< Isaya 49 >
1 Ndinzwei, imi zviwi; inzwai izvi, imi ndudzi dziri kure; Jehovha akandidana ndisati ndaberekwa; kubva pakuzvarwa kwangu akataura zita rangu.
Iles, entendez-moi: peuples lointains, soyez attentifs! Yahweh m’a appelé dès le sein maternel, dès les entrailles de ma mère il a proclamé mon nom.
2 Akaita muromo wangu somunondo unopinza, akandiviga mumumvuri wechanza chake; akandiita museve unopenya, akandiviga mugomba rake.
Il a fait de ma bouche une épée tranchante; il m’a abrité sous l’ombre de sa main; il a fait de moi une flèche aiguë, il m’a caché dans son carquois.
3 Akati kwandiri, “Ndiwe muranda wangu, Israeri, wandicharatidza kubwinya kwangu maari.”
Et il m’a dit: « Tu es mon serviteur, Israël, en qui je me glorifierai. »
4 Asi ndakati, “Ndakashandira pasina, ndapedza simba rangu pane zvisina maturo uye pasina. Nyamba zvakandifanira ini zviri muruoko rwaJehovha, uye mubayiro wangu uri kuna Mwari.”
Et moi j’ai dit: « En vain je me suis fatigué; inutilement, pour rien, j’ai consumé ma force; mais mon droit est auprès de Yahweh, et ma récompense auprès de mon Dieu. »
5 Zvino Jehovha anoti, iye akandiumba ndiri muchizvaro kuti ndive muranda wake, kuti ndidzorere Jakobho kwaari uye kuti Israeri vaunganidzwezve kwaari, nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha, uye Mwari wangu ndiye anga ari simba rangu,
Et maintenant Yahweh parle, lui qui m’a formé dès le sein de ma mère pour être son Serviteur, pour ramener à lui Jacob, et pour qu’Israël lui soit réuni. — Et je suis honoré aux yeux de Yahweh, et mon Dieu est ma force. —
6 iye anoti: “Chinhu chiduku kwazvo kuti iwe uve muranda wangu, anomutsazve marudzi aJakobho uye achadzosa avo vaIsraeri vandakachengeta. Uyezve ndichakuita chiedza chevedzimwe ndudzi, kuti uuyise ruponeso rwangu kumigumo yenyika.”
Il a dit: « C’est peu que tu sois mon Serviteur, pour rétablir les tribus de Jacob et pour ramener les préservés d’Israël; je t’établirai lumière des nations, pour que mon salut arrive jusqu’aux extrémités de la terre. »
7 Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri noMutsvene waIsraeri, kuna iye akanga azvidzwa uye akasemwa norudzi, kumuranda wavatongi: “Madzimambo achakuona agosimuka, machinda achaona agokotamira pasi, nokuda kwaJehovha akatendeka, Mutsvene waIsraeri, akakusarudza.”
Ainsi parle Yahweh, le rédempteur et le Saint d’Israël; à celui qui est méprisé, abominable au peuple, à l’esclave des tyrans: Des rois te verront et se lèveront, des princes, et ils se prosterneront, à cause de Yahweh qui est fidèle, et du Saint d’Israël qui t’a choisi.
8 Zvanzi naJehovha: “Munguva yangu yakafanira, ndichakupindura, uye pazuva roruponeso ndichakubatsira; ndichakuchengeta uye ndichakuita kuti uve sungano yavanhu, kuti uvandudze nyika uye uvagarise patsva nhaka yakaparara,
Ainsi parle Yahweh: Au temps de la grâce je t’exauce, et au jour du salut, je te viens en aide; je t’ai gardé et établi Alliance du peuple, pour relever le pays, pour partager les héritages dévastés;
9 kuti uti kunhapwa, ‘Budai,’ nokuna avo vari murima, ‘Uyai muchiedza!’ “Vachadya zvokudya parutivi rwenzira, uye vachawana mafuro pazvikomo zvose zvisina zvibereko.
pour dire aux captifs: « Sortez! » à ceux qui sont dans les ténèbres: « Venez à la lumière! » Ils pourront paître le long des chemins, et sur toute hauteur seront leurs pâturages;
10 Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupisa kwegwenga, kana nokupisa kwezuva. Iye anovanzwira tsitsi achavatungamirira, uye achavafambisa napazvitubu zvemvura.
ils n’auront pas faim, ils n’auront pas soif; ni le sable brûlant, ni le soleil ne les atteindront. Car celui qui a pitié d’eux sera leur guide, et les conduira aux eaux jaillissantes.
11 Ndichashandura makomo angu ose kuti ave migwagwa, uye migwagwa yangu mikuru ichasimudzirwa.
Je ferai de toutes mes montagnes des chemins, et mes routes seront relevées.
12 Tarirai vachauya vachibva kure: vamwe vachibva nechokumusoro, vamwe nechokumavirazuva, vamwe nokurutivi rweAsiwani.”
En voici qui viennent de loin; en voici du septentrion et du couchant; et ceux-là du pays des Sinim.
13 Imbai, imi matenga, pembera iwe nyika; imbai rwiyo imi makomo! Nokuti Jehovha anonyaradza vanhu vake, uye achava netsitsi navanhu vake vanotambudzika.
Cieux, poussez des cris de joie! Terre, tressaille! Montagnes, éclatez en cris joyeux! Car Yahweh a consolé son peuple, et il a compassion de ses affligés.
14 Asi Zioni rakati, “Jehovha akandisiya, Jehovha akandikanganwa.”
Sion disait: « Yahweh m’a abandonnée; le Seigneur m’a oubliée! »
15 “Ko, mai vangakanganwa mucheche anonwa ari pachipfuva chavo, uye vangasanzwira tsitsi mwana wavakazvara here? Kunyange hazvo ivo vakakanganwa, ini handizokukanganwi!
Une femme oubliera-t-elle son nourrisson, n’aura-t-elle pas pitié du fruit de ses entrailles? Quand même les mères oublieraient, moi, je ne t’oublierai point!
16 Tarira, ndakakunyora pazvanza zvamaoko angu; madziro ako anogara ari mberi kwangu.
Vois, je t’aie gravée sur la paume de mes mains; tes murs sont toujours devant mes yeux.
17 Vanakomana vako vanokurumidza kudzoka shure, uye vose vaikuparadza vachabva kwauri.
Tes fils accourent; ceux qui t’avaient détruite et dévastée s’éloignent de toi.
18 Simudza meso ako utarise kwose kwose; vanakomana vako vose vanoungana vachiuya kwauri. Zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uchavafuka vose sezvishongo: uchavapfeka, somwenga.
Lève les yeux autour de toi et regarde: ils se rassemblent tous, ils viennent à toi. Je suis vivant, — oracle de Yahweh, tu te revêtiras d’eux tous comme d’une parure, tu t’en ceindras comme d’une ceinture de fiancée.
19 “Kunyange wakaparadzwa ukaitwa dongo, uye nyika yako yakasiyiwa yava dongo, zvino vanhu vako havachakwani mauri, uye vose vaikumedza vachava kure.
Car tes ruines, tes déserts, ton pays dévasté, tout cela maintenant sera trop étroit pour tes habitants; et ceux qui te dévoraient se sont éloignés.
20 Vana vakaberekwa panguva yokufirwa kwako vachatizve munzeve dzako, ‘Nzvimbo iyi yava diki kwatiri: tipeiwo nzvimbo yakatambanuka yatingagara.’
Alors ils diront à tes oreilles, tes fils, dont tu étais privée: « L’espace est trop étroit pour moi; fais-moi de la place pour que je puisse habiter. »
21 Ipapo uchati mumwoyo mako, ‘Ndianiko akandiberekera ava? Ndakanga ndafirwa uye ndisina mwana; ndakanga ndadzingwa uye ndarambwa. Ndianiko akarera ava? Ndakasiyiwa ndiri ndoga, asi ava, vabvepiko?’”
Et tu diras en ton cœur: « Qui m’a enfanté ceux-ci? J’étais privée d’enfants, stérile, bannie et répudiée; et ceux-ci, qui les a élevés? Voici que j’étais restée seule; ceux-ci, où étaient-ils? »
22 Zvanzi naIshe Jehovha, “Tarira ndichasimudza ruoko rwangu kune veDzimwe Ndudzi, ndichasimudzira mureza wangu kumarudzi; vachauya navanakomana vako vari mumaoko avo, uye vachatakura vanasikana vako pamapfudzi avo.
Ainsi parle le Seigneur Yahweh: Voici que je lèverai ma main vers les nations, que je dresserai mon étendard vers les peuples; et ils ramèneront tes fils entre leurs bras, et ils rapporteront tes filles sur leurs épaules.
23 Madzimambo achava madzibaba anokurerai, uye vanamambokadzi vavo vachava vanamai vanokurerai. Vachakupfugamirai uso hwavo hwakatsikitsira pasi, vachananzva guruva patsoka dzenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanovimba neni havachazonyadziswi.”
Des rois seront tes nourriciers, et leurs princesses tes nourrices; ils se prosterneront devant toi la face contre terre, et ils lècheront la poussière de tes pieds; et tu sauras que je suis Yahweh, et que ceux qui espèrent en moi ne seront pas confondus.
24 Ko, mhare ingapambwa here, kana vatapwa vanganunurwa kubva kune anotyisa here?
Mais arrachera-t-on au puissant sa proie, et les justes qu’on a faits captifs échapperont-ils? —
25 Asi zvanzi naJehovha, “Hongu vatapwa vachatorwa kubva kumhare, uye zvakapambwa kubva kune anotyisa; ndicharwa nevanorwa newe, uye vana vako ndichavaponesa.
Ainsi parle Yahweh: Même la proie du puissant lui sera arrachée, et la proie du violent lui échappera. Tes adversaires, moi, je les combattrai; tes fils, moi, je les sauverai.
26 Ndichaita kuti vamanikidzi vako vadye nyama yavo; vachadhakwa neropa ravo, sevadhakwa newaini. Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.”
Je ferai manger à tes oppresseurs leur propre chair, ils s’enivreront de leur sang comme d’un vin nouveau; et toute chair saura que moi, Yahweh, je suis ton Sauveur, et que ton rédempteur est le Puissant de Jacob!