< Isaya 50 >

1 Zvanzi naJehovha: “Ko, rugwaro rwokurambwa kwamai venyu rwuripiko rwandakavadzinga narwo? Uye ndevapiko vandakakwereta ndikazokutengesai kwavari? Makatengeswa nokuda kwezvivi zvenyu; mai venyu vakadzingwa nokuda kwokudarika kwenyu.
Thus, saith Yahweh—Where then is the scroll of your mother’s divorce, whom I have put away? Or, which of my creditors, is it to whom I have sold you? Lo! for your iniquities, have ye been sold, And for your transgressions, hath your mother been put away.
2 Sei ndakashaya munhu, pandakauya? Sei pasina akapindura pandakadana? Ko, ruoko rwangu rwakanga rwakapfupika here kuti ndikudzikinurei? Handina simba rokukununurai here? Nokungorayira chete ndinopwisa gungwa; ndinoshandura nzizi dzikava gwenga; hove dzadzo dzinoora nokushayiwa mvura, uye dzinofa nenyota.
Wherefore, When I came in, was there no one? When I called, was there none to answer? Is mine own hand, really shortened, that it cannot redeem? Or is there not, in me, strength to deliver? Lo! by my rebuke, I dry up the sea I make rivers a desert, Their fish Stinketh, for want of water, Yea dieth, for thirst:
3 Ndinoshongedza denga nerima uye ndinoita masaga chifukidzo charo.”
I clothe the heavens with gloom, And, of sackcloth, make I their covering.
4 Ishe Jehovha akandipa rurimi rwakadzidziswa, kuziva shoko rinosimbisa vakarukutika. Anondimutsa mangwanani namangwanani, anomutsa nzeve yangu kuti iteerere somunhu anodzidziswa.
My Lord Yahweh, hath given unto me the tongue of the instructed, That I should know how to succour the fainting, with discourse, —He kept wakening—morning by morning. He kept wakening mine ear, to hearken as do the instructed;
5 Ishe Jehovha akazarura nzeve dzangu, uye handina kumumukira; handina kudzokera shure.
My Lord, Yahweh, opened mine ear, And, I, was not rebellious, —Away, turned I not:
6 Ndakapa musana wangu kuna avo vaindirova, namatama angu kuna avo vakadzura ndebvu dzangu; Handina kuvanza chiso changu pakusekwa nokupfirwa mate.
My back, gave I to smiters, and My cheeks, to them who pulled out the beard, —My face, hid I not from insult and spitting.
7 Nokuti Ishe Jehovha anondibatsira, handizonyadziswi. Naizvozvo ndakaita kuti chiso changu chive sebwe romusarasara, uye ndinoziva kuti handizonyadziswi.
Because, My Lord, Yahweh, would help me, Therefore was I not deterred by insult, —Therefore did I set my face like flint, And I knew that I should not be put to shame.
8 Iye anondiruramisira ari pedyo. Ndianiko zvino achandipa mhosva? Ngatitarisanei! Ndianiko mupomeri wangu? Ngaanangane neni!
At hand, is one who can justify me. Who will contend with me? let, us stand forth together, —Who can accuse me? let him draw near to me!
9 Ndiye Ishe Jehovha anondibatsira. Ndianiko achandipa mhosva? Vose vachasakara senguo; vachadyiwa nezvipfuno.
Lo! My Lord, Yahweh, will help me, Who is he that shall prove me lawless? Lo! they all, as a garment, shall fall to pieces, the moth shall consume them.
10 Ndiani pakati penyu anotya Jehovha, uye anoteerera shoko romuranda wake? Ngaafambe murima, iye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha uye avimbe naMwari wake.
Who among you, revereth Yahweh, Hearkening unto the voice of his Servant, —That hath walked in dark places And hath had no gleam of light? Let him trust in the name of Yahweh, And lean upon his God.
11 Asi zvino, imi mose munotungidza moto muchava nemwenje inopfuta, endai, mufambe muchiedza chomoto wenyu nechemwenje yamakabatidza. Izvi ndizvo zvamuchagamuchira kubva paruoko rwangu: Muchavata pasi mukurwadziwa.
Lo! all ye that kindle a fire, That gird yourselves with fiery darts, —Walk ye in the blaze of your own fire. And in the fiery darts ye have kindled, At my hand, hath this befallen you, In sorrow, shall ye lie down.

< Isaya 50 >