< Isaya 5 >

1 Ndichaimbira mudiwa wangu rwiyo pamusoro pomunda wake wemizambiringa: Mudiwa wangu akanga ane munda wake wemizambiringa, pachikomo chakaorera.
Ake ngihlabelele othandiweyo wami ingoma yomthandwa wami ngesivini sakhe. Othandiweyo wami ulesivini oqaqeni oluvundileyo.
2 Akautimbira akabvisa mabwe akasimamo mazambiringa akaisvonaka. Akavaka shongwe mukati mawo uye akauchererawo chisviniro chewaini. Ipapo akatarisa kuti awane zvibereko zvamazambiringa akanaka, asi iwo wakangobereka muchero wakaipa chete.
Wasibiyela, wakhupha amatshe kiso, wasihlanyela ngevini elikhethiweyo, wakha umphotshongo phakathi kwaso, wagubha lesikhamelo sewayini kiso; walindela ukuthi sizathela izithelo zevini, kodwa sathela izithelo zevini ezimunyu.
3 “Zvino imi vagari vomuJerusarema nemi varume veJudha, chitongai pakati pangu nomunda wemizambiringa wangu.
Ngakho-ke, bahlali beJerusalema, lani madoda akoJuda, ake lahlulele phakathi kwami lesivini sami.
4 Chiiko chimwezve chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Pandakatsvaka mazambiringa akanaka, wakagoberekerei akaipa oga?
Ngabe kwenziwani okunye esivinini sami engingakwenzanga kuso? Ngalindelelani ukuthi sizathela izithelo zevini, kodwa sathela izithelo zevini ezimunyu?
5 Zvino ndichakuudzai zvandichaitira munda wangu wemizambiringa: Ndichabvisa ruzhowa rwawo, ugoparadzwa; ndichaputsa rusvingo rwawo, ugochatsikwa-tsikwa.
Ngakho-ke, ake ngilitshele engizakwenza esivinini sami: Ngizasusa uthango lwaso ukuze sibe lidlelo, ngidilize umduli waso ukuze sibe ngesokugxotshwa.
6 Ndichauita nzvimbo yamarara, hauzochekererwi kana kusakurirwa, uye minzwa norukato zvichakuramo. Ndicharayira makore kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.”
Ngizasenza sibe liganga, singathenwa, singahlakulwa, kodwa kumile ameva lokhula oluhlabayo. Njalo ngizalaya amayezi ukuthi anganisi izulu phezu kwaso.
7 Munda womuzambiringa waJehovha Wamasimba Ose ndiwo imba yaIsraeri, uye varume veJudha ndivo bindu rake rinomufadza. Zvino akatarisira kururamisira asi akaona kuteuka kweropa; akatsvaka kururuma, asi akanzwa kuchema kwokutambudzika.
Ngoba isivini seNkosi yamabandla yindlu kaIsrayeli, labantu bakoJuda bayisithombo sentokozo zayo. Njalo yayilindele isahlulelo, kodwa khangela, ukuchithwa kwegazi; ukulunga, kodwa khangela, ukukhala.
8 Mune nhamo imi munowedzera dzimba nedzimba uye munobatanidza munda nomunda, kusvikira pasisina nzvimbo yasara, mugogara moga munyika.
Maye kulabo abahlanganisa indlu lendlu, abasondeza insimu lensimu, kuze kusweleke indawo, lina-ke lihlale lodwa phakathi kwelizwe!
9 Jehovha Wamasimba Ose akataura ndichinzwa akati, “Zvirokwazvo dzimba zhinji dzichava matongo, dzimba huru dzakanaka dzichashaya vanogaramo.
Endlebeni zami iNkosi yamabandla yathi: Isibili izindlu ezinengi zizakuba ngamanxiwa, ezinkulu lezinhle zingabi lamhlali.
10 Maeka gumi omunda wemizambiringa achabereka bhati rimwe chete rewaini, uye homeri rembeu richabereka efa imwe chete rezviyo.”
Ngoba indima ezilitshumi zesivini zizathela ibhathi elilodwa, lehomeri lenhlanyelo lithele i-efa.
11 Vane nhamo avo vanomuka mangwanani kuti vatsvake doro rinodhaka, vanogara kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa newaini.
Maye kwabavuka ekuseni kakhulu, bexotshana lokunathwayo okulamandla, balibale kuze kuhlwe, lize iwayini libalumathise!
12 Vanenge vane rudimbwa, nemitengeranwa pamabiko avo, namatambureni, nenyere newaini, asi havana hanya namabasa aJehovha, havana rukudzo nebasa ramaoko ake.
Njalo ichacho lomhubhe, isigubhu lomhlanga, lewayini kusemadilini abo, kodwa kabananzi isenzo seNkosi, bengaboni umsebenzi wezandla zayo.
13 Naizvozvo vanhu vangu vachapinda muutapwa, nokuda kwokushayiwa zivo; vanokudzwa vavo vachafa nenzara, uye vazhinji vavo vachafa nenyota.
Ngakho abantu bami bazakuya ekuthunjweni ngenxa yokungabi lolwazi, lamadoda abo odumo alendlala, lenengi labo lizakoma ngumhawu.
14 Naizvozvo gehena rakawedzera kukara kwaro, uye rakazarura muromo waro zvinodarika mwero; mariri muchaburukira vanokudzwa vavo nevoruzhinji, navose vanokakavara vavo navanofara vavo. (Sheol h7585)
Ngakho ingcwaba lizazinabulula, livule umlomo walo ube banzi ngokungelasilinganiso, kuze kwehle udumo lwabo lobunengi babo lenxokozelo yabo lothokozayo phakathi kwabo. (Sheol h7585)
15 Naizvozvo munhuwo zvake achadzikiswa, marudzi avanhu achaninipiswa, nameso avanozvikudza achaninipiswa.
Lomuntukazana uzakwehliselwa phansi, lomuntu ophakemeyo athotshiswe, lamehlo abazikhukhumezayo athotshiswe.
16 Asi Jehovha Wamasimba Ose achakudzwa, nokuda kwokururamisira kwake, uye Mwari, mutsvene achazviratidza pachake kuti mutsvene, mukururama kwake.
Kodwa iNkosi yamabandla izaphakanyiswa ngesahlulelo, loNkulunkulu ongcwele uzangcweliswa ngokulunga.
17 Ipapo makwai achafura saari mumafuro awo; makwayana achadya pakati pamatongo avapfumi.
Lamawundlu azakudla ngokwendlela yawo, labemzini badle amanxiwa abakhulupheleyo.
18 Vane nhamo avo vanokweva chivi nerwodzi rwokunyengera, uye zvakaipa sezvinenge mabote engoro,
Maye kwabadonsa isiphambeko ngentambo zeze, lesono njengamagoda enqola!
19 uye nevanoti, “Mwari ngaakurumidze, ngaachimbidzike nebasa rake kuti tirione. Ngarisvike, urongwa hwoMutsvene waIsraeri ngahuuye, kuti tihuzive.”
Labo abathi: Kaphangise, aphangisise umsebenzi wakhe, ukuze siwubone; lecebo loNgcwele kaIsrayeli kalisondele lize, ukuze silazi.
20 Vane nhamo avo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza nechiedza panzvimbo yerima, vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.
Maye kwabathi kokubi kuhle, lakokuhle kubi, ababeka umnyama ube yikukhanya, lokukhanya kube ngumnyama, ababeka okubabayo kube mnandi, lokumnandi kube ngokubabayo!
21 Vane nhamo avo vanoti vakachenjera pameso avo, uye vakangwara pakuona kwavo.
Maye kwabahlakaniphileyo emehlweni abo, labaqedisisayo phambi kobuso babo!
22 Vane nhamo avo vanova mhare pakunwa waini, uye shasha pakuvhenganisa zvokunwa zvinodhaka,
Maye kwabangamaqhawe okunatha iwayini, lamadoda alamandla okuhlanganisa okunathwayo okulamandla;
23 vanopembedza ane mhosva nokuda kwefufuro, asi vanoramba kururamisira vasina mhosva.
abalungisisa okhohlakeleyo ngenxa yomvuzo, basuse ukulunga kwabalungileyo kubo!
24 Naizvozvo, samarimi omoto anonanzva mashanga, uye souswa hwakaoma hunomedzwa nemirazvo yemoto, naizvozvo midzi yavo ichaora uye maruva avo achapeperetswa seguruva; nokuti vakaramba murayiro waJehovha Wamasimba Ose, uye vakazvidza shoko roMutsvene waIsraeri.
Ngakho njengolimi lomlilo lusidla isidindi sotshani, lamakhoba edilika ngelangabi, ngokunjalo impande yabo izakuba njengokubola, lempoko yabo iphephuke njengothuli; ngoba bewalile umlayo weNkosi yamabandla, balidelela ilizwi loNgcwele kaIsrayeli.
25 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwopfuta pamusoro pavanhu vake; ruoko rwake rwasimudzwa uye anovarovera pasi. Makomo anozungunuka, uye mitumbi yavakafa yaita samarara mumigwagwa. Kunyange zvakadaro nokuda kwezvose izvi, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake rwaramba rwakasimudzwa.
Ngenxa yalokho ulaka lweNkosi lubavuthele abantu bayo, yelula isandla sayo imelene labo, yabatshaya, izintaba zaze zazamazama, lezidumbu zabo zaba njengengcekeza phakathi kwezitalada. Ngenxa yakho konke lokhu ulaka lwayo kaluphenduki, kodwa isandla sayo silokhu seluliwe.
26 Anosimudzira ndudzi dziri kure mureza, anoridzira muridzo kuna avo vari kumigumo yenyika. Havo vouya, nokukurumidza uye nokuchimbidzika!
Njalo izasiphakamisela isizwe isiboniso ikhatshana, isitshayele ikhwelo isekucineni komhlaba; khangela-ke, sizakuza masinyane ngejubane.
27 Hapana kana mumwe wavo anoneta kana kugumburwa, hapana kana mumwe wavo achakotsira kana kuvata; hapana kana bhanhire richasunungurwa pachiuno, hapana kana rukanda rweshangu ruchadambuka.
Kakho ozadinwa, njalo kakho ozakhubeka phakathi kwaso, kakho ozawozela, njalo kakho ozalala, njalo kakho ozakhululelwa ibhanti lokhalo lwakhe, njalo kakho ozaqanyukelwa ngumchilo wamanyathela akhe.
28 Miseve yavo inopinza, uta hwavo hwose hwakakungwa; mahwanda amabhiza avo anenge omusarasara, mavhiri engoro dzavo akaita sechamupupuri.
Omitshoko yakhe ibukhali, lomadandili akhe wonke agotshiwe; amasondo amabhiza akhe azabalwa njengelitshe elilukhuni, lamavili akhe njengesivunguzane.
29 Kuomba kwavo kwakaita sokweshumba, vanoomba kufanana neshumba diki; vanodzvova pavanobata mhuka yavo vagoitakura pasina kana angairwira.
Ukubhonga kwakhe kuzakuba njengokwesilwane, njalo uzabhonga njengamabhongo esilwane, abhavume abambe impango, ayilethe ekuvikelekeni, njalo kungekho umemuki.
30 Pazuva iro vachaomba pamusoro payo, sokutinhira kwegungwa. Uye kana mumwe akatarisa panyika, achaona rima nokutambudzika; kunyange chiedza chichasvibiswa namakore.
Bazakubhavumela ngalolosuku njengokubhavuma kolwandle. Uba umuntu ekhangela emhlabeni, khangela-ke, umnyama, usizi, lokukhanya kwenziwe kwaba mnyama ngamayezi aso.

< Isaya 5 >