< Isaya 51 >

1 Nditeererei, imi munotevera kururama uye munotsvaka Jehovha: Tarirai kudombo ramakabviswa pariri naparuware pamakacherwa;
“Lalelani kimi lina elilandela ukulunga lidinga loThixo: Khangelani edwaleni elacezulwa kulo lasegodini lamatshe elambiwa kulo;
2 tarirai kuna Abhurahama, baba venyu, nokuna Sara, akakuberekai. Pandakamudana akanga achingova mumwe chete, ndikamuropafadza ndikamuita vazhinji.
khangelani ku-Abhrahama, uyihlo, lakuSara owalizalayo. Ekumbizeni kwami wayemunye, ngambusisa ngamandisa.
3 Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni, uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose; achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni, marenje aro achafanana nebindu raJehovha. Kupembera nomufaro zvichawanikwa mariri, kuvonga nenzwi rokuimba.
Ngeqiniso uThixo uzaduduza iZiyoni abe lesihawu kuwo wonke amanxiwa alo; uzakwenza izinkangala zalo zibe njenge-Edeni, amazwe alo alugwadule afane lesivande sikaThixo. Ukuthaba lentokozo kuzafunyanwa kulo, kanye lokubonga lelizwi lokuhlabela.
4 “Nditeererei, imi vanhu vangu; ndinzwei imi rudzi rwangu: Ndichakupai murayiro; kururamisira kwangu kuchava chiedza kundudzi.
Lalelani kimi, bantu bami; ungizwe lawe sizwe sami: Kuzaphuma umthetho uvela kimi; ukulunga kwami kuzakuba yikukhanya ezizweni.
5 Kururama kwangu kwoswedera pedyo nokukurumidza, ruponeso rwangu rwuri munzira, uye ruoko rwangu ruchauyisa kururamisira kundudzi. Zviwi zvichatarira kwandiri uye zvichamirira ruoko rwangu netariro.
Ukulunga kwami kusondela ngokuphangisa, insindiso yami iyeza, ingalo yami izaletha ukulunga ezizweni. Izihlenge zizakhangela kimi, zilinde zithembe amandla ami.
6 Simudzirai meso enyu kumatenga, tarirai pasi panyika; matenga achanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo, uye vanogaramo vachafa senhunzi. Asi ruponeso rwangu ruchagara nokusingaperi, kururama kwangu hakuzombogumi.
Phakamiselani amehlo enu phezulu emazulwini, likhangele lasemhlabeni phansi; amazulu azanyamalala njengentuthu; umhlaba uzaguga njengesigqoko abakhe kuwo bafe njengempukane. Kodwa insindiso yami izakuba khona kuze kube nininini, ukulunga kwami akuyikuphela.
7 “Ndinzwei, imi munoziva zvakarurama, imi vanhu vane murayiro wangu mumwoyo yenyu: Musatya kuzvidza kwavanhu, uye musavhundutswa nokutuka kwavo.
Ngizwani lina elikwaziyo okulungileyo lina bantu abagcina umthetho wami ezinhliziyweni zenu: Lingakwesabi ukugconwa ngabantu, kumbe lethuswe yizithuko zabo.
8 Nokuti chipfuno chichavadya senguo; honye ichavadya sewuru. Asi kururama kwangu kuchagara nokusingaperi, ruponeso rwangu kuzvizvarwa zvose.”
Ngoba inondo izabadla njengesigqoko; impethu ibadle njengewulu. Kodwa ukulunga kwami kuzakuba khona kuze kube nininini; lensindiso yami ikhona kuzizukulwane zonke.”
9 Muka, muka! Zvishongedze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka, sepamazuva akare, sepazvizvarwa zvakare. Ko, hausiwe wakagura-gura Rahabhi, ukabaya chikara chiya here?
Vuka, vuka, wena ngalo kaThixo; uzigqokise ngamandla akho! Vuka njengasezinsukwini zendulo, lanjengakuzizukulwane zakudala. Kayisuwe yini owaquma uRahabi waba yiziqa, wagwaza lesilo lesiyana na?
10 Hausiwe wakaomesa gungwa here, iyo mvura yokwakadzika zvikuru, ukaita mugwagwa makadzika megungwa kuitira kuti vakadzikinurwa vayambuke?
Kawusuwe yini owomisa ulwandle, amanzi atshona kakhulu, wenza umgwaqo ezinzikini zolwandle ukuze abahlengiweyo bachaphe na?
11 Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka. Vachapinda muZioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava korona pamisoro yavo. Mufaro nokupembera zvichafashukira, uye kusuwa nokukahadzika zvichatiza.
Labahlengiweyo bakaThixo bazabuyela. Bazangena eZiyoni behlabelela, intokozo engapheliyo izakuba ngumqhele emakhanda abo. Bazakuba lokuthula lenjabulo, usizi lokububula kuzaphela.
12 “Ini, iyeni, ndini iye anokunyaradzai. Ndiwe aniko unotya vanhu vanofa, vanakomana vavanhu, ivo uswa zvahwo,
“Mina, mina uqobo, nginguye oliduduzayo. Ungubani wena ukuba wesabe abantu abafayo, amadodana abantu, abutshani nje,
13 kuti ukanganwe Jehovha Muiti wako, akatatamura matenga, akateya nheyo dzenyika, kuti ugare uchitya mazuva ose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, uyo akarerekera kukuparadza? Ko, hasha dzomumanikidzi dziripi?
uze ukhohlwe uThixo, uMenzi wakho, owendlala amazulu wabeka lezisekelo zomhlaba, ukuthi uhlale ngokwesaba okungapheliyo nsuku zonke ngenxa yolaka lomncindezeli, ohlose ukuchitha na? Ngoba lungaphi na ulaka lomncindezeli?
14 Vasungwa vakatapwa vachakurumidza kusunungurwa; havazofiri mumakomba avo, kana kuzoshayiwa chingwa.
Izibotshwa ezitshotshobeleyo zizakhululwa masinyazana, aziyikufela emajele azo, kumbe ziswele ukudla.
15 Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.
Ngoba mina nginguThixo uNkulunkulu wakho, ophehla ulwandle ukuze amagagasi alo ahlokome, ibizo lakhe nguThixo uSomandla.
16 Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza nomumvuri woruoko rwangu, iyeni ndakagadzika matenga panzvimbo yawo, iyeni ndakateya nheyo dzenyika, uye ndinoti kuZioni, ‘Muri vanhu vangu.’”
Ngifake amazwi ami emlonyeni wakho ngakwembesa ngomthunzi wesandla sami, mina engabeka amazulu endaweni yawo, ngabeka izisekelo zomhlaba, njalo othi kuZiyoni, ‘Lina lingabantu bami.’”
17 Muka, muka! Simuka, iwe Jerusarema, iwe wakanwa kubva muruoko rwaJehovha, mukombe wehasha dzake, iwe wakasveta kusvikira wapera kuti tsvai, iwo mukombe unoita kuti vanhu vadzedzereke.
Vuka, vuka! Phakama wena Jerusalema, wena onathe enkezweni esandleni sikaThixo inkezo yolaka lwakhe, wena oyikhoce wafika enzeceni zayo; inkezo eyenza amadoda adiyazele.
18 Pavanakomana vose vaakabereka pakanga pasina anomutungamirira; pavanakomana vose vaakarera pakanga pasina aimusesedza noruoko rwake.
Kuwo wonke amadodana eliwazeleyo, kayikho eyayingalikhokhela; kuwo wonke amadodana elawondlayo, kayikho eyayingalibamba ngesandla.
19 Njodzi mbiri idzi dzauya pamusoro pako, ndianiko angakunyaradza? Dzinoti: kuva dongo nokuparadzwa, nzara nomunondo; ndianiko anogona kukunyaradza?
Lezizingozi ezimbili zikwehlele; ngubani ongakududuza na? Incithakalo lokubhujiswa, indlala lenkemba, ngubani ongakududuza na?
20 Vanakomana vako vaziya; vanovata panotangira migwagwa, kufanana nemhara yabatwa mumumbure. Vakazadzwa nehasha dzaJehovha nokutuka kwaMwari wako.
Amadodana akho asephele amandla, aselala ezihlokweni zemigwaqo yonke njengebhalabhala elibanjwe ngumambule. Agcwele ulaka lukaThixo lokukhuza kukaNkulunkulu wakho.
21 Naizvozvo inzwa izvi, iwe munhu wokutambudzika, wakadhakiswa asi kwete newaini.
Ngakho-ke zwana lokhu wena ohluphekayo, lodakisiweyo kodwa kungasingewayini.
22 Zvanzi naIshe Jehovha Mwari wako, anodzivirira vanhu vake, “Tarira, ndabvisa muruoko rwako mukombe wakakuita kuti udzedzereke; kubva pamukombe uyo, iwo mukombe wehasha dzangu, hauchazounwizve.
Nanku okutshiwo nguThixo Wobukhosi bakho, uNkulunkulu wakho ovikela abantu bakhe: “Khangela, sengiyisusile esandleni sakho inkezo ekwenza udiyazele; leyonkezo engeyolaka lwami, awuyikunatha ngayo futhi.
23 Ndichauisa mumaoko avatambudzi vako, ivo vanoti kwauri, ‘Zvambarara pasi kuti tifambe napamusoro pako.’ Iwe wakaita kuti musana wako uve sapasi, kufanana nomugwagwa unofambwa nawo.”
Ngizayibeka ezandleni zabakuhluphayo, abathi kuwe, ‘Cambalala ukuze sihambe phezu kwakho.’ Wena-ke wenza umhlane wakho waba njengenhlabathi, lanjengomgwaqo okungahanjwa kuwo.”

< Isaya 51 >