< Isaya 44 >

1 “Asi zvino chinzwa, iwe Jakobho, muranda wangu, Israeri, wandakasarudza.
我的仆人雅各, 我所拣选的以色列啊, 现在你当听。
2 Zvanzi naJehovha, iye akakuita, akauumba mudumbu uye iye achakubatsira: Usatya, iwe Jakobho, muranda wangu, Jeshuruni, wandakasarudza.
造作你,又从你出胎造就你, 并要帮助你的耶和华如此说: 我的仆人雅各, 我所拣选的耶书 哪, 不要害怕!
3 Nokuti ndichadurura mvura panyika ine nyota, nehova pamusoro pevhu rakaoma; ndichadurura Mweya wangu pamusoro porudzi rwako, nemikomborero yangu pamusoro pavana vako.
因为我要将水浇灌口渴的人, 将河浇灌干旱之地。 我要将我的灵浇灌你的后裔, 将我的福浇灌你的子孙。
4 Vachamera souswa mudekete, semiti yemikonachando pahova dzinoyerera.
他们要发生在草中, 像溪水旁的柳树。
5 Mumwe achati, ‘Ndiri waJehovha’; mumwe achazvitumidza nezita raJakobho; zvakadaro, mumwe achanyora muruoko rwake achiti, ‘Ndiri waJehovha,’ uye achatora zita rokuti Israeri.
这个要说:我是属耶和华的; 那个要以雅各的名自称; 又一个要亲手写:归耶和华的, 并自称为以色列。
6 “Zvanzi naJehovha, Mambo waIsraeri noMudzikinuri, Jehovha Wamasimba Ose: Ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari.
耶和华—以色列的君, 以色列的救赎主—万军之耶和华如此说: 我是首先的,我是末后的; 除我以外再没有真神。
7 Ndianiko zvino akafanana neni? Ngaazvitaure. Ngaadanidzire, azviise mberi kwangu izvo zvakaitika kubva pandakasimbisa vanhu vangu vekare, uye kuti chiiko chichaitika hongu, ngaataure zvichaitika.
自从我设立古时的民, 谁能像我宣告,并且指明,又为自己陈说呢? 让他将未来的事和必成的事说明。
8 Musadedera, musatya. Handina kuparidza izvi here uye ndikazvitaura kare kare? Imi muri zvapupu zvangu. Kune mumwe Mwari kunze kwangu here? Kwete, hakuna rimwe Dombo; hakuna rimwe randinoziva.”
你们不要恐惧,也不要害怕。 我岂不是从上古就说明指示你们吗? 并且你们是我的见证! 除我以外,岂有真神吗? 诚然没有磐石,我不知道一个!
9 Vose vanoita zvifananidzo havana maturo, uye zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri. Vose vangada kuvapupurira mapofu; havazivi, ndiko kuchava kunyadziswa kwavo.
制造雕刻偶像的尽都虚空;他们所喜悦的都无益处;他们的见证无所看见,无所知晓,他们便觉羞愧。
10 Ndiani anoveza mwari uye anoumba chifananidzo, chisingamubatsiri chinhu?
谁制造神像,铸造无益的偶像?
11 Iye navamwe vake vachanyadziswa; mhizha hadzizi chinhu asi vanhu zvavo. Ngavaungane vose pamwe chete uye vamire vasingazungunuswi; vachaderedzwa, uye vachatya vachanyadziswa.
看哪,他的同伴都必羞愧。工匠也不过是人,任他们聚会,任他们站立,都必惧怕,一同羞愧。
12 Mupfuri anotora chokupfurisa agochishandisa mumazimbe; anoita chifananidzo nenyundo, agochiumba nesimba roruoko rwake. Anonzwa nzara agorasikirwa nesimba rake. Mukusanwa kwake mvura anobva aziya.
铁匠把铁在火炭中烧热,用锤打铁器,用他有力的膀臂锤成;他饥饿而无力,不喝水而发倦。
13 Muvezi anoyera nerwodzi ozoita mutsetse nechokunyoresa; anounatsa nembezo, uye anoutara nezvienzaniso. Anouumba mumufananidzo womunhu, womunhu nokunaka kwake kwose, kuti ugare mumba.
木匠拉线,用笔划出样子,用刨子刨成形状,用圆尺划了模样,仿照人的体态,做成人形,好住在房屋中。
14 Akatema misidhari, kana zvimwe akatora musipuresi kana muouki. Akaurega uchikura pakati pemiti yesango, kana kuti akasima mupaini, mvura ikaita kuti ukure.
他砍伐香柏树,又取柞树和橡树,在树林中选定了一棵。他栽种松树,得雨长养。
15 Ndidzo huni dzomunhu dzokuvesa moto; dzimwe dzacho anodzitora agozvidziyisa nadzo, anovesa moto agobika chingwa nadzo. Asizve anoveza chimwari agochinamata; anoita chifananidzo agochipfugamira.
这树,人可用以烧火;他自己取些烤火,又烧着烤饼,而且做神像跪拜,做雕刻的偶像向它叩拜。
16 Hafu yehuni anopisa mumoto, nadzo anobika zvokudya zvake, anogocha nyama yake agoidya achiguta. Anozvidziyisazve, agoti, “Haiwa! Ndadziyirwa; moto ndiri kuuona.”
他把一分烧在火中,把一分烤肉吃饱。自己烤火说:“啊哈,我暖和了,我见火了。”
17 Nezvasara anoita nazvo chimwari, icho chifananidzo chake; anochipfugamira agochinamata. Anonyengetera kwachiri achiti, “Ndiponesei; ndimi mwari wangu.”
他用剩下的做了一神,就是雕刻的偶像。他向这偶像俯伏叩拜,祷告它说:“求你拯救我,因你是我的神。”
18 Havana chavanoziva, havanzwisisi chinhu, meso avo akanamwa kuitira kuti varege kuona, uye ndangariro dzavo dzakafukidzirwa kuitira kuti varege kunzwisisa. Hapana anombomira kuti afunge,
他们不知道,也不思想;因为耶和华闭住他们的眼,不能看见,塞住他们的心,不能明白。
19 Hapana ane ruzivo kana kunzwisisa kuti ati, “Hafu yacho ndaishandisa pakuvesa moto; ini iyeni ndabikira chingwa pamazimbe acho, ndagocha nyama ndikadya. Ndichaita zvinonyangadza pane zvasara here? Ndichapfugamira kudanda rehuni here?”
谁心里也不醒悟,也没有知识,没有聪明,能说:“我曾拿一分在火中烧了,在炭火上烤过饼;我也烤过肉吃。这剩下的,我岂要作可憎的物吗?我岂可向木墩子叩拜呢?”
20 Anodya madota, mwoyo wakanyengerwa unomutsausa; haagoni kuzviponesa kana kuti ati, “Ko, chinhu ichi chiri muruoko rwangu rworudyi hachisi chenhema here?”
他以灰为食,心中昏迷,使他偏邪,他不能自救,也不能说:“我右手中岂不是有虚谎吗?”
21 “Rangarira zvinhu izvi, iwe Jakobho, nokuti uri muranda wangu, iwe Israeri. Ndakakuita, uri muranda wangu; haiwa Israeri, handichakukanganwizve.
雅各,以色列啊, 你是我的仆人,要记念这些事。 以色列啊,你是我的仆人, 我造就你必不忘记你。
22 Ndakadzima kudarika kwako segore, nezvivi zvako semhute yamangwanani. Dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikinura.”
我涂抹了你的过犯,像厚云消散; 我涂抹了你的罪恶,如薄云灭没。 你当归向我,因我救赎了你。
23 Imbai nomufaro imi matenga, nokuti Jehovha akaita izvozvi; danidzira nesimba, iwe nyika iri pasi. Imbai nziyo, imi makomo, nemi masango nemiti yose, nokuti Jehovha adzikinura Jakobho, akaratidza kubwinya muIsraeri.
诸天哪,应当歌唱, 因为耶和华做成这事。 地的深处啊,应当欢呼; 众山应当发声歌唱; 树林和其中所有的树都当如此! 因为耶和华救赎了雅各, 并要因以色列荣耀自己。
24 “Zvanzi naJehovha, mudzikinuri wako, iye akakuumba uri mudumbu: “Ndini Jehovha, akaita zvinhu zvose, iye oga akatatamura matenga, akatambanudza nyika oga,
从你出胎,造就你的救赎主—耶和华如此说: 我—耶和华是创造万物的, 是独自铺张诸天、铺开大地的。 谁与我同在呢?
25 “iye anokonesa zviratidzo zvavaprofita venhema, anoita kuti vavuki vave mapenzi, iye anoparadza kudzidza kwevane njere, uye anokushandura kuti kuve upenzi,
使说假话的兆头失效, 使占卜的癫狂, 使智慧人退后, 使他的知识变为愚拙;
26 anozadzisa mashoko omuranda wake, uye anozadzisa zvakaprofitwa nenhume dzake, “anoti kuJerusarema, ‘Richagarwa,’ nokumaguta eJudha, ‘Achavakwa,’ nokumatongo awo, ‘Ndichaavandudza,’
使我仆人的话语立定, 我使者的谋算成就。 论到耶路撒冷说:必有人居住; 论到犹大的城邑说:必被建造, 其中的荒场我也必兴起。
27 iye anoti kumvura yakadzika, ‘Oma, uye ndichaomesa hova dzako,’
对深渊说:你干了吧! 我也要使你的江河干涸。
28 iye anoti pamusoro paSirasi, ‘Ndiye mufudzi wangu uye achaita zvose zvandinoda; iye achati pamusoro peJerusarema, “Ngarivakwezve,” uye pamusoro petemberi achati, “Nheyo dzayo ngadziteyiwe.”’
论塞鲁士说:他是我的牧人, 必成就我所喜悦的, 必下令建造耶路撒冷, 发命立稳圣殿的根基。

< Isaya 44 >