< Isaya 5 >

1 Ndichaimbira mudiwa wangu rwiyo pamusoro pomunda wake wemizambiringa: Mudiwa wangu akanga ane munda wake wemizambiringa, pachikomo chakaorera.
我要为我所亲爱的唱歌, 是我所爱者的歌,论他葡萄园的事: 我所亲爱的有葡萄园在肥美的山冈上。
2 Akautimbira akabvisa mabwe akasimamo mazambiringa akaisvonaka. Akavaka shongwe mukati mawo uye akauchererawo chisviniro chewaini. Ipapo akatarisa kuti awane zvibereko zvamazambiringa akanaka, asi iwo wakangobereka muchero wakaipa chete.
他刨挖园子,捡去石头, 栽种上等的葡萄树, 在园中盖了一座楼, 又凿出压酒池; 指望结好葡萄, 反倒结了野葡萄。
3 “Zvino imi vagari vomuJerusarema nemi varume veJudha, chitongai pakati pangu nomunda wemizambiringa wangu.
耶路撒冷的居民和犹大人哪, 请你们现今在我与我的葡萄园中,断定是非。
4 Chiiko chimwezve chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Pandakatsvaka mazambiringa akanaka, wakagoberekerei akaipa oga?
我为我葡萄园所做之外, 还有什么可做的呢? 我指望结好葡萄, 怎么倒结了野葡萄呢?
5 Zvino ndichakuudzai zvandichaitira munda wangu wemizambiringa: Ndichabvisa ruzhowa rwawo, ugoparadzwa; ndichaputsa rusvingo rwawo, ugochatsikwa-tsikwa.
现在我告诉你们, 我要向我葡萄园怎样行: 我必撤去篱笆,使它被吞灭, 拆毁墙垣,使它被践踏。
6 Ndichauita nzvimbo yamarara, hauzochekererwi kana kusakurirwa, uye minzwa norukato zvichakuramo. Ndicharayira makore kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.”
我必使它荒废,不再修理, 不再锄刨,荆棘蒺藜倒要生长。 我也必命云不降雨在其上。
7 Munda womuzambiringa waJehovha Wamasimba Ose ndiwo imba yaIsraeri, uye varume veJudha ndivo bindu rake rinomufadza. Zvino akatarisira kururamisira asi akaona kuteuka kweropa; akatsvaka kururuma, asi akanzwa kuchema kwokutambudzika.
万军之耶和华的葡萄园就是以色列家; 他所喜爱的树就是犹大人。 他指望的是公平, 谁知倒有暴虐; 指望的是公义, 谁知倒有冤声。
8 Mune nhamo imi munowedzera dzimba nedzimba uye munobatanidza munda nomunda, kusvikira pasisina nzvimbo yasara, mugogara moga munyika.
祸哉!那些以房接房, 以地连地, 以致不留余地的, 只顾自己独居境内。
9 Jehovha Wamasimba Ose akataura ndichinzwa akati, “Zvirokwazvo dzimba zhinji dzichava matongo, dzimba huru dzakanaka dzichashaya vanogaramo.
我耳闻万军之耶和华说: 必有许多又大又美的房屋 成为荒凉,无人居住。
10 Maeka gumi omunda wemizambiringa achabereka bhati rimwe chete rewaini, uye homeri rembeu richabereka efa imwe chete rezviyo.”
三十亩葡萄园只出一罢特酒; 一贺梅珥谷种只结一伊法粮食。
11 Vane nhamo avo vanomuka mangwanani kuti vatsvake doro rinodhaka, vanogara kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa newaini.
祸哉!那些清早起来追求浓酒, 留连到夜深,甚至因酒发烧的人。
12 Vanenge vane rudimbwa, nemitengeranwa pamabiko avo, namatambureni, nenyere newaini, asi havana hanya namabasa aJehovha, havana rukudzo nebasa ramaoko ake.
他们在筵席上 弹琴,鼓瑟,击鼓,吹笛,饮酒, 却不顾念耶和华的作为, 也不留心他手所做的。
13 Naizvozvo vanhu vangu vachapinda muutapwa, nokuda kwokushayiwa zivo; vanokudzwa vavo vachafa nenzara, uye vazhinji vavo vachafa nenyota.
所以,我的百姓因无知就被掳去; 他们的尊贵人甚是饥饿, 群众极其干渴。
14 Naizvozvo gehena rakawedzera kukara kwaro, uye rakazarura muromo waro zvinodarika mwero; mariri muchaburukira vanokudzwa vavo nevoruzhinji, navose vanokakavara vavo navanofara vavo. (Sheol h7585)
故此,阴间扩张其欲, 开了无限量的口; 他们的荣耀、群众、繁华, 并快乐的人都落在其中。 (Sheol h7585)
15 Naizvozvo munhuwo zvake achadzikiswa, marudzi avanhu achaninipiswa, nameso avanozvikudza achaninipiswa.
卑贱人被压服; 尊贵人降为卑; 眼目高傲的人也降为卑。
16 Asi Jehovha Wamasimba Ose achakudzwa, nokuda kwokururamisira kwake, uye Mwari, mutsvene achazviratidza pachake kuti mutsvene, mukururama kwake.
惟有万军之耶和华因公平而崇高; 圣者 神因公义显为圣。
17 Ipapo makwai achafura saari mumafuro awo; makwayana achadya pakati pamatongo avapfumi.
那时,羊羔必来吃草,如同在自己的草场; 丰肥人的荒场被游行的人吃尽。
18 Vane nhamo avo vanokweva chivi nerwodzi rwokunyengera, uye zvakaipa sezvinenge mabote engoro,
祸哉!那些以虚假之细绳牵罪孽的人! 他们又像以套绳拉罪恶,
19 uye nevanoti, “Mwari ngaakurumidze, ngaachimbidzike nebasa rake kuti tirione. Ngarisvike, urongwa hwoMutsvene waIsraeri ngahuuye, kuti tihuzive.”
说:任他急速行,赶快成就他的作为, 使我们看看; 任以色列圣者所谋划的临近成就, 使我们知道。
20 Vane nhamo avo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza nechiedza panzvimbo yerima, vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.
祸哉!那些称恶为善,称善为恶, 以暗为光,以光为暗, 以苦为甜,以甜为苦的人。
21 Vane nhamo avo vanoti vakachenjera pameso avo, uye vakangwara pakuona kwavo.
祸哉!那些自以为有智慧, 自看为通达的人。
22 Vane nhamo avo vanova mhare pakunwa waini, uye shasha pakuvhenganisa zvokunwa zvinodhaka,
祸哉!那些勇于饮酒, 以能力调浓酒的人。
23 vanopembedza ane mhosva nokuda kwefufuro, asi vanoramba kururamisira vasina mhosva.
他们因受贿赂,就称恶人为义, 将义人的义夺去。
24 Naizvozvo, samarimi omoto anonanzva mashanga, uye souswa hwakaoma hunomedzwa nemirazvo yemoto, naizvozvo midzi yavo ichaora uye maruva avo achapeperetswa seguruva; nokuti vakaramba murayiro waJehovha Wamasimba Ose, uye vakazvidza shoko roMutsvene waIsraeri.
火苗怎样吞灭碎秸, 干草怎样落在火焰之中, 照样,他们的根必像朽物, 他们的花必像灰尘飞腾; 因为他们厌弃万军之耶和华的训诲, 藐视以色列圣者的言语。
25 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwopfuta pamusoro pavanhu vake; ruoko rwake rwasimudzwa uye anovarovera pasi. Makomo anozungunuka, uye mitumbi yavakafa yaita samarara mumigwagwa. Kunyange zvakadaro nokuda kwezvose izvi, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake rwaramba rwakasimudzwa.
所以,耶和华的怒气向他的百姓发作。 他的手伸出攻击他们,山岭就震动; 他们的尸首在街市上好像粪土。 虽然如此,他的怒气还未转消; 他的手仍伸不缩。
26 Anosimudzira ndudzi dziri kure mureza, anoridzira muridzo kuna avo vari kumigumo yenyika. Havo vouya, nokukurumidza uye nokuchimbidzika!
他必竖立大旗,招远方的国民, 发嘶声叫他们从地极而来; 看哪,他们必急速奔来。
27 Hapana kana mumwe wavo anoneta kana kugumburwa, hapana kana mumwe wavo achakotsira kana kuvata; hapana kana bhanhire richasunungurwa pachiuno, hapana kana rukanda rweshangu ruchadambuka.
其中没有疲倦的,绊跌的; 没有打盹的,睡觉的; 腰带并不放松, 鞋带也不折断。
28 Miseve yavo inopinza, uta hwavo hwose hwakakungwa; mahwanda amabhiza avo anenge omusarasara, mavhiri engoro dzavo akaita sechamupupuri.
他们的箭快利, 弓也上了弦。 马蹄算如坚石, 车轮好像旋风。
29 Kuomba kwavo kwakaita sokweshumba, vanoomba kufanana neshumba diki; vanodzvova pavanobata mhuka yavo vagoitakura pasina kana angairwira.
他们要吼叫,像母狮子, 咆哮,像少壮狮子; 他们要咆哮抓食, 坦然叼去,无人救回。
30 Pazuva iro vachaomba pamusoro payo, sokutinhira kwegungwa. Uye kana mumwe akatarisa panyika, achaona rima nokutambudzika; kunyange chiedza chichasvibiswa namakore.
那日,他们要向以色列人吼叫, 像海浪匉訇; 人若望地,只见黑暗艰难, 光明在云中变为昏暗。

< Isaya 5 >