< Isaya 48 >

1 “Inzwai izvi, imi imba yaJakobho, makatumidzwa zita raIsraeri, uye muchibva kurudzi rwaJudha, imi munoita mhiko muzita raJehovha, uye munodana kuna Mwari waIsraeri, asi musingaiti muzvokwadi kana mukururama,
雅各家,称为以色列名下, 从犹大水源出来的,当听我言! 你们指着耶和华的名起誓, 提说以色列的 神, 却不凭诚实,不凭公义。
2 imi munozviti vagari vomuguta dzvene, muchivimba naMwari weIsraeri; Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake:
他们自称为圣城的人, 所倚靠的是 名为万军之耶和华—以色列的 神。
3 Ndakazivisa zvinhu zvakare, kare kare, muromo wangu wakazvireva uye ndakaita kuti zvizivikanwe; ipapo nokukurumidza ndakazviita, uye zvikaitika.
主说:早先的事,我从古时说明, 已经出了我的口, 也是我所指示的; 我忽然行做,事便成就。
4 Nokuti ndaiziva kuti mwoyo wako wakanga wakasindimara sei; nokuti mutsipa wako wakanga uri runda rwesimbi, huma yako yakanga iri ndarira.
因为我素来知道你是顽梗的— 你的颈项是铁的; 你的额是铜的。
5 Naizvozvo ndakakuudza zvinhu izvi kare kare; zvisati zvaitika ndakazvizivisa kwauri, kuitira kuti urege kuzoti, ‘Zvifananidzo zvangu, ndizvo zvakazviita; mufananidzo wangu wedanda namwari wangu wesimbi ndizvo zvakarayira izvozvo.’
所以,我从古时将这事给你说明, 在未成以先指示你, 免得你说:这些事是我的偶像所行的, 是我雕刻的偶像和我铸造的偶像所命定的。
6 Wakazvinzwa zvinhu izvi; zvitarire zvose. Haungazvibvumi here? “Kubva zvino ndichakuzivisa zvinhu zvitsva, zvakavanzika zvausingazivi.
你已经听见,现在要看见这一切; 你不说明吗? 从今以后,我将新事, 就是你所不知道的隐密事指示你。
7 Zvava kusikwa zvino, uye hakusi kare; hauna kumbozvinzwa zuva ranhasi risati rasvika. Saka haugoni kuti, ‘Hongu, ndaizviziva.’
这事是现今造的,并非从古就有; 在今日以先,你也未曾听见, 免得你说:这事我早已知道了。
8 Hauna kumbonzwa kana kunzwisisa; kubva kare nzeve yako yakanga isina kudziurwa. Ndinoziva kwazvo kuti uri munyengeri akadii; wakanzi mhandu kubva pakuzvarwa kwako.
你未曾听见,未曾知道; 你的耳朵从来未曾开通。 我原知道你行事极其诡诈, 你自从出胎以来, 便称为悖逆的。
9 Nokuda kwezita rangu ndinononoka kutsamwa; nokuda kwokurumbidzwa kwangu ndinozvidzora pamusoro pako, kuti ndisakuparadza.
我为我的名暂且忍怒, 为我的颂赞向你容忍, 不将你剪除。
10 Tarira, ndakakunatsa, kunyange zvisina kuita sesirivha; ndakakuedza muchoto chokutambudzika.
我熬炼你,却不像熬炼银子; 你在苦难的炉中,我拣选你。
11 Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndinoita izvi. Ko, ndingaregererei zita rangu richimhurwa? Handingapi kukudzwa kwangu kuno mumwe.
我为自己的缘故必行这事, 我焉能使我的名被亵渎? 我必不将我的荣耀归给假神。
12 “Nditeerere, iwe Jakobho, Israeri, wandakadaidza; ndini iye: ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira.
雅各—我所选召的以色列啊, 当听我言: 我是耶和华, 我是首先的,也是末后的。
13 Ruoko rwangu ndirwo rwakateya nheyo dzenyika, uye ruoko rwangu rworudyi rwakatambanudza matenga; pandinozvidana, zvose zvinomira pamwe chete.
我手立了地的根基; 我右手铺张诸天; 我一招呼便都立住。
14 “Unganai pamwe chete, imi mose muteerere; Ndechipiko chimwe chezvifananidzo chakakuudzai kuti zvinhu izvi zvichaitika? Iye anodikanwa naJehovha achaita zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi; ruoko rwake rucharwisa vaBhabhironi.
你们都当聚集而听, 他们内中谁说过这些事? 耶和华所爱的人必向巴比伦行他所喜悦的事; 他的膀臂也要加在迦勒底人身上。
15 Ini, iyeni ndataura; hongu, ndamudana. Ndichauya naye, uye achabudirira pane zvaanotumwa.
惟有我曾说过,我又选召他, 领他来,他的道路就必亨通。
16 “Swederai kwandiri muteerere izvi: “Kubvira pachiziviso chokutanga handina kumbotaura muchivande; panguva yazvinoitika, ndinenge ndiripo.” Uye zvino Ishe Jehovha andituma noMweya wake.
你们要就近我来听这话: 我从起头并未曾在隐密处说话; 自从有这事,我就在那里。 现在,主耶和华差遣我和他的灵来。
17 Zvanzi naJehovha Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri: “Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.
耶和华—你的救赎主, 以色列的圣者如此说: 我是耶和华—你的 神, 教训你,使你得益处, 引导你所当行的路。
18 Dai chete wakanga wateerera mirayiro yangu, rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, kururama kwako samafungu egungwa.
甚愿你素来听从我的命令! 你的平安就如河水; 你的公义就如海浪。
19 Zvizvarwa zvako zvingadai zvakaita sejecha, navana vako vakaita setsanga dzejecha dzisingaverengeki; zita ravo haraimboparara kana kuparadzwa pamberi pangu.”
你的后裔也必多如海沙; 你腹中所生的也必多如沙粒。 他的名在我面前必不剪除, 也不灭绝。
20 Mudai muBhabhironi, tizai vaBhabhironi! Zivisai izvi nomufaro mukuru, uye muzviparidze. Zvitumirei kumagumo enyika; muti, “Jehovha adzikinura muranda wake Jakobho.”
你们要从巴比伦出来, 从迦勒底人中逃脱, 以欢呼的声音传扬说: 耶和华救赎了他的仆人雅各! 你们要将这事宣扬到地极。
21 Havana kunzwa nyota paakavatungamirira mugwenga; akaita kuti mvura iyerere ichibva mudombo, achiitira ivo; akatsemura dombo mvura ikatubuka.
耶和华引导他们经过沙漠。 他们并不干渴; 他为他们使水从磐石而流, 分裂磐石,水就涌出。
22 “Vakaipa havana rugare,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
耶和华说: 恶人必不得平安!

< Isaya 48 >