< Isaya 52 >

1 Muka, muka iwe Zioni, zvifukidze nesimba. Fuka nguo dzako dzakanakisa, iwe Jerusarema, guta dzvene. Vasina kudzingiswa navakasvibiswa havachapindizve mauri.
Wake up, wake up, Zion! Be strong! Put on your best clothes, Jerusalem, the holy city. Heathen foreigners won't ever enter you again.
2 Zunza guruva rako: simuka, ugare paushe, iwe Jerusarema. Zvisunungure pangetani dziri pamutsipa wako, iwe nhapwa, Mwanasikana weZioni.
Shake yourself free from the dust and get up. Sit on your throne, Jerusalem. Throw off the chains around your neck, captive daughter of Zion.
3 Nokuti zvanzi naJehovha, “Wakatengeswa pasina mutengo, uye uchadzikinurwa pasina mari.”
This is what the Lord says: You were sold for nothing, and you will be bought back without money.
4 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “Pakutanga vanhu vangu vakaenda kuIjipiti kundogarako; iye zvino Asiria inovamanikidza.
This is what the Lord God says: First of all, my people went to live in Egypt, then Assyria conquered them for no reason.
5 “Uye zvino ndinei pano?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti vanhu vangu vakabviswa pasina, uye avo vanovatonga vanovaseka,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye zuva rose zita rangu rinogara richimhurwa.
What do have I to do now? asks the Lord. My people have been taken into captivity for no reason. Those who rule them mock them, and I'm treated with contempt that whole time, says the Lord.
6 Naizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu; naizvozvo pazuva iro vachaziva kuti ndini ndakazvitaura. Hongu, ndini iye.”
So I'm going to make sure my people know me; at that time they will know that I am the one who means what he says. Yes, it's me!
7 Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzavanouya namashoko akanaka, vanoparidza rugare, vanouya namashoko akanaka, vanoparidza ruponeso, vanoti kuZioni, “Mwari wako anotonga!”
What a wonderful sight in the mountains is the one running to bring good news, announcing peace and good news, announcing salvation, telling Zion, “Your God reigns!”
8 Chinzwa! Nharirire dzako dzinodanidzira namanzwi adzo; vanopembera nomufaro pamwe chete. Panodzokera Jehovha kuZioni, vachazviona nameso avo pachavo.
The city watchmen shout loudly and sing for joy together; they all see the Lord returning to Jerusalem.
9 Pururudzai muimbe nziyo dzomufaro pamwe chete, imi matongo eJerusarema, nokuti Jehovha anyaradza vanhu vake, akadzikinura Jerusarema.
Let Jerusalem's ruins all sing for joy for the Lord has come to care for his people; he has set Jerusalem free.
10 Jehovha acharatidza ruoko rwake rutsvene pamberi pendudzi dzose, uye magumo ose enyika achaona ruponeso rwaMwari wedu.
The Lord has demonstrated his holy power to all the nations; the whole world will see our God's salvation.
11 Ibvai, ibvai, budai ikoko! Musabata chinhu chine tsvina! Budaimo mugova vakachena, imi munotakura midziyo yaJehovha.
Leave, leave, get out of there! Don't bring anything pagan; come out and leave it all behind. Those of you who carry the Lord's sacred articles are to purify yourselves.
12 Asi hamungazobudi nokukurumidza kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai, Mwari waIsraeri achakurindai mushure.
But don't leave in a hurry, don't be in a rush as if you're running away, for the Lord will go ahead of you, and he will also protect those at the back.
13 Tarirai muranda wangu achaita nouchenjeri; achasimudzirwa uye achakwidzwa pamusoro, uye achakudzwa kwazvo.
Look: my servant will act wisely; he will be praised highly, he will be elevated in position, and seen as someone people look up to.
14 Sezvo vazhinji vakashamiswa naye, chiso chake chakanga chakakuvadzwa zvikuru, kupfuura chomunhu upi zvake, uye chimiro chake chakanga chakanganiswa, kupfuura kuratidzika kwomunhu,
But many were horrified by him, so disfigured in appearance, no longer looking like a man, so unlike anyone human.
15 saka iye achasasa ndudzi zhinji, uye madzimambo achafumbira miromo nokuda kwake. Nokuti zvavakanga vasina kuudzwa, vachazviona, uye zvavasina kumbonzwa, vachazvinzwisisa.
He will surprise many nations, and kings will keep quiet because of him—for they'll see what they haven't been told, and they'll understand what they hadn't heard.

< Isaya 52 >