwako, uye hauzorangaririzve kunyadzisa kwouchirikadzi hwako.
懼るるなかれなんぢ恥ることなからん 惶てためくことなかれ汝はぢしめらるることなからん 若きときの恥をわすれ寡婦たりしときの恥辱をふたたび覺ることなからん
5 Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake, Mutsvene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako; anonzi Mwari wenyika yose.
なんぢを造り給へる者はなんぢの夫なり その名は萬軍のヱホバ なんぢを贖ひ給ふものはイスラエルの聖者なり 全世界の神ととなへられ給ふべし
6 Jehovha achakudanazve sokunge wanga uri mukadzi akasiyiwa, uye anotambudzika pamweya, mukadzi akawanikwa achiri mudiki, pedzezvo ndokurambwa,” ndizvo zvinotaura Mwari wako.
ヱホバ汝をまねきたまふ 棄られて心うれふる妻また若きとき嫁てさられたる妻をまねくがごとしと 此はなんぢの神のみことばなり
7 “Kwechinguvana ndakakusiya, asi netsitsi huru ndikakudzosazve.
我しばし汝をすてたれど大なる憐憫をもて汝をあつめん
8 Ndichisundwa nehasha ndakavanza chiso changu kwauri kwechinguva, asi nounyoro husingaperi ndichava netsitsi, pamusoro pako,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikinuri wako.
わが忿恚あふれて暫くわが面をなんぢに隱したれど 永遠のめぐみをもて汝をあはれまんと 此はなんぢをあがなひ給ふヱホバの聖言なり
9 “Kwandiri izvi zvakafanana namazuva aNoa, pandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haizofukidzizve nyika. Naizvozvo zvino ndapika kuti ndirege kukutsamwira, kana kukutukazve.
このこと我にはノアの洪水のときのごとし 我むかしノアの洪水をふたたび地にあふれ流るることなからしめんと誓ひしが そのごとく我ふたたび汝をいきどほらず 再びなんぢを責じとちかひたり
10 Kunyange makomo akazungunuswa, uye zvikomo zvikabviswa, rudo rwangu rusingaperi harungazungunuswi, uye sungano yangu yorugare haingabviswi,” ndizvo zvinotaura Jehovha anokunzwira tsitsi.
山はうつり岡はうごくとも わが仁慈はなんぢよりうつらず 平安をあたふるわが契約はうごくことなからんと 此はなんぢを憐みたまふヱホバのみことばなり
11 “Haiwa, iwe guta rokutambudzika wakarohwa nedutu ukasanyaradzwa, ndichakuvaka namabwe ana mavara, nheyo dzako namabwe esafire.
なんぢ苦しみをうけ暴風にひるがへされ 安慰をえざるものよ 我うるはしき彩色をなしてなんぢの石をすゑ 靑き玉をもてなんぢの基をおき
12 Ndichakuitira zviruvi zvamabwe matsvuku, masuo amabwe anovaima, uye masvingo ako ose amabwe anokosha.
くれなゐの玉をもてなんぢの櫓をつくり むらさきの玉をもてなんぢの門をつくり なんぢの境内はあまねく寳石にてつくるべし
13 Vanakomana venyu vose vachadzidziswa naJehovha, uye rugare rwavana venyu ruchava rukuru.
又なんぢの子輩はみなヱホバに敎をうけ なんぢの子輩のやすきは大ならん
14 Muchasimbiswa mukururama: Kumanikidzwa kuchava kure nemi: hapana chamuchazotya. Kutya kuchava kure nemi; hakuchazosviki pedyo nemi.
なんぢ義をもて堅くたち 虐待よりとほざかりて慴ることなく また恐懼よりとほざかるべし そは恐懼なんぢに近づくことなければなり
15 Kana mumwe akakurwisa, handisini ndinenge ndazviita; ani naani anokurwisa achazvipira kwauri.
縦ひかれら群集ふとも我によるにあらず 凡てむれつどひて汝をせむる者はなんぢの故にたふるべし
16 “Tarira, ndini ndakasika mupfuri wesimbi anopfutidza mazimbe moto ugonganduma, uye anopfura munondo wakakodzera pabasa rawo. Uye ndini ndakasika muparadzi kuti aparadze;
みよ炭火をふきおこして用ゐべき器をいだす鐵工はわが創造するところ 又あらし滅ぼす者もわが創造するところなり
17 hapana munondo ucharwisana newe ukakunda, uye uchakonesa rurimi rumwe norumwe runokupomera mhosva. Iyi ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, uye uku ndiko kururamisirwa kwavo kunobva kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
すべてなんぢを攻んとてつくられしうつはものは利あることなし 興起ちてなんぢとあらそひ訴ふる舌はなんぢに罪せらるべし これヱホバの僕等のうくる產業なり 是かれらが我よりうくる義なりとヱホバのたまへり

< Isaya 54 >

A Dove is Sent Forth from the Ark
A Dove is Sent Forth from the Ark