< Isaya 53 >

1 Ndianiko akatenda zvatakaparidza, uye ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna aniko?
Ngubani okholwe umbiko wethu? Njalo ingalo yeNkosi yembulelwe bani?
2 Akamera pamberi pake sebukira nyoro, uye somudzi pavhu rakaoma. Akanga asina runako kana chimiro choumambo kuti atikwezve kwaari, hapana chatingada pakuratidzika kwake.
Ngoba uzakhula phambi kwakhe njengesihlahla esibuthakathaka, lanjengempande emhlabathini owomileyo; kalasimo kumbe ubuhle; lapho simbona, kalakubukeka ukuthi simloyise.
3 Akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa, uye anoziva kutambudzika. Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa, uye isu hatina kumukudza.
Uyeyiswa njalo udelelwa ngabantu; umuntu wezinsizi, njalo ejwayele inhlungu; kwangathi sifihla ubuso kuye; weyiswa, kasimnanzanga.
4 Zvirokwazvo akatakura matenda edu, uye akatakura kurwadziswa kwedu; asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari, akarohwa naye uye akarwadziswa.
Isibili yena wathwala inhlungu zethu, waphatha insizi zethu; kanti thina sathi ujezisiwe, utshayiwe nguNkulunkulu, njalo uhlutshiwe.
5 Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye namavanga ake takaporeswa.
Kodwa walinyazwa ngenxa yeziphambeko zethu, wachotshozwa ngenxa yobubi bethu; ukujeziswa kokuthula kwethu kwakuphezu kwakhe, langemivimvinya yakhe thina sisilisiwe.
6 Isu tose takanga takarasika samakwai, mumwe nomumwe nenzira yake, asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose.
Thina sonke njengezimvu siduhile; saphendukela ngulowo lalowo endleleni yakhe; njalo iNkosi yehlisele phezu kwakhe ububi bethu sonke.
7 Akamanikidzwa uye akarwadziswa, asi haana kushamisa muromo wake; akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa, uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuveuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
Wacindezelwa njalo yena wahlutshwa, kube kanti kawuvulanga umlomo wakhe; walethwa ekuhlatshweni njengewundlu, lanjengemvu ithule phambi kwabagundi bayo, laye kawuvulanga umlomo wakhe.
8 Akabviswa achimanikidzwa uye akatongwa. Uye ndianiko angataura rudzi rwake? Nokuti akagurwa kubva panyika yavapenyu, nokuda kwokudarika kwavanhu vangu, akarohwa.
Wasuswa ekucindezelweni lekwahlulelweni; njalo ngubani ongakhuluma ngesizukulwana sakhe? Ngoba waqunywa wasuswa elizweni labaphilayo; ngenxa yesiphambeko sabantu bami watshaywa.
9 Akapiwa guva rake pakati pavatadzi, uye akava navapfumi pakufa kwake, kunyange akanga asina kuita zvechisimba, uye kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make.
Wenza ingcwaba lakhe kanye lababi, njalo kanye lonothileyo ekufeni kwakhe; ngoba engenzanga okubi, njalo kungekho inkohliso emlonyeni wakhe.
10 Asi kwakanga kuri kuda kwaJehovha kuti amukuvadze uye aite kuti atambudzike, uye kunyange zvazvo Jehovha akaita kuti upenyu hwake huve chipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake uye achawedzera mazuva ake, uye kuda kwaJehovha kuchabudirira muruoko rwake.
Kanti kwayithokozisa iNkosi ukumchoboza, yamenza adabuke. Lapho uzakwenza umphefumulo wakhe umnikelo wesono, uzabona inzalo yakhe, elule izinsuku zakhe, lentokoziso yeNkosi izaphumelela esandleni sakhe.
11 Shure kwokutambudzika kwomweya wake, achaona chiedza choupenyu uye achagutsikana; nokuziva kwake, muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji, uye achatakura kuipa kwavo.
Uzabona okuvela ekuhluphekeni komphefumulo wakhe, eneliswe; ngolwazi lwayo, inceku yami elungileyo izalungisisa abanengi, ngoba yona izathwala ububi babo.
12 Naizvozvo ndichamupa mugove pakati pavakuru vakuru, uye achagoverana zvakapambwa navane simba, nokuti akadurura upenyu hwake kusvika parufu, akaverengwa pamwe chete navadariki. Nokuti akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki.
Ngakho ngizayabela kanye labakhulu, yabelane impango kanye labalamandla; ngoba yathulula umphefumulo wayo ekufeni, yabalwa ndawonye labaphambeki; njalo yona yathwala isono sabanengi, yalabhelela abaphambeki.

< Isaya 53 >