< Isaya 46 >

1 Bheri rinokotamira pasi, Nebho rinokotama; zvifananidzo zvavo zvinotakurwa nezvipfuwo zvinotakura mutoro. Zvifananidzo zvacho zvinotakurwa zvinorema, mutoro pazvipfuwo zvakaneta.
貝耳塌下了,乃波傾倒了,他們的神像,負在走獸和牲口身上;他們的重載,重壓著筋疲的畜類。
2 Zvinokotama uye zvinokotamira pasi pamwe chete; zvisingagoni kurwira mutoro, izvo pachazvo zvinoenda kuutapwa.
他們都一齊傾倒了,塌下了,神像不但不能救助馱運他們的畜類,甚至連自己也該流徙遠配。
3 “Ndinzwei, imi imba yaJakobho, imi mose vakasara veimba yaIsraeri, imi vandakasimudzira kubvira muchiri mudumbu, uye ndikakutakurai kubvira pakuzvarwa kwenyu.
雅各伯家啊!以色列家所有的遺民啊!請你們聽我:自出母胎我就抱著你,自離母腹我就懷著你;
4 Kunyange kusvikira pakuchembera kwenyu, bvudzi rachena, ndini iye, ndini ndichakururamisai. Ndakakuitai uye ndichakutakurai; ndichakuraramisai uye ndichakununurai.
直到你年老,我仍是一樣;直到你白頭,我依然扶持你。我既然如此做了,我必要提攜你,扶持你,拯救你。
5 “Mungandienzanisa naaniko kana kunditi ndakaita saani? Mungandifananidza naaniko wandingaenzaniswa naye?
你們拿我同誰比擬,與誰相等,跟誰比較,以求我們相同呢﹖
6 Vamwe vanodurura goridhe kubva muhomwe dzavo, uye vanoyera sirivha pazviyero; vanotsvaka mupfuri kuti avaitire chimwari, vagopfugama kuti vachinamate.
有些人從錢囊中把金子倒出,放銀子在天平上衡量;以後僱了一個金匠,製造了一個神像,遂向它屈膝朝拜;
7 Vanochisimudzira pamapfudzi avo vagochitakura; vanochigadzika panzvimbo yacho, uye hecho chomira, hachigoni kufamba kuti chibvepo. Kunyange mumwe akadanidzira kwachiri, hachipinduri; hachigoni kumuponesa kubva pamatambudziko ake.
又將神像抬起,放在肩上扛著,以後安置在一個地方,它就立在那裏,再不能離開那地方;人呼求它,它也不答應,也不能救人脫離災殃。
8 “Rangarirai chinhu ichi, muchiise mupfungwa dzenyu, muise pamwoyo yenyu, imi vapanduki.
你們應記住這事,應站穩!叛逆的人啊!你們應記在心頭!
9 Rangarirai zvinhu zvakare, zviya zvekare kare; ndini Mwari, uye hakuna mumwe; ndini Mwari, hakuna akafanana neni.
你們應追憶以前古時所發生的事,因為我是天主,沒有另一個;我是天主,沒有與我相似的,
10 Ndinozivisa magumo kubva pakutanga, kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya. Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika, uye ndichaita zvose zvandinoda.
我從起出就預言了末後的事,早就宣佈了未來的事;我如今說:「我的計劃必要成功,我的旨意都要實現;」
11 Kubva kumabvazuva ndinodana gondo; kubva kunyika iri kure kure ndinodana munhu achazadzisa kuda kwangu. Zvandakareva ndichaita kuti zviitike; zvandakaronga, ndichazviita.
我要把老鷹從東方召來,把履行我計劃的人由遠方叫來;我說了,必要去行;我決定了,必要去做。
12 Nditeererei, imi vane mwoyo yakasindimara, iyemi muri kure nokururama.
心硬的人!遠離正義的人! 聽我說罷!
13 Ndiri kuswededza pedyo kururama kwangu, hakusi kure; uye ruponeso rwangu haruzononotswi. Ndichapa ruponeso kuZioni, nokubwinya kwangu kuna Israeri.
我的仁義來近了,已不遠了,我的救恩不再延遲;我必在熙雍賜與救恩,把我的光榮賜給以色列。

< Isaya 46 >