< Isaya 53 >

1 Ndianiko akatenda zvatakaparidza, uye ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna aniko?
Ко верова проповедању нашем, и мишица Господња коме се откри?
2 Akamera pamberi pake sebukira nyoro, uye somudzi pavhu rakaoma. Akanga asina runako kana chimiro choumambo kuti atikwezve kwaari, hapana chatingada pakuratidzika kwake.
Јер изниче пред Њим као шибљика, и као корен из суве земље; не би обличја ни лепоте у Њега; и видесмо Га, и не беше ништа на очима, чега ради бисмо Га пожелели.
3 Akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa, uye anoziva kutambudzika. Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa, uye isu hatina kumukudza.
Презрен беше и одбачен између људи, болник и вичан болестима, и као један од кога свак заклања лице, презрен да Га низашта не узимасмо.
4 Zvirokwazvo akatakura matenda edu, uye akatakura kurwadziswa kwedu; asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari, akarohwa naye uye akarwadziswa.
А Он болести наше носи и немоћи наше узе на се, а ми мишљасмо да је рањен, да Га Бог бије и мучи.
5 Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye namavanga ake takaporeswa.
Али Он би рањен за наше преступе, избијен за наша безакоња; кар беше на Њему нашег мира ради, и раном Његовом ми се исцелисмо.
6 Isu tose takanga takarasika samakwai, mumwe nomumwe nenzira yake, asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose.
Сви ми као овце зађосмо, сваки нас се окрену својим путем, и Господ пусти на Њ безакоње свих нас.
7 Akamanikidzwa uye akarwadziswa, asi haana kushamisa muromo wake; akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa, uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuveuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
Мучен би и злостављен, али не отвори уста својих; као јагње на заклање вођен би и као овца нема пред оним који је стриже не отвори уста својих.
8 Akabviswa achimanikidzwa uye akatongwa. Uye ndianiko angataura rudzi rwake? Nokuti akagurwa kubva panyika yavapenyu, nokuda kwokudarika kwavanhu vangu, akarohwa.
Од тескобе и од суда узе се, а род Његов ко ће исказати? Јер се истрже из земље живих и за преступе народа мог би рањен.
9 Akapiwa guva rake pakati pavatadzi, uye akava navapfumi pakufa kwake, kunyange akanga asina kuita zvechisimba, uye kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make.
Одредише Му гроб са злочинцима, али на смрти би с богатим, јер не учини неправду, нити се нађе превара у устима Његовим.
10 Asi kwakanga kuri kuda kwaJehovha kuti amukuvadze uye aite kuti atambudzike, uye kunyange zvazvo Jehovha akaita kuti upenyu hwake huve chipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake uye achawedzera mazuva ake, uye kuda kwaJehovha kuchabudirira muruoko rwake.
Али Господу би воља да Га бије, и даде Га на муке; кад положи душу своју у принос за грех, видеће натражје, продужиће дане, и шта је Господу угодно напредоваће Његовом руком.
11 Shure kwokutambudzika kwomweya wake, achaona chiedza choupenyu uye achagutsikana; nokuziva kwake, muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji, uye achatakura kuipa kwavo.
Видеће труд душе своје и наситиће се; праведни слуга мој оправдаће многе својим познањем, и сам ће носити безакоња њихова.
12 Naizvozvo ndichamupa mugove pakati pavakuru vakuru, uye achagoverana zvakapambwa navane simba, nokuti akadurura upenyu hwake kusvika parufu, akaverengwa pamwe chete navadariki. Nokuti akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki.
Зато ћу Му дати део за многе, и са силнима ће делити плен, јер је дао душу своју на смрт, и би метнут међу злочинце, и сам носи грехе многих, и за злочинце се моли.

< Isaya 53 >