< Isaya 45 >

1 “Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake, kuna Sirasi, ane ruoko rworudyi rwandakabata kuti akunde ndudzi pamberi pake, uye kuti atorere madzimambo zvombo zvavo, kuti ndizarure mikova pamberi pake, masuo agorega kupfigwa:
われヱホバわが受膏者クロスの右手をとりてもろもろの國をそのまへに降らしめ もろもろの王の腰をとき扉をその前にひらかせて門をとづるものなからしめん
2 Ndichaenda mberi kwako uye ndichaenzanisa makomo; ndichaputsa masuo endarira uye ndichacheka ndigopinda napamazariro esimbi.
われ汝のまへにゆきて崎嶇をたひらかにし 銅の門をこぼち くろがねの關木をたちきるべし
3 Ndichakupa pfuma yerima, upfumi hwakavigwa panzvimbo dzakavanda, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri, anokudana nezita rako.
われなんぢに暗ところの財貨とひそかなるところに藏せるたからとを予へ なんぢに我はヱホバなんぢの名をよべるイスラエルの神なるを知しめん
4 Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsraeri musanangurwa wangu, ndinokudana nezita rako, uye ndinoisa pamusoro pako zita rokukudzwa, kunyange iwe usingandizivi.
わが僕ヤコブわが撰みたるイスラエルのために我なんぢの名をよべり 汝われを知ずといへどわれ名をなんぢに賜ひたり
5 Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe; kunze kwangu ini hakuna Mwari. Ndichakusimbisa, kunyange usina kundiziva,
われはヱホバなり 我のほかに神なし 一人もなし 汝われをしらずといへども我なんぢを固うせん
6 kuti kubva kumabudazuva kusvikira kwarinovirira, vanhu vazive kuti hakuna mumwe kunze kwangu. Ndini Jehovha uye hakuna mumwe.
而して日のいづるところより西のかたまで人々我のほかに神なしと知べし 我はヱホバなり他にひとりもなし
7 Ndinoumba chiedza uye ndinosika rima, ndinoita rugare uye ndinosika njodzi; ini Jehovha, ndini ndinoita zvinhu izvi zvose.
われは光をつくり又くらきを創造す われは平和をつくりまた禍害をさうざうす 我はヱホバなり 我すべてこれらの事をなすなり
8 “Imi matenga kumusoro, nayisai kururama; makore ngaakudonhedze pasi. Nyika ngaizaruke kwazvo, ruponeso ngarutubuke, kururama ngakukure pamwe chete narwo; ini Jehovha, ndini ndakazvisika.
天ようへより滴らすべし 雲よ義をふらすべし 地はひらけて救を生じ義をもともに萌いだすべし われヱホバ之を創造せり
9 “Ane nhamo uyo anokakavadzana noMuiti wake, iye anongova chaenga pakati pezvaenga pamusoro pevhu. Ko, ivhu ringati kumuumbi, ‘Uri kugadzirei?’ Ko, basa rako rinoti here, ‘Uyu haana maoko?’
世人はすゑものの中のひとつの陶器なるに己をつくれる者とあらそふはわざはひなるかな 泥塊はすゑものつくりにむかひて汝なにを作るかといふべけんや 又なんぢの造りたる者なんぢを手なしといふべけんや
10 Ane nhamo uyo anoti kuna baba vake, ‘Chiiko chamakabereka?’ kana kuna mai vake, ‘Chiiko chamakazvara?’
父にむかひて汝なにゆゑに生むことをせしやといひ 婦にむかひて汝なにゆゑに產のくるしみをなししやといふ者はわざはひなるかな
11 “Zvanzi naJehovha, iye Mutsvene waIsraeri, noMuiti wake: Pamusoro pezvinhu zvichauya, unondibvunza here pamusoro pavana vangu, kana kundirayira pamusoro pebasa ramaoko angu?
ヱホバ、イスラエルの聖者イスラエルを造れるもの如此いひたまふ 後きたらんとすることを我にとへ またわが子女とわが手の工とにつきて汝等われに言せよ
12 Ndini ndakaita nyika uye ndikasika vanhu vendudzi dzose pamusoro payo. Maoko angu pachangu akatatamura matenga; ndakarayira hondo dzawo dzose dzenyeredzi.
われ地をつくりてそのうへに人を創造せり われ自らの手をもて天をのべ その萬象をさだめたり
13 Ndichamutsa Sirasi mukururama kwangu: ndichaita kuti nzira dzake dzose dzirurame. Achavakazve guta rangu, uye achasunungura vatapwa vangu, asi pasina muripo kana mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”
われ義をもて彼のクロスを起せり われそのすべての道をなほくせん 彼はわが邑をたてわが俘囚を價のためならず報のためならずして釋すべし これ萬軍のヱホバの聖言なり
14 Zvanzi naJehovha: “Zvibereko zveIjipiti nezvinoshambadzirwa zveEtiopia, navaSabhea varefu, vachauya kwauri uye vachava vako; vachatevera mushure mako, vachiuya kwauri vakasungwa nengetani. Vachapfugama pamberi pako uye vachakunyengetedza, vachiti, ‘Zvirokwazvo Mwari anewe, uye hakunazve mumwe; hakuna mumwe mwari.’”
ヱホバ如此いひたまふ エジプトがはたらきて得しものとエテオピアがあきなひて得しものとはなんぢの有とならん また身のたけ高きセバ人きたりくだりて汝にしたがひ繩につながれて降り なんぢのまへに伏しなんぢに祈りていはん まことに神はなんぢの中にいませり このほかに神なし一人もなしと
15 Zvechokwadi muri Mwari anozvivanza, imi Mwari noMuponesi waIsraeri.
救をほどこし給ふイスラエルの神よ まことに汝はかくれています神なり
16 Vose vanoita zvifananidzo vachava nenyadzi uye vachanyadziswa, vachasvika pakunyadziswa pamwe chete.
偶像をつくる者はみな恥をいだき辱かしめをうけ諸共にはぢあわてて退かん
17 Asi Israeri achaponeswa naJehovha noruponeso rusingaperi; hamuchazombonyadziswi kana kuva nenyadzi, kusvikira kumakore asingaperi.
されどイスラエルはヱホバにすくはれて永遠の救をえん なんぢらは世々かぎりなく恥をいだかず辱かしめをうけじ
18 Nokuti zvanzi naJehovha, iye akasika matenga, ndiye Mwari; iye akaumba uye akaita nyika, ndiye akaisimbisa; haana kuisikira kuti igare isina chinhu, asi akaiumba kuti igarwe, anoti: “Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe.
ヱホバは天を創造したまへる者にしてすなはち神なり また地をもつくり成てこれを堅くし徒然にこれを創造し給はず これを人の住所につくり給へり ヱホバかく宣給ふ われはヱホバなり我のほかに神あることなしと
19 Handina kutaura ndiri pakavanda, ndichibva kumwe kunyika yerima; handina kuti kuvana vaJakobho, ‘Nditsvakei pasina.’ Ini, Jehovha ndinotaura chokwadi; ndinoparidza zvakarurama.
われは隱れたるところ地のくらき所にてかたらず 我はヤコブの裔になんぢらが我をたづぬるは徒然なりといはず 我ヱホバはただしき事をかたり直きことを告ぐ
20 “Unganai pamwe chete muuye; unganai, imi vatizi vanobva kune dzimwe ndudzi. Vose vanotakura mifananidzo yamatanda havazivi, vanonyengetera kuna vamwari vasingagoni kuponesa.
汝等もろもろの國より脱れきたれる者よ つどひあつまり共にすすみききたれ 木の像をになひ救ふことあたはざる神にいのりするものは無智なるなり
21 Paridzai zvichauya, muzvibudise pachena: ngavarangane pamwe chete. Ndianiko akazvitaura kare, ndiani akazvireva kubva kare nakare? Handizini Jehovha here? Uye kunze kwangu ini hakuna Mwari, Mwari akarurama noMuponesi; hakuna mumwe asi ini.
なんぢらその道理をもちきたりて述よ また共にはかれ 此事をたれか上古より示したりや 誰かむかしより告たりしや 此はわれヱホバならずや 我のほかに神あることなし われは義をおこなひ救をほどこす神にして我のほかに神あることなし
22 “Dzokerai kwandiri mugoponeswa, imi mose migumo yenyika; nokuti ndini Mwari, uye hakuna mumwe.
地の極なるもろもろの人よ なんぢら我をあふぎのぞめ然ばすくはれん われは神にして他に神なければなり
23 Ndakapika neni pachangu, muromo wangu wakataura nokururama kwose shoko risingazoshandurwi: Mabvi ose achapfugama pamberi pangu; ndimi dzose dzichapika neni.
われは己をさして誓ひたり この言はただしき口よりいでたれば反ることなし すべての膝はわがまへに屈み すべての舌はわれに誓をたてん
24 Vachati pamusoro pangu, ‘Muna Jehovha chete ndimo muno kururama nesimba.’” Vose vakamutsamwira vachauya kwaari uye vachanyadziswa.
人われに就ていはん正義と力とはヱホバにのみありと 人々ヱホバにきたらん すべてヱホバにむかひて怒るものは恥をいだくべし
25 Asi rudzi rwose rwaIsraeri ruchawanikwa rwakarurama muna Jehovha uye ruchafara.
イスラエルの裔はヱホバによりて義とせられ且ほこらん

< Isaya 45 >