< Isaya 43 >
1 Asi zvino, zvanzi naJehovha, iye akasika iwe Jakobho, iye akakuumba iwe Israeri: “Usatya, nokuti ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako; uri wangu.
Али сада овако вели Господ, који те је створио, Јакове, и који те је саздао, Израиљу: не бој се, јер те откупих, позвах те по имену твом; мој си.
2 Paunopfuura nomumvura zhinji ini ndichava newe; uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri. Paunofamba nomumoto, haungazotsvi; murazvo haungazokupisi.
Кад пођеш преко воде, ја ћу бити с тобом, или преко река, неће те потопити; кад пођеш кроз огањ, нећеш изгорети и неће те пламен опалити.
3 Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako; ndinopa Ijipiti kuti ive rusununguko rwako, Etiopia neShebha pachinzvimbo chako.
Јер сам ја Господ, Бог твој, Светац Израиљев, Спаситељ твој; дадох у откуп за те Мисир, Етиопску и Севу место тебе.
4 Sezvo uchikosha uye uchikudzwa pamberi pangu, uye nokuti ndinokuda, ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu pachinzvimbo choupenyu hwako.
Откако си ми постао драг, прославио си се и ја те љубих; и дадох људе за те и народе за душу твоју.
5 Usatya, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako kubva kumabvazuva, ndichakuunganidzai kubva kumavirira.
Не бој се, јер сам ја с тобом; од истока ћу довести семе твоје, и од запада сабраћу те.
6 Ndichati kurutivi rwokumusoro, ‘Varegedze!’ uye kurutivi rwezasi, ‘Usavadzivisa.’ Uyisai vanakomana vangu kubva kure, uye navanasikana vangu vabva kumigumo yenyika,
Казаћу северу: Дај, и југу: Не брани; доведи синове моје из далека и кћери моје с крајева земаљских,
7 vose vanodanwa nezita rangu, vandakasikira kukudzwa kwangu vandakaumba uye ndikaita.”
Све, који се зову мојим именом и које створих на славу себи, саздах и начиних.
8 Uyai neavo vane meso asi vari mapofu, vane nzeve asi vari matsi.
Изведи народ слепи који има очи, и глуви који има уши.
9 Ndudzi dzose ngadziungane pamwe chete, uye marudzi ngaaungane. Ndianiko pakati pavo akati izvi zvichaitika, akatiparidzira zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo kuti zvionekwe kuti havana mhosva, kuitira kuti vamwe vanzwe vagoti, “Ichokwadi.”
Сви народи нека се скупе, и нека се саберу племена; ко је између њих напред казао то или нам казао шта је било пре? Нека доведу сведоке своје и оправдају се; или нека чују, и кажу: Истина је.
10 “Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nomuranda wangu wandakasarudza, kuti mugoziva uye mugonditenda uye mugonzwisisa kuti ndini iye. Hakuna kumbova nomumwe mwari akaumbwa ndisati ndavapo, uye hakuchazova nomumwe shure kwangu.
Ви сте моји сведоци, вели Господ, и слуга мој кога изабрах, да бисте знали и веровали ми и разумели да сам ја; пре мене није било Бога нити ће после мене бити.
11 Ini, iyeni, ndini Jehovha, uye kunze kwangu hakuna muponesi.
Ја сам, ја сам Господ, и осим мене нема Спаситеља.
12 Ini ndakaratidza ndikaponesa, ndikaparidza, ini, kwete vamwe vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu. Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti, “ndini Mwari.
Ја објавих, и спасох, и напред казах, и никоји туђ бог међу вама, и ви сте ми сведоци, вели Господ, и ја сам Бог.
13 Hongu, kubva pamazuva akare ndini iye. Hakuna angarwira munhu muruoko rwangu. Pandinoita chinhu, ndianiko angachikonesa?”
Ја сам од пре него дан поста, и нико не може избавити из моје руке; кад радим, ко ће смести?
14 Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsraeri: “Ndichatuma vanhu kuBhabhironi nokuda kwenyu, uye ndichaburitsa vaBhabhironi vose vachitiza, muzvikepe zvavaidada nazvo.
Овако говори Господ Избавитељ ваш, Светац Израиљев: Вас ради послаћу у Вавилон и побацаћу све преворнице, и Халдејце с лађама, којима се хвале.
15 Ndini Jehovha, Mutsvene Wenyu, Musiki waIsraeri, Mambo wenyu.”
Ја сам Господ Светац ваш, Створитељ Израиљев, цар ваш.
16 Zvanzi naJehovha, iye akaita nzira pakati pegungwa, nenzira mukati memvura zhinji,
Овако говори Господ који је начинио по мору пут и по силним водама стазу,
17 iye akabudisa ngoro namabhiza, hondo pamwe chete nezvinosimbisa, vakavata ipapo, havana kuzombomukazve, vadzimwa, vadzimwa somwenje:
Који изводи кола и коње, војску и силу, да сви попадају и не могу устати, да се угасе као што се гаси свештило:
18 “Chikanganwai zvinhu zvakare; musaramba muri pane zvakapfuura.
Не помињите шта је пре било и не мислите о старим стварима.
19 Tarirai, ndava kuita chinhu chitsva! Zvino chava kumera; hamuchioni here? Ndiri kuita nzira mugwenga nehova musango.
Ево, ја ћу учинити ново, одмах ће настати; нећете ли га познати? Још ћу начинити у пустињи пут, реке у сувој земљи.
20 Zvikara zvesango zvinondikudza, makava namazizi, nokuti ndinozvipa mvura mugwenga nehova musango, kuti ndipe vanhu vangu chokunwa, vasanangurwa vangu,
Славиће ме звери пољске, змајеви и сове, што сам извео у пустињу воде, реке у земљи сувој, да напојим народ свој, изабраника свог.
21 vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.
Народ који саздах себи, приповедаће хвалу моју.
22 “Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho; hauna kuzvinetesa nokuda kwangu, iwe Israeri.
А ти, Јакове, не призива ме, и бејах ти досадан, Израиљу.
23 Hauna kundivigira makwai ezvipiriso zvinopiswa, kana kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nezvipiriso zvezviyo, kana kukunetesa nokuda zvinonhuhwira.
Ниси ми принео јагњета на жртву паљеницу, и жртвама својим ниси ме почастио; нисам те нагонио да ми служиш приносима, нити сам те трудио да ми кадиш.
24 Hauna kundivigira kana zvinotapira, kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi wakandiremedza nezvivi zvako uye ukandinetesa nokudarika kwako.
Ниси ми купио за новце када, нити си ме претилином жртава својих наситио, него си ме мучио својим гресима, и досадио си ми безакоњем својим.
25 “Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako, nokuda kwangu, handizorangaririzve zvakaipa zvako.
Ја, ја сам бришем твоје преступе себе ради, и грехе твоје не помињем.
26 Ndiyeuchidze zvakapfuura, ngatitaurirane nyaya iyi pamwe chete; zvipupurire kuti hauna mhosva.
Опомени ме, да се судимо, казуј, да се оправдаш.
27 Tateguru wako akatadza; vamiririri vako vakandimukira.
Отац твој први сагреши, и учитељи твоји скривише ми.
28 Naizvozvo ndichanyadzisa vanokudzwa vomutemberi yako, uye ndichaita kuti Jakobho aparadzwe uye Israeri asekwe.
Зато ћу избацити из светиње кнезове, и даћу Јакова у проклетство и Израиља у срамоту.